1官民居住之分布地區那時,民眾的領袖住在耶路撒冷;其餘的民眾都抽籤,抽出十分之一,住在聖城耶路撒冷,餘下的十分之九就住在別的城鎮。
1Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta.
2眾人為所有自願住在耶路撒冷的人祝福。
2Vanhu vakarumbidza varume vose vakatenda nomoyo wavo kugara Jerusaremu.
3以色列人、祭司、利未人、作殿役的和所羅門僕人的子孫,各住在猶大眾城自己的地業中;猶大省的首領住在耶路撒冷的,有以下這些人:
3Zvino ndivo vakuru vorutivi rwenyika vakanga vagere Jerusaremu; asi pamaguta aJudha mumwe nomumwe akagara panzvimbo yake pamaguta avo, ivo vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaNetinimi, navana vavaranda vaSoromoni.
4有些猶大的子孫和便雅憫的子孫,住在耶路撒冷。猶大的子孫有:法勒斯的子孫烏西雅的兒子亞他雅;烏西雅是撒迦利雅的兒子,撒迦利雅是亞瑪利雅的兒子,亞瑪利雅是示法提雅的兒子,示法提雅是瑪勒列的兒子。
4PaJerusaremu ndipo pakagara vamwe vavana vaJudha, navavana vaBhenjamini. Vana vaJudha ava: Ataya, mwanakomana waUziya, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri wavana vaPerezi;
5又有巴錄的兒子瑪西雅;巴錄是谷何西的兒子,谷何西是哈賽雅的兒子,哈賽雅是亞大雅的兒子,亞大雅是約雅立的兒子,約雅立是撒迦利雅的兒子,撒迦利雅是示羅尼的兒子。
5naMaaseya, mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana womuShironi.
6所有住在耶路撒冷的法勒斯子孫,共四百六十八人,他們都是勇士。
6Vanakomana vose vaPerezi vakanga vagere Jerusaremu vakasvika mazana mana namakumi matanhatu navasere, varume voumhare.
7便雅憫的子孫有:米書蘭的兒子撒路;米書蘭是約葉的兒子,約葉是毗大雅的兒子,毗大雅是哥頓雅的兒子,哥頓雅是瑪西雅的兒子,瑪西雅是以鐵的兒子,以鐵是耶篩亞的兒子。
7Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya.
8他的眾兄弟都是勇士(本句《馬索拉抄本》作“在他以後是迦拜和撒來”,明顯是殘缺;今照《七十士譯本》翻譯),共九百二十八人。
8Tevere Gabhai, naSarai, mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere,
9細基利的兒子約珥是管理他們的官長;哈西努亞的兒子猶大是那城的副市長。
9naJoeri, mwanakomana waZikiri akanga ari mutariri wavo, naJudha, mwanakomana waHasenua, mutariri wechipiri paguta.
10祭司有:約雅立的兒子耶大雅,又有雅斤,
10Vavapristi: Jedhaya, mwanakomana waJoyaribhi, naJakini,
11以及 神殿的總管西萊雅;西萊雅是希勒家的兒子,希勒家是米書蘭的兒子,米書蘭是撒督的兒子,撒督是米拉約的兒子,米拉約是亞希突的兒子;
11Seraya, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati weimba yaMwari,
12還有他們的親族,在殿裡工作事奉的,共八百二十二人;又有耶羅罕的兒子亞大雅;耶羅罕是毗拉利的兒子,毗拉利是暗洗的兒子,暗洗是撒迦利亞的兒子,撒迦利亞是巴施戶珥的兒子,巴施戶珥是瑪基雅的兒子;
12nehama dzavo dzaibata mabasa paimba iyo, vakasvika mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya, mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPeraira, mwanakomana waAmizi, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija,
13還有他的親族作族長的共二百四十二人;又有亞薩列的兒子亞瑪帥;亞薩列是亞哈賽的兒子,亞哈賽是米實利末的兒子,米實利末是音麥的兒子;
13nehama dzake, vakuru vedzimba dzamadzibaba, mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashi, mwanakomana waAzareri, mwanakomana waAzai, mwanakomana waMeshiremoti, mwanakomana waImeri,
14又有他們的親族,英勇的戰士共一百二十八人;哈基多琳的兒子撒巴第業是管理他們的官長。
14nehama dzavo, varume vane simba noumhare, zana namakumi maviri navasere; mutariri wavo akanga ari Zabhidhieri, mwanakomana waHagedhorimi.
