1治好水臌病的人在安息日,耶穌進了一個法利賽人領袖的家裡吃飯,眾人都在窺探他。
1Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuvaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
2正好在他面前有一個患水臌病的人;
2Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
3耶穌對律法師和法利賽人說:“在安息日治病,可以不可以呢?”
3Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo nevaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
4他們卻不出聲。耶穌扶著病人,治好他,叫他走了,
4Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
5就對他們說:“你們中間誰的兒子或牛在安息日掉在井裡,不立刻把他拉上來呢?”
5Akavapindura achiti: Ndiani pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nesabata?
6他們不能回答這些話。
6Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
7耶穌教訓筵席的主人(參箴25:6~7)耶穌看見被邀請的客人選擇高位,就用比喻對他們說:
7Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanozvisanangurira sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
8“你被邀請參加婚筵的時候,不要自己坐在高位上,恐怕有比你更尊貴的客人也被請來;
8Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe unokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
9那請你又請他的人過來對你說:‘請你讓位給這個人。’那時你就慚愧地退居末位了。
9zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kugara kunzvimbo yepasisa nenyadzi.
10你被邀請的時候,要坐在末位上,等請你的人過來對你說:‘朋友,請上座。’那時你在同席的人面前才有光彩。
10Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
11因為凡高抬自己的,必要降卑;自己謙卑的,必要升高。”
11Nekuti ani nani unozvikwiridzira, uchaninipiswa; neunozvininipisa uchakwiridzirwa.
12耶穌又對邀請他的人說:“你設午餐或晚宴,不要請你的朋友、弟兄、親戚或富裕的鄰舍,恐怕他又回請你,你就得了報答。
12Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivo vangazokukokazve, ugoripirwa.
13你擺筵席的時候,總要邀請那貧窮的、殘廢的、瘸腿的、瞎眼的,
13Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
14那你就有福了。因為他們沒有甚麼可以報答你,義人復活的時候,你必定得著報答。”
14uye ucharopafadzwa, nekuti havana zvokukuripira nazvo, nekuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
15婚筵的比喻(參太22:1~10)一起吃飯的人中有一個,聽了這些話,就對耶穌說:“在 神的國裡吃飯的人有福了。”
15Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya chingwa paushe hwaMwari.
16耶穌對他說:“有一個人大擺筵席,請了許多客人。
16Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
17到了開席的時候,他打發僕人去對所請的人說:‘請來吧!樣樣都準備好了。’
17Akatuma muranda wake nenguva yekurayira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nekuti zvose zvagadzirwa zvino.
18眾人一致推辭,頭一個說:‘我買了一塊地,不得不去看一看,請原諒我。’
18Zvino vose vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda kunomuona; ndinokukumbira, undiregerere.
19另一個說:‘我買了五對牛,要去試一試,請原諒我。’
19Umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira undiregerere.
20又一個說:‘我剛結了婚,不能去。’
20Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
21僕人回來把這些事告訴他主人,家主就發怒,對僕人說:‘快到城裡大街小巷去,把貧窮的、殘廢的、瞎眼的、瘸腿的,都領到這裡來。’
21Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nezvirema, nemhetamakumbo, nemapofu.
22僕人說:‘主啊,你所吩咐的已經辦了,還有空位。’
22Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
23主人就對僕人說:‘你出去到路邊籬畔,勉強人進來,好把我的屋子坐滿。
23Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
24我告訴你們,先前請的那些人,一個也不得嘗我的筵席。’”
24Nekuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa ucharavira chirayiro changu.
25作門徒的代價(參太10:37~38)有許多人與耶穌同行,他轉身對他們說:
25Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
26“如果有人到我這裡來,愛我不超過愛(“愛我不超過愛”原文作“不恨”)自己的父母、妻子、兒女、兄弟、姊妹,甚至自己的性命,就不能作我的門徒。
26Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
27凡不背著自己的十字架跟隨我的,也不能作我的門徒。
27Zvino ani nani usingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
28你們當中有誰要蓋一座樓,不先坐下計算費用,能不能蓋成呢?
28Nekuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka shongwe, usingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
29恐怕安了地基,而不能完成,所有看見的人都譏笑他,
29Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vose vanoona vanotanga kumuseka,
30說:‘這個人開了工,卻不能完工。’
30vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
31或者一個王去和別的王打仗,哪有不先坐下想想,能否用一萬兵去抵抗那領兩萬來攻打他的呢?
31Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, usingatangi agara pasi, akafungisisa kana angagona nezvuru gumi kusangana neunouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
32如果不能,就該趁對方還遠的時候,派使者去談判和平的條件。
32Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, unotuma nhume, akumbire zverugare.
33這樣,你們中間不論誰,如果不撇下一切所有的,就不能作我的門徒。
33Saka saizvozvo, ani nani kwamuri usingasii zvose zaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
34“鹽本來是好的,但如果失了味,怎能使它再鹹呢?
34Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
35或用在田裡,或放在糞裡,都不合適;只好扔在外面。有耳可聽的,就應當聽。”
35Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourashira kunze. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.