1窮寡婦的奉獻(可12:41~44)耶穌抬眼看見有錢的人把奉獻投入奉獻箱。
1Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
2他又看見一個窮寡婦,投入兩個小錢,
2Uye wakaona imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri tuduku.
3就說:“我實在告訴你們,這個窮寡婦所投的,比眾人投的更多。
3Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vose;
4因為這些人都是把自己剩餘的投進去作奉獻,這寡婦是自己不足,卻把所有養生的都投進去了。”
4nekuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chose chaaiva nacho chaairarama nacho.
5預言聖殿被毀(太24:1~2;可13:1~2)有人在談論聖殿,是用美麗的石頭和供物裝飾的。耶穌說:
5Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
6“你們看見的這些,到了日子,必沒有一塊石頭留在另一塊石頭上面,每一塊都要拆下來。”
6Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
7這世代終結的預兆(太10:17~22,24:3~14;可13:3~13)那些人問他:“老師,甚麼時候會有這些事呢?這些事要發生的時候,有甚麼預兆呢?”
7Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
8他說:“你們要小心,不要被人迷惑。因為有許多人要來,假冒我的名說:‘我就是基督’,又說:‘時候近了。’你們不要跟從這些人。
8Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
9你們要聽見戰亂和暴動,但不要驚慌,因為這些事是必先發生的,不過結局卻不會立刻就到。”
9Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonganyonga, musavhunduswa; nekuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
10過了一會兒,耶穌又對他們說:“一個民族要起來攻打另一個民族,一個國家要起來攻打另一個國家。
10Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
11到處必有大地震、饑荒和瘟疫,天上必有又恐怖又巨大的預兆。
11Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa kuona nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
12但在這一切以先,人必為我的名,下手拘捕、迫害你們,把你們交給會堂,下在監裡,甚至押到君王和總督面前,
12Asi mberi kwaizvozvi zvose vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
13結果卻成了你們見證的機會。
13Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
14所以,你們應當心裡鎮定,用不著預先思慮怎樣申辯。
14Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
15因為我必賜給你們口才、智慧,是你們所有的敵人不能抵抗,也不能駁倒的。
15Nekuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vose zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
16你們也會被父母、弟兄、親戚、朋友出賣,他們又要害死你們一些人。
16Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17你們要因我的名,被眾人恨惡,
17Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu.
18然而連你們的一根頭髮,也必不失落。
18Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
19你們要以堅忍的心志,贏取自己的靈魂。
19Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
20預言耶路撒冷被毀(太24:15~21;可13:14~19)“當你們看見耶路撒冷被軍隊圍困的時候,就知道它荒涼的日子近了。
20Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
21那時,住在猶太的,應該逃到山上;住在城裡的,要離開;住在鄉下的,不要進城。
21Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kuruwa ngavarege kupinda mariri.
22因為這是報仇的日子,使經上的一切話都得應驗。
22Nekuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
23當那些日子,懷孕的和乳養孩子的有禍了!因為大災難要臨到這地,烈怒要臨到這民。
23Asi vane nhamo vane mimba nevanomwisa mumazuva iwayo! Nekuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
24他們將倒在刀下,被擄到各國,耶路撒冷必被外族人踐踏,直到外族人的日期滿足。
24Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ose; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
25人子必駕雲降臨(太24:29~35;可13:24~31)“日月星辰將有異兆;在地上,各國也要因著海洋波濤的咆哮而困苦不安。
25Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
26天上的萬象震動,人因為等待即將臨到世界的事,都嚇昏了。
26vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nekuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
27那時,他們要看見人子,帶著能力,滿有榮耀,駕著雲降臨。
27Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
28一有這些事,你們就當挺身昂首,因為你們的救贖近了。”
28Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, zvino itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nekuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
29耶穌又給他們講了一個比喻:“你們看看無花果樹和各樣的樹。
29Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yose;
30它們甚麼時候發芽,你們看見了,就知道夏天近了。
30kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
31同樣,你們甚麼時候看見這些事發生,也應該知道 神的國近了。
31Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
32我實在告訴你們,這一切都必定發生,然後這世代才會過去。
32Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringapfuuri, kusvikira zvose zvaitika.
33天地都過去,但我的話決不會廢去。
33Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34警醒祈求“你們應當自己小心,免得在貪食醉酒和生活的掛慮壓住你們的心的時候,那日子突然臨到你們,
34Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekudhakwa nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
35正如網羅臨到全地的所有居民。
35Nekuti seriva richasvika pamusoro pevose vagere pachiso chenyika yose.
36你們要時刻警醒,常常祈求,好讓你們能逃避這一切要發生的事,可以站在人子面前。”
36Naizvozvo rindai panguva dzose munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvo zvose zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
37耶穌白天在殿裡教導人,晚上就到橄欖山上去過夜。
37Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi usiku waibuda, achinogara mugomo rinonzi reMiorivhi.
38群眾清早起來上聖殿,到他那裡要聽他講道。
38Vanhu vose ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.