15利未人有:哈述的兒子示瑪雅;哈述是押利甘的兒子,押利甘是哈沙比雅的兒子,哈沙比雅是布尼的兒子;
15Uye vaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;
16又有利未人的族長沙比太和約撒拔,管理 神殿的外務。
16naShabhetai naJozabhadhi, vavakuru vavaRevhi, vaitarira mabasa okunze eimba yaMwari;
17米迦的兒子瑪他尼,領導讚美,獻上感謝的禱告;米迦是撒底的兒子,撒底是亞薩的兒子;八布迦在他的兄弟中作副手;還有沙母亞的兒子押大,沙母亞是加拉的兒子,加拉是耶杜頓的兒子。
17naMatania, mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, iye mukuru akatanga kuvonga pakunyengetera, naBhakibhukia, mukuru wechipiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
18所有在聖城的利未人,共二百八十四人。
18VaRevhi vose paguta dzvene vakanga vana mazana maviri namakumi masere navana.
19守門的有:亞谷和達們,以及他們的親族,看守各門,共一百七十二人。
19Uye varindi vemikova, Akubhi, naTarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vakanga vane zana rimwe namakumi manomwe navaviri.
20其餘的以色列人、祭司、利未人各住在猶大眾城自己的地業中。
20Vamwe vakasara vavaIsiraeri, vavapristi navaRevhi vakagara pamaguta ose aJudha; mumwe nomumwe panhaka yake.
21作殿役的住在俄斐勒;西哈和基斯帕管理作殿役的人。
21Asi vaNetinimi vakagara paOferi; Ziha naGishipa vakanga vari vatariri vavaNetinimi.
22在耶路撒冷管理利未人的,是巴尼的兒子烏西,巴尼是哈沙比雅的兒子,哈沙比雅是瑪他尼的兒子,瑪他尼是米迦的兒子,他是亞薩的子孫,就是那些管理 神殿事務的歌唱者。
22Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari.
23王命令他們,規定歌唱者每天當盡的責任。
23nekuti mambo akanga araira pamusoro pavo, navaimbi vaipiwa mubayiro wakatarwa zuva rimwe nerimwe.
24猶大的兒子謝拉的子孫中,米示薩別的兒子毗他希雅是王的助手,統管一切民事。
24Petahia, mwanakomana waMeshazabheri, wavana vaZera, mwanakomana waJudha, ndiye akanga ari mubatsiri wamambo pamashoko ose avanhu.
25至於村莊和所屬的田地,有些猶大人住在基列.亞巴和屬於基列.亞巴的鄉村,有些住在底本和屬於底本的鄉村,有些住在葉甲薛和屬於葉甲薛的村莊,
25Kana iri misha nokuruwa rwayo, vamwe vavana vaJudha vakagara paKiriatiarabha nemisha yaro, napaDhibhoni nemisha yaro, napaJekabhizeeri nemisha yaro;
26有些住在耶書亞、摩拉大、伯.帕列、
26napaJeshua, napaMoradha, napaBheerishebha nemisha yawo;
27哈薩.書亞、別是巴和屬於別是巴的鄉村,
27napaHazarishuari, napaBheerishebha nemisha yawo;
28有些住在洗革拉、米哥拿和屬於米哥拿的鄉村,
28napaZikiragi, napaMekona nemisha yawo;
29有些住在音.臨門、瑣拉、耶末、
29napaEnirimoni, napaZora, napaJarimuti;
30撒挪亞、亞杜蘭和屬於這兩地的村莊,拉吉和屬於拉吉的村莊,亞西加和屬於亞西加的田地;他們安營居住的地方,從別是巴直到欣嫩谷。
30neZanowa, neAdhurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa yavo kubva paBheerishebha kusvikira pamupata weHinomi.
31有些便雅憫人住在迦巴、密抹、亞雅、伯特利和屬於伯特利的鄉村,
31Vana vaBhenjamini vakagara kubva paGebha, paMikimashi, neAya, napaBhetieri nemisha yawo;
32有些住在亞拿突、挪伯、亞難雅、
32neAnatoti, neNobhi, neAnania;
33夏瑣、拉瑪、基他音、
33neHazori, neRama, neGitaimi;
34哈疊、洗編、尼八拉、
34neHadhidhi, neZebhoimi, neNebharati;
35羅德、阿挪和匠人谷;
35neRodhi, neOno, neGehaharashimi.
36有些利未人曾經住在猶大地,卻歸到便雅憫地。
36Vamwe vaRevhi vamapoka aJudha vakagara pakati pavaBhenjamini.