聖經新譯本

Shona

Judges

9

1亞比米勒殺基甸的眾子耶路.巴力的兒子亞比米勒,到示劍去見他的眾母舅,對他們和他母親的全體族人說:
1Zvino Abhimereki, mwanakomana
2“請你們給示劍的眾人說:‘是耶路.巴力的眾子七十人都統治你們好呢?還是一個人統治你們好呢?’你們也要記得我是你們的骨肉。”
2Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete? Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.
3他的眾母舅就把這一切話為他說給示劍的眾人聽;他們的心都傾向亞比米勒,因為他們說:“他本是我們的親族。”
3Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; moyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nekuti vakati, Ihama yedu.
4他們就從巴力.比利土的廟裡,取了八百克銀子給亞比米勒,亞比米勒用這些銀子雇了一些無賴流氓,那些人就跟隨了他。
4Vakamupa mari yesirivha yakasvika mashekeri ana makumi manomwe, yavakatora paimba yaBhaari-bheriti, Abhimereki akaripira varume vakaipa, vasine hanya, ivo vakamutevera.
5他回到俄弗拉他父親的家,把自己的兄弟,耶路.巴力的眾子七十人,都殺在一塊石頭上;只剩下耶路.巴力的小兒子約坦,因為他藏了起來。
5Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nekuti wakange avanda.
6示劍的眾人和伯特米羅人都聚集起來,到示劍橡樹旁的望樓那裡,立亞比米勒為王。
6Zvino varume vose veShekemu vakaungana pamwechete navose veimba yaMiro, vakandoita Abhimereki mambo pamuouki weshongwe yakamiswa paShekemu.
7約坦的寓言有人把這事告訴了約坦,約坦就去,站在基利心山頂上,高聲向他們呼喊,說:“示劍人哪,你們要聽我的話, 神也就聽你們的話。
7Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nenzwi guru, akati kwavari, Mundinzwei, imwi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
8有一次,眾樹要去膏立一個王統治它們,就對橄欖樹說:‘請你作王統治我們吧。’
8Imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo; ikati kumuorivhi, Iva mambo wedu iwe.
9橄欖樹對它們說:‘我怎可以放棄生產人用來榮耀 神和尊崇人的油,飄搖在眾樹之上呢?’
9Asi muorivhi wakati kwairi, Ko ini ndingarega mafuta angu, anorumbidzwa naMwari navanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
10眾樹對無花果樹說:‘請你來作王統治我們吧。’
10Zvino miti ikati kumuonde, Uya iwe, uve mambo wedu.
11無花果樹對它們說:‘我怎可以放棄結出我的甜美果子,飄搖在眾樹之上呢?’
11Asi muonde, wakati kwairi ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
12眾樹對葡萄樹說:‘請你來作王統治我們吧。’
12Zvino miti ikati kumuzambiringa, Uya iwe, uve mambo wedu.
13葡萄樹對它們說:‘我怎可以放棄生產那使 神和世人都喜樂的新酒,飄搖在眾樹之上呢?’
13Muzambiringa ukati kwairi, Ko ini ndingarega waini yangu, inofadza Mwari navanhu, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
14於是眾樹都對荊棘說:‘請你來作王統治我們吧。’
14Ipapo miti yose yakati kurukato, Uya iwe, uve mambo wedu.
15荊棘對眾樹說:‘如果你們真誠地膏立我作王統治你們,就要來,投靠在我的蔭下;否則,火必從荊棘裡出來,吞滅黎巴嫩的香柏樹。’
15Rukato rukati kumiti, Kana mukandizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, chiuyai muvande pamumvuri wangu; kana musingadi, moto ngaubude parukato, uparadze misidhari yeRebhanoni.
16“現在你們立亞比米勒為王,你們若是誠實和正直,如果你們善待耶路.巴力和他的家,照著他手所作的待他;
16Saka zvino kana makaita zvakanaka nezvakarurama, zvamakaita Abhimereki mambo wenyu, uye kana makaitira Jerubhaari sezvaakafanirwa pamusoro pezvaakakuitirai,
17我父親從前冒死為你們爭戰,把你們從米甸人手中救了出來;
17(nokuti baba vangu vakakurwirai, vasingarangariri upenyu hwavo, vakakurwirai mumaoko avaMidhiani;
18今日你們竟起來攻擊我的父家,在一塊石頭上殺了他七十個兒子,又立了他的婢女所生的兒子亞比米勒作示劍人的王,因為他原是你們的親族。
18imwi mukamukira nhasi imba yababa vangu, mukauraya pabwe rimwe vanakomana vake, vanhu vana makumi manomwe, mukaita Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wake, mambo wavarume veShekemu, zvairi hama yenyu;)
19今日你們若是按著誠實和正直待耶路.巴力和他的家,你們就可以因亞比米勒得喜樂,亞比米勒也可以因你們得喜樂。
19kana makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka nezvakarurama nhasi, chifarirai henyu Abhimereki, naiye akufarireiwo;
20若不是這樣,願火從亞比米勒出來,吞滅示劍人和伯特米羅人;又願火從示劍人和伯特米羅人出來,吞滅亞比米勒。”
20asi kana zvisina kunaka, moto ngaubude kuna Abhimereki, uparadze varume veShekemu, naveimba yaMiro; uye moto ngaubude kuvarume veShekemu, naveimba yaMiro, uparadze Abhimereki.
