1商議怎樣殺害耶穌(可14:1~2;路22:1~2)耶穌說完了這一切話,就對門徒說:
1Zvakaitika Jesu apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake:
2“你們知道兩天之後就是逾越節,人子將要被交給人,釘在十字架上。”
2Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu uchatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.
3那時,祭司長和民間的長老聚集在大祭司該亞法的官邸,
3Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muruvanze rwomupristi mukuru wainzi Kayafasi.
4商議怎樣用詭計逮捕耶穌,把他殺害。
4Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.
5不過他們說:“不可在節期下手,免得引起民眾暴動。”
5Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.
6有女人用香膏膏主(可14:3~9;約12:1~8)耶穌在伯大尼,在患痲風的西門家裡的時候,
6Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,
7有一個女人拿著一瓶珍貴的香膏,前來把它澆在耶穌的頭上。
7kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadurura mumusoro wake agere pakudya.
8門徒看見了,就很生氣,說:“為甚麼這樣浪費呢?
8Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?
9這香膏可以賣很多錢,賙濟窮人。”
9Nekuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.
10耶穌知道了,就說:“為甚麼難為這個女人呢?她為我作了一件美事。
10Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nekuti waita basa rakanaka kwandiri;
11你們常常有窮人跟你們在一起,然而卻不常有我。
11nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
12她把這香膏澆在我身上,是為了安葬我而作的。
12Nekuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.
13我實在告訴你們,這福音無論傳到世界上甚麼地方,這女人所作的都要傳講,來記念她。”
13Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, izviwo mukadzi zvaaita zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
14猶大出賣耶穌(可14:10~11;路22:3~6)那時,十二門徒中的一個,就是加略人猶大,去見祭司長,說:
14Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,
15“如果我把他交給你們,你們願意給我甚麼呢?”他們就給了他三十塊銀子。
15akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakatenderana naye pamasirivheri makumi matatu.
16從那時起,他就找機會把耶穌交給他們。
16Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira wekumukumikidza kwavari.
17最後的晚餐(可14:12~26;路22:7~23;約13:21~30)除酵節的第一天,門徒前來問耶穌:“你要我們在哪裡為你預備逾越節的晚餐呢?”
17Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire kuti mudye pasika?
18他說:“你們到城裡去見某人,對他說,老師說:‘我的時候快到了;我要到你那裡和我的門徒守逾越節。’”
18Akati: Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari: Mudzidzisi unoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika paimba yako nevadzidzi vangu.
19門徒照耶穌的指示去作,預備好了逾越節的晚餐。
19Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakaraira; vakagadzirira pasika.
20到了晚上,耶穌和十二門徒一同吃晚餐。
20Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.
21他們吃的時候,耶穌說:“我實在告訴你們,你們中間有一個人要出賣我。”
21Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.
22他們就很憂愁,一個一個地問他:“主啊,是我嗎?”
22Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini here?
23他回答:“那和我一同把手蘸在盤子裡的人,他要出賣我。
23Ndokupindura akati: Unoseva ruoko neni mundiro ndiye uchanditengesa.
24正如經上指著人子所說的,他固然要離世,但出賣人子的那人有禍了!他沒有生下來倒好。”
24Mwanakomana wemunhu unoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.
25那出賣耶穌的猶大說:“拉比,是我嗎?”他說:“這是你說的。”
25Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini here? Akati kwaari: Wataura iwe.
26他們吃的時候,耶穌拿起餅來,祝謝了就擘開,遞給門徒,說:“你們拿去吃吧,這是我的身體。”
26Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
27耶穌又拿起杯來,祝謝了就遞給他們,說:“你們都喝吧,
27Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Imwai mose pauri.
28這是我的血,是為立約的,為許多人流出來,使罪得赦。
28Nekuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukangamwirwa kwezvivi.
29我告訴你們,從今以後我必不再喝這葡萄酒,直到我和你們在我父的國裡喝新酒的那一天。”
29Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichamwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazomwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.
30他們唱完了詩,就出來往橄欖山去。
30Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
31預言彼得不認主(可14:27~31;路22:31~34;約13:36~38)那時,耶穌對他們說:“今天晚上,你們因我的緣故都要後退,因為經上記著:‘我要擊打牧人,羊群就分散了。’
31Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.
32我復活以後,要比你們先到加利利去。”
32Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai Garirea.
33彼得對他說:“就算所有的人都因你的緣故後退,我卻永不後退。”
33Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.
34耶穌對他說:“我實在告訴你,今天晚上雞叫以前,你會三次不認我。”
34Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
35彼得對他說:“就算必須與你一同死,我也決不會不認你。”門徒也都這樣說。
35Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vose vakadaro.
36在客西馬尼禱告(可14:32~42;路22:39~46)耶穌和門徒來到一個地方,名叫客西馬尼,就對門徒說:“你們坐在這裡,我要到那邊去禱告。”
36Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ini ndichamboenda ndinonyengetera uko.
37他帶了彼得和西庇太的兩個兒子一起去,心裡憂愁難過,
37Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kushungurudzika nekutambudzika.
38對他們說:“我的心靈痛苦得快要死了;你們留在這裡,與我一同警醒吧。”
38Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.
39他稍往前走,把臉俯伏在地上,禱告說:“我的父啊!可能的話,求你使這杯離開我;但不要照我的意思,只要照你的旨意。”
39Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi imwi.
40耶穌回到門徒那裡,看見他們都睡著了,就對彼得說:“你們連一個小時也不能同我警醒嗎?
