聖經新譯本

Shona

Nehemiah

2

1王許尼希米重建城牆亞達薛西王二十年尼散月,王面前擺上了酒席,我拿酒來奉給王。我在他面前素來沒有露出愁容。
1Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
2王卻問我:“你既然沒有病,為甚麼面帶愁容呢?這沒有別的可能,必是心中愁煩。”我就非常懼怕,
2Ipapo mambo akati kwandiri, Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi chinhu ishungu dzomoyo chaidzo. Ndikatya kwazvo.
3對王說:“願王萬歲,我列祖墳墓所在的城成了荒蕪之地,城門被火焚毀,我怎能不面帶愁容呢?”
3Ndikati kuna mambo, Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto?
4王問我:“你想要甚麼呢?”我就向天上的 神禱告,
4Ipapo mambo akati kwandiri, Unokumbireiko? Zvino ndikanyengetera kuna Mwari wokudenga,
5然後對王說:“如果王認為好,僕人能在你面前蒙恩寵,就請你差派我往猶大,到我列祖墳墓所在的城去,讓我重建那城。”
5ndikati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana nyasha pamberipenyu, ndinokumbira kuti munditumire kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka.
6那時,王后坐在王的旁邊。王問我:“你的行程需時多久?你甚麼時候回來?”王既然認為好,就差派我去,我也定了一個歸期。
6Mambo akati kwandiri (navahosiwo vakanga vagere naye), Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
7我又問王:“王若是認為好,請賜給我詔書,通知河西那邊的省長准我經過,直至我到達猶大;
7Uye ndakatiwo kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe tsamba dzakanyorerwa vabati vari mhiri korwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
8又賜詔書,給看守王的園林的亞薩,吩咐他給我木材,建造聖殿的營樓大門的橫梁,以及建造城牆和我要入住的房屋。”因為我的 神施恩的手幫助我,王就賜給我這一切。
8neimwe tsambawo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuwo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda. Mambo akandipa izvozvo, nekuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
9於是我到了河西那邊的省長那裡去,把王的詔書交給他們;王又派了軍長和馬兵護送我。
9Zvino ndikasvika kuvabati mhiri korwizi, ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
10和倫人參巴拉和作臣僕的亞捫人多比雅聽見有人來到,要為以色列求利益,他們就非常惱怒。
10Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vanzwa kuti kwakanga kwasvika munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka, zvikavaodza moyo kwazvo.
11尼希米夜間巡視城牆我到了耶路撒冷,在那裡停留了三天。
11Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu.
12我在夜間起來,和幾個人一起出去,我沒有告訴任何人我的 神使我定意要為耶路撒冷作的事,除了我所騎的一頭牲口以外,沒有帶著別的牲口。
12Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva.
13我夜間出了谷門,向著龍泉走去,到了糞門,視察耶路撒冷破壞了的城牆和被火焚毀的城門。
13Ndikabuda usiku napasuwo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuwo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuwo aro akanga atsva nomoto.
14我又往前走,到了泉門和王池,因為地方不夠讓我騎著牲口過去,
14Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuwo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva.
15我只得在夜間沿溪而上,視察城牆,然後轉回,經過谷門,回到城裡。
15Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuwo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
16沒有一個官長知道我去過甚麼地方,作了甚麼事。我也一直沒有告訴猶大人、或祭司、或貴胄、或官長,或其餘作工的人。
16Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nekuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
17尼希米鼓勵人民重建城牆後來我對他們說:“你們都看見我們遭遇的患難:耶路撒冷成了荒蕪之地,城門被火焚毀,你們都來吧!讓我們重建耶路撒冷的城牆,免得我們再受凌辱。”
17Zvino ndakati kwavari, Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.
18我告訴他們,我的 神施恩的手怎樣幫助我,以及王對我所說的話;他們就說:“我們要起來建造!”於是他們奮勇著手作這善工。
18Ndikavaudza zvokunaka koruoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, Ngatisimuke, tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
19但和倫人參巴拉和作臣僕的亞捫人多比雅,以及阿拉伯人基善聽見了,就譏笑我們,藐視我們,說:“你們在幹甚麼?你們要背叛王嗎?”
19Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatisweveredza, nokutininipisa, vakati, Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?
20我回答他們說:“天上的 神必使我們成功;我們是他的僕人,我們要起來建造,但你們在耶路撒冷無分、無權,無人記念。”
20Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imwi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.