21接著約坦就逃跑了;他逃到比珥去,住在那裡,躲避他的兄弟亞比米勒。
21Ipapo Jotamu akamhanya, akatiza, akandogara paBheeri, nekuti wakatya Abhimereki mukuru wake.
22示劍人背叛亞比米勒王亞比米勒治理以色列人三年。
22Abhimereki akabata ushe pavaIsiraeri makore matatu.
23 神差派邪惡的靈來到亞比米勒與示劍人中間,示劍人就背棄了亞比米勒。
23Mwari akazotuma mweya wetsvina pakati paAbhimereki navarume veShekemu; varume veShekemu vakanyengera Abhimereki;
24這是要報復對耶路.巴力七十個兒子的暴行,把流他們血的罪歸到他們的兄弟亞比米勒身上,就是那殺害他們的;也歸到示劍人身上,就是那些幫助亞比米勒去殺他自己的兄弟的。
24kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, munin'ina wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
25示劍人在山頂上設下埋伏,路過他們那裡的,他們都劫掠;有人把這事告訴亞比米勒。
25Varume veShekemu vakaisa vanhu vakamuvandira pamusoro pamakomo, vakapamba vose vakanga vachipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki akaudzwa izvozvo.
26那時,以別的兒子迦勒與他的兄弟都來了,到示劍去,示劍人竟信任他。
26Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, wakauya nehama dzake, vakaenda Shekemu; varume veShekemu vakavimba naye.
27他們出到田間去,收取葡萄,榨酒,舉行慶祝會,進入他們的神廟吃喝,並且咒詛亞比米勒。
27Vakabudira kuminda yavo, vakakohwa mazambiringa avo vakatsika-tsika mazambiringa, vakatamba mutambo, ndokupinda mumba mamwari wavo, vakadya, vakamwa, vakatuka Abhimereki.
28以別的兒子迦勒說:“亞比米勒是誰?示劍是誰?竟要我們服事他呢?他不是耶路.巴力的兒子嗎?他的副官不是西布勒嗎?你們要服事示劍的始祖哈抹的後人啊;我們為甚麼要服事亞比米勒呢?
28Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? imwi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
29但願這些人民都歸在我手下,我好把亞比米勒除掉。”迦勒又對亞比米勒說:“增添你的軍隊出來吧!”
29Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaidzinga Abhimereki. Zvino akati kuna Abhimereki, Wedzera hondo yako, ubude kuzorwa.
30那城的首長西布勒聽了以別的兒子迦勒的話,他的怒氣就發作,
30Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa kwazvo.
31祕密差派使者去見亞比米勒,說:“以別的兒子迦勒和他的兄弟已經到了示劍,他們正在煽動那城的人反叛你。
31Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
32現在,你和與你在一起的人,要在夜間起來,在野地埋伏。
32Saka zvino chimuka usiku, iwe navanhu vaunavo, muvande musango.
33到了早晨,太陽出來的時候,你就要起來攻城;你要注意,迦勒和與他在一起的人出來對抗你的時候,你就把握機會對付他們。”
33Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda.
34於是亞比米勒和與他在一起的人,都在夜間起來,分作四隊,埋伏著等候示劍人。
34Ipapo Abhimereki akamuka usiku, iye navanhu vose vaakanga anavo, vakandovandira Shekemu vakaita mapoka mana.
35以別的兒子迦勒出去,站在城門口;亞比米勒和與他在一起的人,從埋伏的地方起來。
35Zvino Gaari, mwanakomana waEbhedhi, akamira pavanopinda napo pasuwo reguta; Abhimereki akasimuka, iye navanhu vaakanga anavo pavakanga vakavandira.
36迦勒看見了那些人,就對西布勒說:“你看,有人從山頂上下來。”西布勒說:“你看見山的影子以為是人。”
36Zvino Gaari wakati achiona vanhu, akati kuna Zebhuri, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kumusoro kumakomo. Zebhuri akati kwaari, Unoona hako mimvuri yamakomo, yakafanana navanhu.
37迦勒又說:“看哪,有人從高地下來,又有一隊從米惡尼尼橡樹的路徑而來。”
37Gaari akapamhidzazve, akati, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kurutivi rwokumusoro, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yomuouki weMeonenimi.
38西布勒對他說:“你曾經說過:‘亞比米勒是誰,竟要我們服事他呢?’現在你說這話的嘴在哪裡呢?這不是你輕視的人嗎?現在請你出去與他們交戰吧。”
38Ipapo Zebhuri akati kwaari, Zvino muromo wako uripi, zvawakanga uchiti, Abhimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko ava havazi vanhu avo vawakazvidza here? Zvino chiburuka hako undorwa navo.
39於是迦勒在示劍人面前出去,與亞比米勒爭戰。
39Ipapo Gaari akabuda pamberi pavarume veShekemu, akandorwa naAbhimereki.
