聖經新譯本

Shona

Luke

6

1安息日的主(太12:1~8;可2:23~28)有一個安息日,耶穌從麥田經過,他的門徒摘了麥穗,用手搓著吃。
1Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
2有幾個法利賽人說:“你們為甚麼作安息日不可作的事呢?”
2Asi vamwe vevaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
3耶穌回答:“大衛和跟他在一起的人,在飢餓的時候所作的,你們沒有念過嗎?
3Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,
4他不是進了 神的殿,吃了陳設餅,也給跟他在一起的人吃嗎?這餅除了祭司以外,別的人是不可以吃的。”
4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapavo vakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
5他又對他們說:“人子是安息日的主。”
5Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
6治好手枯的人(太12:9~14;可3:1~6)另一個安息日,耶穌進入會堂教導人,在那裡有一個人,右手枯乾,
6Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo weruoko rwake rwerudyi rwakawonyana.
7經學家和法利賽人要看他會不會在安息日治病,好找把柄控告他。
7Vanyori nevaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
8耶穌知道他們的意念,就對那一隻手枯乾了的人說:“起來,站在當中!”那人就起來站著。
8Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
9耶穌對他們說:“我問你們:在安息日哪一樣是可以作的呢:作好事還是壞事?救命還是害命?”
9Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
10他環視周圍所有的人,就對那人說:“伸出你的手來!”他把手一伸,手就復原了。
10Zvino akaringa-ringa kwavari vose, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akaita saizvozvo ruoko rwake rwukaporeswa rukagwinya serumwe.
11他們卻大怒,彼此商議怎樣對付耶穌。
11Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
12選立十二使徒(太10:2~4;可3:16~19。參徒1:13)在那些日子,有一次耶穌出去到山上禱告,整夜禱告 神。
12Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kundonyengetera; agara usiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.
13天亮以後,他把門徒叫來,從他們中間挑選了十二個人,稱他們為使徒,
13Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
14就是西門(又給他起名叫彼得),和他弟弟安得烈,以及雅各、約翰、腓力、巴多羅邁、
14Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
15馬太、多馬、亞勒腓的兒子雅各、稱為激進派的西門、
15Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
16雅各的兒子猶大,和出賣主的加略人猶大。
16Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakazovawo mutengesi.
17論福論禍(太5:1~12)耶穌和他們下了山,站在平地上,有一大群門徒同他在一起,又有一大批從猶太全地、耶路撒冷和推羅、西頓海邊來的人。
17Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, nepagungwa reTire neSidoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
18他們要聽他講道,也要他們的疾病得醫好。還有一些被污靈纏擾的也痊愈了。
18nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
19群眾都設法摸他,因為有能力從他身上出來,治好眾人。
19Chaunga chose chikatsvaka kumubata; nekuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.
20耶穌抬頭看著門徒,說:“貧窮的人有福了,因為 神的國是你們的。
20Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nekuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
21飢餓的人有福了,因為你們要得飽足。哀哭的人有福了,因為你們將要喜樂。
21Makaropafadzwa imwi munenzara zvino, nekuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nekuti muchaseka.
22世人為人子的緣故憎恨你們、排斥你們、辱罵你們,棄絕你們的名好像棄絕惡物,你們就有福了。
22Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasha zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
23那時你們應該歡喜跳躍,因為你們在天上的賞賜是大的,他們的祖先對待先知也是這樣。
23Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nekuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nekuti saizvozvo ndizvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.
24“然而你們富有的人有禍了,因為你們已經得了你們的安慰。
24Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nekuti magamuchira nyaradzo yenyu.
25你們飽足的人有禍了,因為你們將要飢餓。你們喜樂的人有禍了,因為你們將要痛哭。
25Mune nhamo imwi munoguta! Nekuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nekuti muchachema nekuwungudza.
