1施洗約翰(可1:3~8;路3:2~17;約1:19~28)那時,施洗的約翰出來,在猶太的曠野傳道,
1Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,
2說:“天國近了,你們應當悔改。”
2achiti: Tendeukai; nekuti ushe hwematenga hwaswedera.
3以賽亞先知所說:“在曠野有呼喊者的聲音:‘預備主的道,修直他的路!’”就是指著這約翰說的。
3Nekuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.
4約翰身穿駱駝毛的衣服,腰束皮帶,吃的是蝗蟲和野蜜。
4Iyezve Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nechikafu chake chaiva mhashu neuchi hwedondo.
5耶路撒冷、猶太全地和約旦河一帶的人都出來到他那裡去,
5Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rose nedunhu rose rakapoteredza Joridhani;
6承認自己的罪,在約旦河裡受了他的洗。
6vakabhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.
7約翰看見許多法利賽人和撒都該人也來受他的洗,就對他們說:“毒蛇所生的啊,誰指示你們逃避那將要來的忿怒呢?
7Asi wakati achiona vazhinji vevaFarisi nevaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kuti mutize hasha dzinouya?
8應當結出果子來,與悔改的心相稱。
8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
9你們心裡不要以為:‘我們有亞伯拉罕作我們的祖宗。’我告訴你們, 神能從這些石頭中給亞伯拉罕興起後裔來。
9Musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahamu anova baba; nekuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.
10現在斧頭已經放在樹根上,所有不結好果子的樹,就砍下來,丟在火裡。
10Uye sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.
11我用水給你們施洗,表示你們悔改;但在我以後要來的那一位,能力比我更大,我就是替他提鞋也沒有資格。他要用聖靈與火給你們施洗。
11Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.
12他手裡拿著簸箕,要揚淨麥場,把麥子收進倉裡,卻用不滅的火把糠秕燒盡。”
12Une rusero rwuri muruoko rwake, uchachenesa buriro rake kwazvo, agounganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi uchaipisa nemoto usingadzimiki.
13耶穌受洗(可1:9~11;路3:21~22)那時,耶穌從加利利來到約旦河約翰那裡,要受他的洗。
13Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.
14約翰想要阻止他,說:“我應該受你的洗,你卻到我這裡來嗎?”
14Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikamwa kuti ndibhabhatidzwa nemwi, asi imwi mouya kwandiri?
15耶穌回答:“暫且這樣作吧。我們理當這樣履行全部的義。”於是約翰答應了他。
15Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nekuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.
16耶穌受了洗,立刻從水中上來;忽然,天為他開了,他看見 神的靈,好像鴿子降下來,落在他身上;
16Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.
17又有聲音從天上來,說:“這是我的愛子,我所喜悅的。”
17Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikamwa, wandinofara naye kwazvo.