40亞比米勒追趕迦勒,迦勒在他面前逃跑,直到城門口,有很多受傷的人仆倒。
40Abhimereki akadzingana naye, akatiza pamberi pake,
41亞比米勒住在亞魯瑪;西布勒把迦勒和他的兄弟趕走,不許他們住在示劍。
41Abhimereki akagara paAruma, Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, kuti varege kuzogara paShekemu.
42亞比米勒的反擊次日,城中眾人出到田間去,有人把這事告訴亞比米勒。
42Zvino fume mangwana vanhu vakabuda kusango; vakaudza Abhimereki.
43亞比米勒就把他的人分作三隊,埋伏在田間;他在那裡觀看,見有人從城裡出來,就起來攻擊他們,把他們擊殺了。
43Iye akatora vanhu akavakamura, akaita mapoka matatu, akandovavandira kusango; akatarira, akaona vanhu vachibuda muguta, akasimuka, akandorwa navo, akavauraya.
44亞比米勒和與他在一起的一隊人忽然衝過去,站在城門口;其他兩隊人也衝出來攻打所有在田間的人,把他們擊殺了。
44Abhimereki namapoka akanga anaye, vakamhanya, vakandomira pavanopinda napo pasuwo reguta; namapoka maviri akamhanyira kuna vose vakanga vari kusango, vakavauraya.
45那一天,亞比米勒整天攻打那城,把城攻下了,殺了城中的眾人;把城拆毀,又撒上鹽。
45Abhimereki akarwa neguta musi iwoyo wose, akakunda guta, akauraya vanhu vakanga varimo; akaputsa guta, ndokurikusha munyu.
46示劍樓的眾人聽見了這事,就逃入伊勒.比利土廟的地穴裡。
46Zvino varume vose vorusvingo rweShekemu vakati vazvinzwa, vakapinda munhare, mumba maEri-bheriti.
47有人告訴亞比米勒,說:“示劍樓所有的人都聚集在一起。”
47Abhimereki akaudzwa kuti varume vose vorusvingo rweShekemu vaungana pamwechete.
48亞比米勒和與他在一起的人都上了撒們山;亞比米勒手裡拿著斧子,砍下一根樹枝,拿起來放在自己的肩頭上,然後對與他在一起的人說:“你們看我作甚麼,你們也要趕快照樣作。”
48Abhimereki akakwira pagomo reZarimoni, iye navanhu vose vaakanga anavo; Abhimereki akatora masanhu muruoko rwake, akatema davi romuti, akarisimudza, akariisa pafudzi rake; akati kuvanhu vaakanga anavo, Kurumidzai, muite sezvamakaona ndichiita ini.
49於是眾人也各自砍下一根樹枝,跟隨著亞比米勒,把樹枝放在地穴上,放火燒了地穴,以致示劍樓的人都死了,男女約有一千人。
49Ipapo vanhu vose vakatema mumwe nomumwe davi rake, vakatevera Abhimereki; vakaaisa kunhare, vakapisa nhare nomoto, ivo varimo, naizvozvo vanhu vose vakanga vari murusvingo rweShekemu vakafa, vanenge chiuru chimwe chavarume navakadzi.
50亞比米勒的結局後來亞比米勒到提備斯去,安營攻打提備斯,攻取了那城。
50Zvino Abhimereki akaenda Tebhezi, akamisa misasa yavo paTebhezi, akarikunda.
51城中有一座堅固的城樓;那城所有的人,無論男女,都逃到那裡去,關上門,上了樓頂。
51Asi mukati meguta makanga muno rusvingo rwakanga rwakasimba, varume navakadzi vose vakatiziramo, vose vakanga vari muguta vakazvipfigiramo, vakakwira kudenga rorusvingo.
52亞比米勒到了城樓前,攻打城樓;他走近城樓門口,要用火焚燒。
52Abhimereki akasvika parusvingo, akarwa narwo, akaswedera pedo nomukova worusvingo, kuti arupise nomoto.
53有一個婦人把一塊上磨石拋在亞比米勒的頭上,打破了他的頭蓋骨。
53Ipapo mumwe mukadzi akakanda guyo pamusoro waAbhimereki, akaputsa dehenya rake.
54他急忙呼喊替他拿兵器的少年人,對他說:“拔出你的刀來,把我殺死吧。免得人講論我說:‘他被一個婦人所殺。’”於是那少年人把他刺透,他就死了。
54Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, Wakaurawa nomukadzi. Jaya rake rikamubaya, akafa.
55以色列人看見亞比米勒死了,就各回自己的地方去了。
55Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti Abhimereki wafa, vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake.
56這樣, 神報應了亞比米勒向他父親所行的惡事,就是他殺了自己的兄弟七十個人。
56Saizvozvo Mwari akatsiva zvakashata zvaAbhimereki zvaakaitira baba vake, zvaakauraya vana vababa vake vana makumi manomwe,
57 神也把示劍人的一切惡事,都報應在他們的頭上;耶路.巴力的兒子約坦的咒詛,也歸到他們身上。
57nezvakashata zvose zvavarume veShekemu zvakatsibwa naMwari kwaari; kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari, kukaitika kwavari.