聖經新譯本

Shona

Leviticus

4

1贖罪祭的條例耶和華對摩西說:
1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2“你要告訴以色列人說:如果有人在耶和華吩咐不可行的事上無意犯了罪,他必須遵行以下條例中的一樣:
2Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo;
3為大祭司贖罪“如果受膏的祭司犯了罪,使人民陷在罪裡,他就要為自己所犯的罪,獻一頭沒有殘疾的公牛給耶和華作贖罪祭。
3kana mupristi wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.
4他要把公牛牽到耶和華面前,在會幕門口,按手在公牛頭上,然後在耶和華面前宰殺那公牛,
4Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha.
5受膏的祭司要取一些公牛的血,帶到會幕那裡。
5Zvino mupristi wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana,
6祭司要把指頭蘸在血裡,在耶和華面前向著聖所的幔子,彈血七次。
6mupristi agonyika mumwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
7然後祭司要用血抹會幕裡耶和華面前的香壇的四角;至於其餘的牛血,都要倒在會幕門口的燔祭壇腳那裡。
7Zvino mupristi aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzearitari yezvinonhuhwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
8他要取出贖罪祭的公牛所有的脂肪,就是遮蓋內臟的脂肪和內臟上的一切脂肪,
8Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
9兩腎和腎上近腰的脂肪,和腎旁的肝葉,都一起取下來,
9netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo,
10正如從平安祭的公牛取出來的一樣。祭司要把這些焚燒在燔祭壇上。
10sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino mupristi ngaazvipise pamusoro pearitari yezvipiriso zvinopiswa.
11至於公牛的皮和所有的肉,連頭帶腿,以及內臟和糞,
11Debwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, neura hwayo, namazvizvi ayo;
12就是整頭公牛,要搬到營外潔淨的地方,倒壇灰的地方,放在柴上用火焚燒,就在倒壇灰的地方焚燒。
12nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota.
13為全會眾贖罪“如果以色列全體會眾無意犯罪,是隱而未現、會眾看不出來的,但他們行了一件耶和華吩咐不可行的事,他們就有罪。
13Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikamwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka;
14當發覺他們犯了罪的時候,會眾就要獻一頭公牛作贖罪祭,把牠牽到會幕前面;
14kana chivi chavakatadza chikazozikamwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana.
15會眾的長老要在耶和華面前按手在公牛的頭上,然後在耶和華面前宰殺那公牛。
15Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha.
16受膏的祭司要把公牛的一些血,帶到會幕那裡;
16Zvino mupristi wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana,
17祭司要把指頭蘸在血裡,在耶和華面前,向著幔子,彈血七次;
17mupristi anyike mumwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi
18然後用血抹會幕裡耶和華面前的壇角;至於其餘的牛血,都要倒在會幕門口的燔祭壇腳那裡。
18Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
19他要取出公牛所有的脂肪,焚燒在祭壇上。
19Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro pearitari.
20處理這公牛與處理大祭司的贖罪祭公牛一樣,要按同一條例執行。祭司為他們贖了罪,他們就蒙赦免。
20Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; mupristi anofanira kuvayananisira, vakangamwirwe.
21他要把這公牛搬到營外焚燒,好像焚燒前一頭公牛一樣,這是會眾的贖罪祭。
21Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano.
22為官長贖罪“如果領袖無意犯了罪,行了一件耶和華他的 神吩咐不可行的事,他就有罪。
22Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
23他一發覺犯了罪,就要牽一隻沒有殘疾的公山羊羔作供物,
23kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake.
24要按手在山羊的頭上,然後在宰燔祭牲的地方,在耶和華面前宰殺牠,這是贖罪祭。
24Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi.
25祭司要用指頭取贖罪祭牲的一些血,抹燔祭壇的四角,其餘的血要倒在燔祭壇腳那裡。
25Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire muzasi mearitari yechipiriso chinopiswa.
26公羊所有的脂肪,都要焚燒在祭壇上,好像平安祭的脂肪一樣;祭司為他贖了罪,他就蒙赦免。
26Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro pearitari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; mupristi amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akangamwirwe.
27為眾民贖罪“如果那地的居民中有人無意犯了罪,行了一件耶和華吩咐不可行的事,他就有罪。
27Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
28他一發覺犯了罪,就要為自己所犯的罪,牽一隻沒有殘疾的母山羊作供物。
28kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza.
29他要按手在贖罪祭牲的頭上,然後在宰燔祭牲的地方,宰殺贖罪祭牲。
29Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa.
30祭司要用指頭取一些羊血,抹燔祭壇的四角,其餘的血都要倒在祭壇腳那裡。
30Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rayo nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga mearitari.
31母山羊所有的脂肪都要取出來,好像取出平安祭牲的脂肪一樣;然後祭司要把這些焚燒在祭壇上,獻給耶和華作馨香的祭。祭司為他贖了罪,他就蒙赦免。
31Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupristi agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; mupristi anofanira kumuyananisira, akangamwirwe.
32“如果人獻一隻綿羊羔作贖罪祭的供物,就要牽一隻沒有殘疾的母羊;
32Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva.
33他要按手在贖罪祭牲的頭上,然後在宰燔祭牲的地方宰殺牠,作為贖罪祭。
33Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa.
34祭司要用指頭取一些贖罪祭牲的血,抹燔祭壇的四角,其餘的羊血,都要倒在祭壇腳那裡。
34Zvino mupristi ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga mearitari;
35羊所有的脂肪都要取出來,好像取出平安祭綿羊羔的脂肪一樣;祭司要把這些放在祭壇耶和華的火祭上面焚燒,祭司為他所犯的罪行贖罪,他就蒙赦免。”
35zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; mupristi aapise pamusoro pearitari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; mupristi anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akangamwirwe.