聖經新譯本

Shona

Nehemiah

6

1參巴拉阻撓重建的計謀參巴拉、多比雅、阿拉伯人基善和我們其餘的仇敵聽見我重建好了城牆,城牆再沒有破口。不過那時我還沒有在城門上裝上門扇。
1Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuwo;)
2參巴拉和基善就差派人來見我說:“請你來,我們在阿那平原上的一個村莊會面吧!”其實他們想要謀害我。
2Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno. Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa.
3於是我差派使者去見他們說:“我正在進行大工程,不能去。我怎能放下這工程,去見你們,使這工程停頓呢?”
3Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?
4他們連續四次這樣差派人來見我,我都這樣回覆他們。
4Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
5參巴拉第五次這樣差派他的僕人來見我,手裡拿著一封沒有封口的信。
5Ipapo Sanibharati wakatumazve muranda wake kwandiri saizvozvo rwechishanu, akabata tsamba yakazaruka muruoko rwake;
6信上寫著:“在各民族中有這樣的傳說,迦施慕也說:‘你和猶大人陰謀造反,所以你才重建城牆,據說,你還想要作他們的王。’
6imomo makanga makanyorwa, muchiti, Zvinonzi pakati pendudzi, naGeshemu unodarowo, kuti iwe navaJudha munoda kumukira mambo; nemhaka iyo iwe unovaka rusvingo urwo, newe unoda kuva mambo wavo, ndiwo mashoko avo.
7你又設立先知在耶路撒冷指著你宣講,說:‘猶大有王了。’現在這些話必會傳到王那裡。所以請你來,我們一起商量商量吧。”
7Uye, kuti iwe wakagadza vaporofita vanoparidza pamusoro pako paJerusaremu, vachiti, Pakati paJudha pana mambo. Naizvozvo zvino chiuya, tirangane tose.
8我就回覆他,說:“你說的這些事不是事實,都是你從心裡捏造出來的。”
8Ipapo ndakatuma shoko kwaari, ndikati, Hapaitwi zvinhu zvakadai zvaunotaura, asi wakangozvifunga hako mumoyo mako.
9其實他們眾人是在恐嚇我們,心裡說:“他們的手必軟弱,不能再作這工程,不會完工了!”但我的手更堅定作工。
9nekuti vose vakanga vachitsvaka kutityisa, vachiti, Maoko avo ngaashaiwe simba pabasa, kuti rirege kupedzwa. Asi zvino, Mwari simbisai maoko angu.
10假先知示瑪雅的恐嚇我來到米希大別的孫子、第來雅的兒子示瑪雅的家裡;那時,他閉門不出,他說:“我們在 神的殿裡,在殿的大堂中會面吧!我們要把殿門關起來,因為他們要來殺你,在夜間來殺你。”
10Ipapo ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, akanga azvipfigira, iye akati, Ngatisangane mumba maMwari, mukati metemberi, tipfige mikova yetemberi; nekuti vachauya kuzokuuraya; vachauya usiku kuzokuuraya.
11我回答:“像我這樣的人,怎可以逃跑呢?哪有像我這樣的人,進入聖殿裡去保全自己的性命呢?我決不進去!”
11Ini ndakati, Munhu akaita seni ungatiza here? Ndianiko akaita seni angapinda mutemberi, kuti azviraramise? Handingapindi.
12我看出 神並沒有差派他,是他自己宣講這話攻擊我,因為多比雅和參巴拉收買了他。
12Ndikaona kwazvo kuti Mwari akanga asina kumutuma; asi akandiporofitira izvozvo, nekuti akanga afufurwa naTobhia naSanibharati.
13他被收買,是要使我懼怕,照著他說的去作,以致犯罪,他們就破壞我的名聲來毀謗我。
13Akanga afufurwa nemhaka iyo, kuti nditye, ndiite saizvozvo, nditadze, kuti vawane chavangandichera nacho, vagondishora.
14“我的 神啊,求你記住多比雅和參巴拉,按著他們所行的報應他們;也要報應女先知挪亞底和其餘的先知,因為他們恐嚇我。”
14Rangarirai henyu, Mwari wangu, mabasa awa aTobhia naSanibharati, naNowadhia muporofitakadzi, navamwe vaporofita, vakaidza kundityisa.
15重建完成以祿月二十五日,城牆建成,整個工程共用了五十二天。
15Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.
16我們所有的仇敵聽見了,我們四圍所有的民族都懼怕,敵人的聲勢一落千丈,他們都承認這工程是靠著我們 神的幫助完成的。
16Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora moyo, nekuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.
17在這段日子,猶大人的貴族寫了許多信給多比雅,多比雅也常常回信給他們。
17Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo tsamba zhinji kuna Tobhia, uye tsamba dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.
18在猶大有許多人與多比雅結盟;因為他是亞拉的兒子、示迦尼的女婿,並且他的兒子約哈難娶了比利迦的兒子米書蘭的女兒為妻。
18Nekuti vazhinji vaivapo paJudha vakanga vapika kwaari, nekuti waiva mukwambo waShekania mwanakomana waAra; mwanakomana wake Jehohanani akanga awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekia.
19不但這樣,他們也常常在我面前提起多比雅的善行,又把我說的話傳給他;多比雅又常常寄信來恐嚇我。
19Vakarumbidzawo mabasa ake akanaka pamberi pangu, nokumuudza mashoko angu. Tobhia akatuma tsamba dzokundityisa.