聖經新譯本

Shona

Matthew

11

1約翰派門徒去見耶穌(路7:18~23)耶穌吩咐完了十二門徒,就離開那裡,在各城裡施教傳道。
1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.
2約翰在監獄裡聽見基督所作的,就派門徒去問他:
2Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
3“你就是那位要來的,還是我們要等別人呢?”
3akati kwaari: Imwi ndimwi unouya here, kana titarisire umwe?
4耶穌回答他們:“你們回去,把聽見和看見的都告訴約翰,
4Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:
5就是瞎的可以看見,瘸的可以走路,患痲風的得到潔淨,聾的可以聽見,死人復活,窮人有福音聽。
5Mapofu anoonazve, uye vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;
6那不被我絆倒的,就有福了。”
6wakaropafadzwa ani nani usingagumbuswi neni.
7耶穌論到約翰(路7:24~35)他們走了之後,耶穌對群眾講起約翰來,說:“你們到曠野去,是要看甚麼?被風吹動的蘆葦嗎?
7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
8你們出去到底要看甚麼?身穿華麗衣裳的人嗎?那些穿著華麗衣裳的人,是在王宮裡的。
8Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.
9那麼,你們出去要看甚麼?先知嗎?我告訴你們,是的。他比先知重要得多了。
9Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange unopfuura kwazvo muporofita;
10經上所記:‘看哪,我差遣我的使者在你面前,他必在你前頭預備你的道路。’這句話是指著他說的。
10nekuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.
11我實在告訴你們,婦人所生的,沒有一個比施洗的約翰更大;然而天國裡最小的比他還大。
11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.
12從施洗的約翰的時候直到現在,天國不斷遭受猛烈的攻擊,強暴的人企圖把它奪去。
12Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambwa, nevapambi vanohutora nesimba.
13所有的先知和律法,直到約翰為止,都說了預言。
13Nekuti vaporofita vose nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;
14如果你們肯接受,約翰就是那要來的以利亞。
14kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.
15有耳的,就應當聽。
15Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
16“我要把這世代比作甚麼呢?它好像一些小孩子坐在市中心,呼叫別的小孩子,
16Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,
17說:‘我們給你們吹笛子,你們卻不跳舞;我們唱哀歌,你們也不捶胸。’
17vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.
18約翰來了,不吃也不喝,人說他是鬼附的;
18Nekuti Johwani wakauya asingadyi kana kumwa, asi vanoti: Une dhimoni.
19人子來了,又吃又喝,人卻說:‘你看,這人貪食好酒,與稅吏和罪人為友。’但智慧藉著它所作的,就證實是公義的了。”
19Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinoruramiswa nevana vadzo.
20責備不肯悔改的城(路10:13~15)那時,耶穌責備那些他曾在那裡行過許多神蹟的城,因為它們不肯悔改:
20Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nekuti haana kutendeuka, akati:
21“哥拉遜啊,你有禍了!伯賽大啊,你有禍了!在你們那裡行過的神蹟,如果行在推羅和西頓,它們早已披麻蒙灰悔改了。
21Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nekuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.
22但我告訴你們,在審判的日子,推羅和西頓所受的,比你們還輕呢。
22Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Tire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.
23迦百農啊!你會被高舉到天上嗎?你必降到陰間。在你那裡行過的神蹟,如果行在所多瑪,那城還會存留到今天。
23Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muHadhesi; nekuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino.
24但我告訴你們,在審判的日子,所多瑪那地方所受的,比你還輕呢。”
24Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.
25勞苦者可得安息(路10:21~22)就在那時候,耶穌說:“父啊,天地的主,我讚美你,因為你把這些事向智慧和聰明的人隱藏起來,卻向嬰孩顯明。
25Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.
26父啊,是的,這就是你的美意。
26Hongu Baba, nekuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.
27我父已經把一切交給我;除了父沒有人認識子,除了子和子所願意啟示的人,沒有人認識父。
27Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve unoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
28你們所有勞苦擔重擔的人哪,到我這裡來吧!我必使你們得安息。
28Uyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.
29我心裡柔和謙卑,你們應當負我的軛,向我學習,你們就必得著心靈的安息;
29Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;
30我的軛是容易負的,我的擔子是輕省的。”
30nekuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.