1佃戶的比喻(太21:33~46;路20:9~19)耶穌又用比喻對他們說:“有一個人栽種了一個葡萄園,四面圍上籬笆,挖了一個壓酒池,蓋了一座瞭望臺,然後租給佃戶,就遠行去了。
1Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.
2到了時候,園主派了一個僕人到佃戶那裡,向佃戶收取葡萄園一部分的果子。
2Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvemunda wemizambiringa.
3佃戶抓住他,打了他,放他空手回去。
3Vakamubata vakarova, vakamurega achienda asina chinhu.
4園主再派另外一個僕人到他們那裡,他們打傷了他的頭,並且侮辱他。
4Akatumazve kwavari umwe muranda; iye vakamuposhera mambwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamurega achienda anyadziswa.
5園主又派另一個去,他們就把他殺了。後來又派去許多僕人,有的給他們打了,有的給他們殺了。
5Akatumazve umwe; naiye vakamuuraya; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.
6還有一個,就是園主的愛子,最後園主派他到那裡去,說:‘他們必尊敬我的兒子。’
6Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikamwa wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
7那些佃戶卻彼此說:‘這是繼承產業的;來,我們殺了他,產業就是我們的了。’
7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.
8於是抓住他,把他殺了,扔在葡萄園外。
8Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.
9這樣,葡萄園的主人要怎麼辦呢?他要來除掉那些佃戶,把葡萄園租給別人。
9Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchaitei? Uchauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
10你們沒有念過這段聖經嗎:‘建築工人所棄的石頭,成了房角的主要石頭;
10Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: Ibwe vavaki ravakarasha, ndiro rava musoro wekona;
11這是主所作的,在我們眼中看為希奇。’”
11izvozvo zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?
12他們知道他這比喻是針對他們說的,就想要捉拿他,但因為害怕群眾,只好離開他走了。
12Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nekuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.
13以納稅的事問難耶穌(太22:15~22;路20:19~26)後來,他們派了幾個法利賽人和希律黨的人到耶穌那裡去,要找他的把柄來陷害他。
13Zvino vatuma kwaari vamwe vevaFarisi nevevaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.
14他們來到了,就對他說:“老師,我們知道你為人誠實,不顧忌任何人,因為你不徇情面,只照著真理把 神的道教導人。請問納稅給凱撒可以不可以?我們該納不該納呢?”
14Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nekuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?
15耶穌看出他們的假意,就對他們說:“你們為甚麼試探我呢?拿一個銀幣來給我,讓我看看。”
15Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, wakati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenari*, kuti ndione.
16他們就拿來了。耶穌問他們:“這是誰的像,誰的名號?”他們回答他:“凱撒的。”
16Vakariuyisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
17耶穌說:“凱撒的應當歸給凱撒, 神的應當歸給 神。”他們就對他十分驚奇。
17Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.
18人復活後不娶不嫁(太22:23~33;路20:27~38)撒都該人向來認為沒有復活的事,他們來到耶穌那裡,問他:
18Zvino kwakauya kwaari vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza vachiti:
19“老師,摩西曾寫給我們說:‘如果一個人死了,留下妻子,沒有兒女,他的弟弟就應當娶他的妻子,為哥哥立後。’
19Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.
20從前有兄弟七人,頭一個娶了妻子,死了,沒有留下孩子;
20Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.
21第二個娶了她,也沒有留下孩子,就死了;第三個也是這樣。
21Wechipiri akamutora, akafa, uyu akasasiyawo mbeu; newechitatu saizvozvo.
22那七個人都沒有留下孩子,最後那女人也死了。
22Nevanomwe vose vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevose mukadzi akafawo.
23到了復活的時候,他們都要復活,她是哪一個的妻子呢?因為七個人都娶過她。”
23Naizvozvo pakumuka kwevakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi wani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.
24耶穌對他們說:“你們錯了,不正是因為你們不明白聖經,也不曉得 神的能力嗎?
24Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurashika here naizvozvo, nekuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
25因為人從死裡復活以後,也不娶,也不嫁,而是像天上的天使一樣。
25Nekuti kana vachimuka kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kumatenga.
26關於死人復活的事,摩西的經卷中荊棘篇上, 神怎樣對他說:‘我是亞伯拉罕的 神,以撒的 神,雅各的 神’,你們沒有念過嗎?
26Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
27他不是死人的 神,而是活人的 神。你們是大錯特錯了!”
27Haazi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marashika kwazvo.
28最重要的誡命(太22:34~40;路10:25~28)有一個經學家,聽到他們的辯論,覺得耶穌回答得好,就來問他:“誡命中哪一條是第一重要的呢?”
28Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yose?
29耶穌回答:“第一重要的是:‘以色列啊,你要聽!主我們的 神是獨一的主。
29Jesu akamupindura, achiti: Wokutanga kumirayiro yose ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!
30你要全心、全性、全意、全力,愛主你的 神。’
30Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose, uye nesimba rako rose. Uyu murairo wekutanga.
31其次是:‘要愛人如己。’再沒有別的誡命比這兩條更重要的了。”
31Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyeyi.
32那經學家對耶穌說:“老師,是的,你說的很對, 神是獨一的,除了他以外再沒有別的 神。
32Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;
33我們要用全心、全意、全力去愛他,並且要愛人如己,這就比一切燔祭和各樣祭物好得多了。”
33nekumuda nemoyo wose, uye nefungwa dzose, uye nemweya wose, uye nesimba rose, nekuda wekwako sewe, zvinopfuura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibayiro.
34耶穌見他回答得有智慧,就對他說:“你距離 神的國不遠了。”從此再也沒有人敢問他了。
34Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasava nemunhu shure kweizvozvo wakazotsunga kumubvunza.
35大衛稱基督為主(太22:41~46;路20:41~44)耶穌在殿裡教訓人,說:“經學家怎麼說基督是大衛的子孫呢?
35Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
36大衛自己被聖靈感動卻說:‘主對我的主說:你坐在我的右邊,等我把你的仇敵放在你的腳下(有些抄本作“等我使你的仇敵作你的腳凳”)。’
36Nekuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
37大衛自己既然稱他為主,他又怎麼會是大衛的子孫呢?”群眾都喜歡聽他。
37Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, ko mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.
38耶穌叫人提防經學家(太23:1~7;路20:45~47)耶穌教導人的時候,說:“你們要提防經學家,他們喜歡穿長袍走來走去,喜歡人在市中心向他們問安,
38Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,
39又喜歡會堂裡的高位,筵席上的首座。
39nezvigaro zvemberi mumasingagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;
40他們吞沒了寡婦的房產,又假裝作冗長的禱告。這些人必受更重的刑罰。”
40vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru kwazvo.
41窮寡婦的奉獻(路21:1~4)耶穌面對銀庫坐著,看著大家怎樣把錢投入庫中。許多有錢的人投入很多的錢。
41Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.
42後來,有一個窮寡婦來投入了兩個小錢,就是一個銅錢。
42Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri tuduku, ndiro kobiri.
43耶穌把門徒叫過來,對他們說:“我實在告訴你們,這窮寡婦投入庫裡的,比眾人投的更多。
43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vose vakanda muchivigiro chezvipo;
44因為他們都是把自己剩餘的投入,這寡婦是自己不足,卻把她一切所有的,就是全部養生的,都投進去了。”
44nekuti vose vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zveupenyu hwake.