1哀歎錫安的遭遇從前人煙稠密的城中,現在怎麼竟然孤獨地坐在那裡。從前在列國中為大的,現在怎麼竟然像個寡婦。從前在眾省分中為王后的,現在怎麼竟然成了奴隸。
1Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamoyo pakati penyika, rovigira mutero.
2她在夜間痛哭,淚流滿面。在她所有親愛的人中,沒有一個安慰她的。她所有的朋友都以詭詐待她,都成了她的仇敵。
2Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikamwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
3猶大受盡痛苦,飽經勞役,更遭流徙異地。她住在列國中,找不著安居之所。在困境之中,追趕她的人把她追上了。
3Judha aenda kuutapwa nokuda kokutambudzika, nokuda kokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamubata pakamanikana.
4通往錫安道路悲哀,因為沒有人去守節。錫安一切的城門冷落,祭司唉哼,處女憂傷,錫安也受盡痛苦。
4Nzira dzeZiyoni dzinochema, nekuti hakuna anouya kumutambo, masuwo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
5錫安的敵人成為主人;她的仇敵亨通。因為她的過犯眾多,耶和華就使她受苦。她的孩童在敵人面前被擄去。
5Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nekuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
6錫安(“錫安”原文作“錫安的女子”)所有的尊榮,都離開了她的居民。她的眾領袖都像找不著牧場的鹿;在追趕的人面前無力逃走。
6Kunaka kwake kose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
7耶路撒冷在困苦飄流的日子,就追念她昔日的一切珍寶。她的人民落在敵人手裡的時候,沒有人幫助她。敵人看見她,就譏笑她的滅亡。
7Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
8耶路撒冷犯了大罪,因此成了不潔之物。素來尊敬她的現在都藐視她,因為看見她赤身露體;她自己也唉哼,轉身退避。
8Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nekuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
9她的污穢沾滿了衣裙;她從不思想自己的結局。所以她令人驚異地敗落了;沒有人安慰她。她說:“耶和華啊!求你看看我的苦難,因為仇敵顯為大。”
9Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nekuti muvengi wazvikudza.
10敵人伸手奪取她的一切珍寶,她看著外族人闖入她的聖所:你曾禁止他們進入你的會中。
10Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nekuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
11她所有的人民都在唉哼,到處尋覓食物;他們為了維持生命,拿自己的珍寶去換取糧食。她說:“耶和華啊!求你垂看,求你鑒察,因為我被人藐視。”
11Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nekuti ndaitwa wakazvidzwa.
12耶路撒冷自述苦況所有過路的人啊!你們毫不在意嗎?你們要細察要觀看,有沒有痛苦像我所受的痛苦,就是耶和華在他發烈怒的日子使我所受的痛苦。
12Nhai, imwi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
13他從高天降火,使火進入我的骨頭裡。他設置網羅絆我的腳,使我退去。他使我孤單淒涼,終日愁煩。
13Akatuma moto mumafupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
14我的過犯像軛一樣被綁好;是他親手纏綁的。我的過犯加在我的頸上,他使我的氣力衰弱。主把我交在我不能對抗的人手中。
14Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
15主丟棄我中間的所有勇士;他招聚了一大群人來攻擊我,要打碎我的青年人。主踐踏猶大女兒中的處女,像踐踏壓酒池一樣。
15Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
16為了這些事我不住哭泣,我的眼不住流下淚水;因為那安慰我、使我重新振作的,都遠離了我。我的兒女孤單淒涼,因為仇敵得勝了。
16Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nekuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vava nhoronhondo, nekuti muvengi akunda.
17錫安伸出雙手,但沒有人安慰她。論到雅各,耶和華已經下令,使他四圍的人都與他為敵;耶路撒冷在他們中間,已經成了不潔的東西。
17Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakove, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
18 神的公義耶和華是公義的,他這樣待我,是因為我違背了他的命令。萬民哪!請你們聽我的話!看看我的痛苦!我的少女和青年人都已經被擄去了。
18Jehovha akarurama, nekuti ndakamukira murayiro wake; doteererai imwi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
19我向我所愛的人呼求,他們卻欺騙我。我的祭司和長老為了延續生命,尋找糧食的時候,就在城中氣絕身亡了。
19Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapristi vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
20耶和華啊!你看,患難臨到我!我的心腸激動,我的心在我裡面翻轉,因為我曾經非常悖逆。街上有刀劍使人喪子,屋裡也有死亡。
20Tarirai, Jehovha, nekuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nekuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
21有人聽見我的唉哼,卻沒有人安慰我,我所有的仇敵都聽見我的災難;你作了這事,他們就歡樂。願你使你所宣告的日子來臨那時,他們就必像我一樣。
21Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
22願他們的一切惡行都擺在你面前,願你對付他們,好像你因我的一切過犯對付我一樣。因為我唉哼甚苦,我心裡愁煩。
22Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kokudarika kwangu kose; nekuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.