聖經新譯本

Shona

Leviticus

9

1祭司獻祭到了第八天,摩西把亞倫和他的兒子,以及以色列的眾長老都召了來;
1Zvino nomusi werusere Mozisi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri,
2摩西對亞倫說:“你要取一頭公牛犢來作贖罪祭,一隻公綿羊作燔祭,兩樣都要沒有殘疾的;獻在耶和華的面前。
2akati kuna Aroni, Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondobwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha.
3你也要告訴以色列人:你們要取一隻公山羊作贖罪祭,又取一頭一歲的牛犢和一隻一歲的綿羊羔作燔祭,兩樣都要沒有殘疾的;
3Utaure navana vaIsiraeri, uti, Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
4又取一頭公牛和一隻公綿羊作平安祭,宰獻在耶和華面前;又取用油調和的素祭,因為今天耶和華要向你們顯現。”
4nenzombe, negondobwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nekuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.
5於是他們把摩西所吩咐的,帶到會幕前面;全體會眾都走近來,站在耶和華的面前。
5Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMozisi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
6摩西說:“這是耶和華吩咐你們的事,你們要照著行,耶和華的榮耀就要向你們顯現。”
6Ipapo Mozisi akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.
7然後摩西對亞倫說:“走到祭壇那裡,獻上你的贖罪祭和燔祭,為自己和人民贖罪;又獻上人民的供物,按著耶和華的吩咐,為他們贖罪。”
7Mozisi akati kuna Aroni, Swedera kuaritari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.
8於是亞倫走近祭壇,宰殺那為自己獻的贖罪祭牛犢。
8Ipapo Aroni wakaswedera kuaritari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake.
9亞倫的兒子奉上血,他就把手指蘸在血裡,抹在祭壇的四角上,把剩下的血倒在祭壇腳那裡;
9Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzearitari, akadurura ropa mujinga mearitari;
10贖罪祭牲的脂肪、腎和肝葉,他都焚燒在祭壇上,都是照著耶和華吩咐摩西的。
10asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro pearitari, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
11至於肉和皮,卻在營外用火燒掉。
11Nyama nedebwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.
12亞倫宰殺了燔祭牲,他的兒子把血遞給他,潑在祭壇的周圍。
12Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
13他們跟著把燔祭牲一塊一塊連頭遞給他,焚燒在祭壇上。
13Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro pearitari.
14亞倫又洗淨了內臟和腿,在祭壇的燔祭上焚燒。
14Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro pearitari.
15他把人民的供物獻上,又把那為人民作贖罪祭的公山羊牽來,宰殺了,獻為贖罪祭,和先前獻的一樣。
15Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga.
16然後他按著規則獻上燔祭,
16Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa.
17又獻上素祭,從其中取了滿滿的一把,在祭壇上焚燒。這是在早晨的燔祭以外的。
17Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro pearitari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani.
18亞倫又宰殺了那為人民作平安祭的公牛和公綿羊;亞倫的兒子把血遞給他,潑在祭壇的周圍。
18Akabayawo nzombe negondobwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose;
19他們又把公牛和公綿羊的脂肪、肥尾巴、遮蓋內臟的脂肪、兩個腎和肝葉,
19namafuta enzombe, neegondobwe, nebemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa;
20都放在胸上,亞倫就把脂肪在祭壇上焚燒;
20akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro pearitari;
21至於胸和右後腿,亞倫拿來作搖祭,在耶和華面前搖一搖;都是照著摩西吩咐的。
21Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMozisi.
22亞倫向眾人舉起手,為他們祝福;他獻了贖罪祭、燔祭和平安祭,就下來。
22Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo.
23摩西和亞倫進了會幕,出來就為眾人祝福;耶和華的榮耀向眾民顯現。
23Mozisi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
24有火從耶和華面前出來,燒盡了祭壇上的燔祭和脂肪;眾民看見了,就大聲歡呼,俯伏在地。
24Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro pearitari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.