40Akauya kuvadzidzi, akavawana vavete, akati kuna Petro: Saka makoniwa kurinda neni awa rimwe here?
41應當警醒、禱告,免得陷入試探;你們心靈雖然願意,肉體卻是軟弱的。”
41Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.
42他又再次走開,禱告說:“我的父啊!如果這杯不能離開我,一定要我喝,就願你的旨意成全。”
42Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaumwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
43他再回來的時候,看見門徒睡著了,因為他們十分疲倦。
43Akauya, akavawana vavatazve, nekuti meso avo akange orema.
44他又離開他們,第三次去禱告,說的也是同樣的話。
44Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.
45然後,他回到門徒那裡,對他們說:“你們還在睡覺休息嗎?看哪,時候到了,人子要被交在罪人的手裡了。
45Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai muvete muzorore; tarirai, nguva yaswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.
46起來,我們走吧!出賣我的人來了。”
46Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.
47耶穌被捕(可14:43~50;路22:47~53;約18:3~11)耶穌還在說話的時候,十二門徒中的猶大,帶著一大群拿著刀棒的人來到,他們是祭司長和民間的長老派來的。
47Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.
48出賣耶穌的人給他們一個暗號,說:“我跟誰親嘴,誰就是他;你們可以抓住他。”
48Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.
49他立刻前來對耶穌說:“拉比,你好。”跟著就與他親嘴。
49Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi*! Akamutsvoda.
50耶穌對他說:“朋友,你來要作的事,快作吧!”於是那些人上前來,動手拿住耶穌,逮捕了他。
50Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.
51有一個與耶穌在一起的人,伸手拔出刀來,砍了大祭司的僕人一刀,削掉他的一隻耳朵。
51Uye tarirai, umwe wevaiva naJesu akatambanudza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
52耶穌對他說:“把你的刀收回原處!凡動刀的必死在刀下。
52Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nekuti vose vanobata munondo vanoparara nemunondo.
53你以為我不能求我的父,他就馬上給我派十二營以上的天使下來嗎?
53Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura makumi maviri?
54如果這樣,經上預言這事必須發生,怎能應驗呢?”
54Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuti zvidaro?
55那時,耶穌對眾人說:“你們帶著刀棒出來,把我當作強盜捉拿嗎?我天天坐在殿裡教導人,你們卻沒有逮捕我。
55Nenguva iyoyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi mazuva ose ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.
56但這整件事的發生,是要應驗先知書上的話。”那時,門徒都離開他逃跑了。
56Asi izvi zvose zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.
57大祭司審問耶穌(可14:53~65;路22:54、66~71;約18:12~13、19~24)那些逮捕了耶穌的人,把他押去見大祭司該亞法。那時經學家和長老已經聚集在那裡了。
57Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.
58彼得遠遠地跟著耶穌,直到大祭司的官邸。他進到裡面,和差役坐在一起,要看事情怎樣了結。
58Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira paruvanze rwemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.
59祭司長和公議會全體都想找假證供來控告耶穌,好把他處死;
59Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.
60雖然有許多人前來作假證供,卻找不著證據。最後有兩個人前來說:
60Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zviviri,
61“這人說過:‘我可以拆毀 神的聖所,三日之內又把它建造起來。’”
61zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.
62大祭司就站起來,對耶穌說:“你為甚麼不回答?這些人作證,控告你的是甚麼呢?”
62Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?
63耶穌卻不作聲。大祭司又對他說:“我指著永生的 神要你起誓,告訴我們你是不是基督、 神的兒子。”
63Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
64耶穌回答:“這是你說的;但我告訴你們:從今以後,你們要看見人子,坐在權能者的右邊,駕著天上的雲降臨。”
64Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamusoro pemakore edenga.
65大祭司就撕開衣服,說:“他說了褻瀆的話,我們還要甚麼證人呢?你們現在聽見了這褻瀆的話,
65Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
66認為怎樣呢?”他們回答:“他是該死的。”
66Munofungei? Vakapindura vakati: Une mhoswa yerufu.
67於是他們吐唾沫在他的臉上,用拳頭打他,也有人用掌摑他,說:
67Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva, vamwe vakamurova nembama,
68“基督啊,向我們說預言吧!是誰打你呢?”
68vachiti: Porofita kwatiri, iwe Kristu, ndiani wakurova?
69彼得三次不認主(可14:66~72;路22:55~62;約18:16~18、25~27)彼得坐在外面的院子裡,有一個婢女走過來對他說:“你也是和加利利人耶穌一夥的。”
69Petro wakange agere panze paruvanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.
70彼得卻當眾否認,說:“我不知道你說甚麼。”
70Asi iye wakaramba pamberi pevose achiti: Handizivi zvaunoreva.
71他出到門口,又有一個婢女看見他,就對那裡的人說:“這人是和拿撒勒人耶穌一夥的。”
71Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.
72彼得再次否認,並且發誓說:“我不認識那個人。”
72Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.
73過了一會,站在那裡的人前來對他說:“你的確是他們中間的一個,因為一聽你的口音就認出來了。”
73Shure kwechinguva chiduku kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; kunyange kutaura kwako kunokuratidza.
74彼得就發咒起誓說:“我不認識那一個人。”立刻雞就叫了。
74Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
75彼得想起耶穌所說的話:“雞叫以前,你會三次不認我”,他就出去痛哭。
75Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvakaomarara.