1治好痲風病人(可1:40~44;路5:12~14)耶穌下了山,許多人跟隨著他。
1Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera.
2有一個患痲風的人前來向他跪拜,說:“主啊!如果你肯,必能使我潔淨。”
2Zvino tarira, kwakauya une maperembudzi, akamufugamira achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
3耶穌伸手摸他,說:“我肯,你潔淨了吧!”他的痲風立刻潔淨了。
3Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4耶穌對他說:“你千萬不可告訴別人,只要去給祭司檢查,並且照著摩西所規定的獻上供物,好向大家作證。”
4Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubayire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.
5治好百夫長的僕人(路7:1~10)耶穌到了迦百農,有一個百夫長前來懇求他,
5Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa,
6說:“主啊!我的僕人癱瘓了,躺在家裡非常痛苦。”
6achiti: Ishe, muranda wangu uvete kumba, wakafa mutezo, anotambudzika kwazvo.
7耶穌對他說:“我去醫治他。”
7Zvino Jesu akati kwaari: Ndichauya kuzomuporesa.
8百夫長回答:“主啊,要你到舍下來,實在不敢當。只要你說一句話,我的僕人就必好了。
8Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu uchaporeswa.
9我自己是在別人的權下,也有兵在我以下;我對這個說‘去!’他就去,對另一個說‘來!’他就來;對僕人說‘作這個!’他就作。”
9Nekuti neniwo ndiri munhu uri pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; nekune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, anoita.
10耶穌聽了,就很驚奇,對跟隨的人說:“我實在告訴你們,這樣的信心,我在以色列中從來沒有見過。
10Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
11我告訴你們,必有許多人從東從西來到,和亞伯拉罕、以撒、雅各在天國裡一起吃飯。
11Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahamu naIsaka naJakobho, muushe hwekumatenga;
12但本來要承受天國的人,反被丟在外面黑暗裡,在那裡必要哀哭切齒。”
12asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
13於是耶穌對百夫長說:“回去吧!事情必照你所信的給你成就。”他的僕人就在那時痊愈了。
13Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.
14治病趕鬼(可1:29~34;路4:38~41)耶穌來到彼得家裡,看見他的岳母發燒,病在床上。
14Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mbuyawasha vake vakaradzikwa vane fivhiri.
15耶穌一摸她的手,熱就退了;她就起來服事耶穌。
15Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.
16到了黃昏,有些人帶了許多被鬼附的人來見耶穌,他只用一句話就把污靈趕出去,並且醫好了所有患病的人。
16Zvino ava madekwana vakauyisa kwaari vazhinji vaiva vakabatwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;
17這樣正應驗了以賽亞先知所說的:“他親自除去我們的軟弱,擔當我們的疾病。”
17kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.
18跟從耶穌的要求(路9:57~60)耶穌看見許多人圍著他,就吩咐往對岸去。
18Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.
19有一位經學家前來對他說:“老師,你無論往哪裡去,我都要跟從你!”
19Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kose kwamunoenda.
20耶穌回答:“狐狸有洞,天空的飛鳥有窩,但人子卻沒有棲身(“棲身”原文作“枕頭”)的地方。”
20Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro.
21另一個門徒對他說:“主啊!請准我先回去安葬我的父親吧。”
21Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu.
22耶穌對他說:“跟從我吧!讓死人去埋葬他們的死人。”
22Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.
23平靜風浪(可4:36~41;路8:22~25)耶穌上了船,門徒跟著他。
23Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.
24忽然海上起了狂風,甚至船都被波濤掩蓋,但耶穌卻睡著了。
24Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa rakange rofukidzwa nemafungu; asi iye wakange avete.
25他們走來把他叫醒,說:“主啊!救命啊!我們沒命了!”
25Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara!
26耶穌卻對他們說:“小信的人哪!為甚麼害怕呢?”他就起來斥責風和海,風浪就平靜了。
26Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rushoma? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.
27眾人都驚奇,說:“這是甚麼人,連風和海也聽從他?”
27Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii unoti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?
28治好鬼附的人(可5:1~17;路8:26~37)耶穌過到對岸加大拉人的地區,遇見兩個被鬼附著的人從墓地出來;他們十分兇暴,甚至沒有人敢從那條路經過。
28Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yevaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwakange kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo.
29他們喊叫:“ 神的兒子,我們跟你有甚麼關係呢?時候還沒有到,你就來這裡叫我們受苦嗎?”
29Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here?
30那時遠遠有一大群豬正在吃東西。
30Zvino kure navo kwakange kune boka renguruve zhinji richifudzwa.
31那些鬼就求耶穌,說:“如果要趕我們出來,就准我們進到豬群裡去吧。”
31Madhimoni akamukumbirisa achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.
32耶穌對他們說:“出去吧!”他們就出來,進了豬群。那一群豬忽然闖下山崖,掉在海裡淹死了。
32Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rose renguruve rakamhanyira kwazvo kumateru kugungwa, dzikafira mumvura.
33放豬的人逃進城裡,把被鬼附的人的遭遇和一切事情,都報告出來。
33Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvose zvevakange vane madhimoni.
34全城的居民都出來要見耶穌,看見了他,就求他離開他們的地區。
34Zvino tarira, guta rose rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.