26人都說你們好的時候,你們就有禍了,因為你們的祖先對待假先知也是這樣。
26Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nekuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
27當愛仇敵(太5:39~42)“只是我告訴你們聽道的人:當愛你們的仇敵,善待恨你們的人。
27Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
28咒詛你們的,要為他們祝福,凌辱你們的,要為他們禱告。
28ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
29有人打你一邊的臉,把另一邊也轉給他打;有人拿你的外衣,連內衣也讓他拿去。
29Kune unokurova padama, umupe rimwewo; unokutorera nguvo yako, usarambidza neshati yako.
30向你求的,就給他;有人拿去你的東西,不用再要回來。
30Asi upe umwe neumwe unokumbira kwauri; neunokutorera zvako, usazvirevazve.
31你們願意人怎樣待你們,你們就應當怎樣待人。
31Sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
32如果單愛那些愛你們的人,那有甚麼好處呢?罪人也愛那些愛他們的人。
32Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadziwo vanoda vanovada.
33如果只善待那些善待你們的人,那有甚麼好處呢?罪人也會這樣行。
33Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
34如果借給人,又指望向人收回,那有甚麼好處呢?罪人也借給罪人,要如數收回。
34Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
35你們要愛仇敵,善待他們;借出去,不要指望償還;這樣你們的賞賜就大了,你們也必作至高者的兒子,因為 神自己也寬待忘恩的和惡人。
35Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWokumusoro-soro; nekuti iye unemoyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
36你們要仁慈像你們的父仁慈一樣。
36Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.
37不可判斷(太7:1~5)“你們不要判斷人,就必不受判斷;不要定人的罪,就必不被定罪;要饒恕人,就必蒙饒恕;
37Musatonga, mugorega kutongwawo; musapa mhosva, mugorega kupiwawo mhosva; regererai, mugoregererwawo.
38要給人,就必有給你們的;並且要用十足的升斗,連按帶搖,上尖下流地倒在你們懷裡;因為你們用甚麼升斗量給人,就必用甚麼升斗量給你們。”
38Ipai, mugopiwawo; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nekuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
39耶穌又用比喻對他們說:“瞎子怎能給瞎子領路呢?兩個人不都要掉在坑裡嗎?
39Akataura mufananidzo kwavari akati: Kuti bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
40學生不能勝過老師,所有學成的,不過和老師一樣。
40Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa uchava semudzidzisi wake.
41為甚麼看得見你弟兄眼中的木屑,卻想不到自己眼中的梁木呢?
41Uye unotarirei rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
42你不看見自己眼中的梁木,怎能對你弟兄說:‘弟兄,容我除去你眼中的木屑’呢?偽君子啊!先去掉自己眼中的梁木,才能看得清楚,好去掉弟兄眼中的木屑。
42Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu ruri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu ruri muziso reumwe wako.
43壞樹不能結好果子(太7:16~20,12:33~35)“因為好樹不能結壞果子,壞樹不能結好果子。
43Nekuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
44憑著果子就可以認出樹來。人不能從荊棘上採無花果,也不能從蒺藜裡摘葡萄。
44Nekuti muti umwe neumwe unozikamwa nechibereko chawo pachawo. Nekuti pamhinzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.
45良善的人從心中所存的良善發出良善,邪惡的人從心中所存的邪惡發出邪惡;因為心中所充滿的,口裡就說出來。
45Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake unobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake unobudisa zvakaipa; nekuti kubva pazvizere mumoyo make muromo wake unotaura.
46聽道要行道(太7:24~27)“你們為甚麼稱呼我‘主啊!主啊!’卻不遵行我的吩咐呢?
46Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
47每一個到我跟前,聽我的話並且去行的,我要指示你們他像甚麼人。
47Ani nani unouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;
48他像一個人建造房屋,挖深了地,把根基建在磐石上。大水氾濫的時候,急流沖擊那房屋,不能使它動搖,因為它建造得好。
48wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nekuti yakange yakateyiwa paruware.
49但那聽見而不遵行的,就像人在地上建屋,沒有根基,急流一沖,就立刻倒塌,毀壞得很厲害。”
49Asi unonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.