聖經新譯本

Shona

Matthew

28

1耶穌復活(可16:1~10;路24:1~12;約20:1~10)過了安息日,在禮拜日天亮的時候,抹大拉的馬利亞和另一個馬利亞來看墳墓。
1Shure kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.
2忽然,地震得很厲害;主的使者從天上下來,把石頭輥開,坐在上面。
2Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nekuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
3他的樣子好像閃電,衣服潔白如雪。
3Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.
4看守的人因為害怕他,就渾身戰抖,好像死了一樣。
4Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.
5那使者對婦女們說:“你們不要怕,我知道你們在找被釘十字架的耶穌。
5Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nekuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.
6他不在這裡,已經照他所說的復活了。你們來看安放他的地方吧。
6Haasi pano; nekuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange avete.
7快去告訴他的門徒:‘他已經從死人中復活了。他會比你們先到加利利去,你們在那裡必看見他。’現在我已經告訴你們了。”
7Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai unokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.
8她們立刻離開墳墓,又害怕,又十分歡喜,跑去告訴耶穌的門徒。
8Ndokubva, vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.
9忽然,耶穌向她們迎面而來,說:“你們好。”她們就上前,抱住他的腳拜他。
9Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10耶穌對她們說:“不要怕,去告訴我的弟兄,叫他們到加利利去,他們在那裡必看見我。”
10Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.
11衛兵受賄造謠她們去的時候,有些衛兵進了城,把一切所發生的事向祭司長報告。
11Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvose zvakaitika.
12祭司長就和長老聚集在一起商量,然後拿許多錢給士兵,
12Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,
13說:“你們要這樣說:‘他的門徒晚上來了,趁我們睡著的時候,把他偷走了。’
13vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.
14如果總督知道了這件事,我們會說服他,不會牽連你們。”
14Kana izvi zvikazikamwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.
15士兵收了錢,就照著祭司長和長老的指使去作。這種說法直到今日還流傳在猶太人當中。
15Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati pevaJudha kusvikira nhasi.
16主交給門徒的使命(可16:14~18;路24:36~49;約20:19~23。參徒1:6~8)十一個門徒往加利利去,到了耶穌指定的山上。
16Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira;
17他們看見耶穌就拜他,但仍然有些人懷疑。
17vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.
18耶穌上前來,對他們說:“天上地上一切權柄都賜給我了。
18Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.
19所以,你們要去使萬民作我的門徒,奉父子聖靈的名,給他們施洗(“奉父子聖靈的名,給他們施洗”或譯:“給他們施洗,歸入父子聖靈的名”),
19Endai naizvozvo muite marudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;
20我吩咐你們的一切,都要教導他們遵守。這樣,我就常常與你們同在,直到這世代的終結。”
20muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imwi; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.