1哥轄子孫的職責耶和華對摩西和亞倫說:
1Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
2“你要從利未人中,登記哥轄子孫的總數,照著他們的家族、父家,
2Verenga vanakomana vose vaKohati pakati pavana vaRevhi, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
3從三十歲以上,直到五十歲,能進來供職,在會幕裡工作的,你都要登記。
3vana makore ana makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, vose vanopinda pabasa, kuti vaite basa mutende rokusangana.
4哥轄子孫在會幕裡的工作就是管理至聖之物。
4Ndiro basa ravanakomana vaKohati mutende rokusangana pazvinhu zvitsvene-tsvene:
5起營出發的時候,亞倫和他的兒子要進去,把遮蓋至聖所的幔子卸下來,用來遮蓋約櫃;
5Kana ungano ichisimuka, Aroni anofanira kupinda navanakomana vake, vagobvisa chidzitiro, ndokufukidza areka yechipupuriro nacho.
6又把海狗皮罩蓋在上面,再鋪上純藍色的布,然後把槓穿上。
6Zvino vanofanira kuisa pamusoro pazvo chokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuwarira pamusoro pazvo mucheka mutema wose, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
7在陳設餅的桌子上,他們要鋪上藍色布,把盤子、碟子、杯和奠酒的爵擺在上面,桌子上也必須有常獻餅;
7Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema patafura yechingwa chokuratidza, ndokuisa pamusoro payo midziyo, nembiya, nemikombe, nezvimbiya zvokudira nazvo; nechingwa chamazuva ose chinofanira kuva pamusoro payo.
8在這些物件上面,他們要鋪上朱紅色布,再蓋上海狗皮罩,然後把槓穿上。
8Zvino vanofanira kuwarira pamusoro pazvo mucheka mutsvuku, ndokuufukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.
9他們要拿藍色布,把燈臺和燈臺上的燈盞、剪子、蠟花盤,以及為燈臺所用一切盛油的器具遮蓋起來。
9Vanofanira kutorawo mucheka mutema, vagofukidza nawo chigadziko chemwenje yokuvhenekesa nayo, nemwenje yacho, nembato dzacho, nendiro dzacho, nemidziyo yacho yose yamafuta, yavanobata nayo.
10他們又要把燈臺和燈臺的一切器具,都包在海狗皮裡,然後放在抬架上。
10Zvino vanofanira kuchiputira pamwechete nenhumbi dzacho dzose muchokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuchiisa pamatanda.
11在金壇上面,他們要鋪上藍色布,再蓋上海狗皮罩,然後把槓穿上。
11Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema pamusoro pearitari yendarama, ndokuifukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda ayo okutakura nawo.
12他們又要把聖所裡供職使用的一切器具,都包在藍色布裡,再蓋上海狗皮罩,然後放在抬架上。
12Vanofanira kutorawo nhumbi dzose dzokubata nadzo paimba tsvene, vagodziputira mumucheka mutema, ndokudzifukidza nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokuzviisa pamatanda.
13他們要清除壇上的灰,把紫色布鋪在壇上。
13Vanofanira kubvisawo madota paaritari, ndokuwarira pamusoro payo mucheka mushava,
14又要把在壇上供職使用的一切器具,就是火鼎、肉叉、鏟子、盤子,都擺在上面;再蓋上海狗皮罩,然後穿上槓。
14ndokuisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose, dzavanobata nadzo pairi, dzinoti: Zvaenga zvomoto, nezvikokovonho zvenyama, nefoshoro, nemidziyo, nhumbi dzose dzearitari, vagowarira pamusoro payo chokufukidzira chamatebwe amatenhe, ndokupinza matanda okutakura nawo.
15全營出發的時候,亞倫和他的兒子,把聖所和聖所的一切器具遮蓋完了以後,哥轄的子孫就要來抬;只是他們不可觸摸聖物,免得他們死亡。會幕裡這些物件是哥轄的子孫應當抬的。
15Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.
16亞倫祭司的兒子以利亞撒的職務是看管點燈的油、芬芳的香、常獻的素祭和膏油,也要看管整個帳幕和其中所有的一切,以及聖所和聖所的器具。”
16Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuhwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.
17耶和華對摩西和亞倫說:
17Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,
18“你們不可把哥轄家族的派系從利未人中剪除;
18Rudzi rwemhuri dzavaKohati ngarurege kuparadzwa pakati pavaRevhi;
19他們接近至聖之物的時候,亞倫和他的兒子要進去,指定他們各人當辦的和當抬的工作;你們要這樣待他們,好讓他們活著,不至死亡;
19asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene-tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.
20只是他們連片刻也不可進去觀看聖物,免得他們死亡。”
20Asi ngavarege kupinda kundoona imba tsvene, kunyange iri nguva duku, kuti varege kufa.
21革順子孫的職責耶和華對摩西說:
21Jehovha akataura naMozisi akati,
22“你也要登記革順子孫的總數,照著他們的父家、家族,
22Verenga vanakomana vose vaGeshoni, dzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo.
23從三十歲以上,直到五十歲,能進來供職,在會幕裡工作的,你都要數點。
23Uverenge vanamakore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu; vose vanopinda kundobata basa, kubata mutende rokusangana.
24革順人的家庭所作的事和所抬的物如下:
24Ndiro basa remhuri dzavaGeshoni pakubata napakutakura mitoro:
25他們要抬帳幕的幔子、會幕和會幕的蓋,以及蓋在上面的海狗皮罩和會幕的門簾、
25Ivo vanofanira kutakura machira etabhenakeri, netende rokusangana; nechokufukidzira chayo, nechokufukidzira chamatebwe amatenhe, chiri pamusoro payo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana;
26院子的帷子、院子的門簾(院子是圍繞帳幕和祭壇的)、繩子,以及一切使用的器具;有關這些器具所當作的,他們都要辦理。
26nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuwo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzearitari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.
27革順的子孫所有的任務,他們在一切當抬的和當辦的事上,都要照著亞倫和他兒子的吩咐;他們當抬的,你們都要把職務分派給他們。
27Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.
28這是革順子孫的家族在會幕裡所辦的事;他們的職務要受亞倫祭司的兒子以他瑪的管理。
28Ndiro basa remhuri dzavana vaGeshoni patende rokusangana; pabasa ravo rose vanofanira kurairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
29米拉利子孫的職責“米拉利的子孫,你也要照著他們的宗族,按著他們的家室數點他們;
29Kana vari vanakomana vaMerari, unofanira kuvaverenga nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo.
30從三十歲以上,直到五十歲,能進來供職,在會幕裡工作的,你都要數點。
30Uverenge vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu, mumwe nomumwe, vose vanopinda pabasa, kubata basa retende rokusangana.
31他們在會幕裡的一切事奉,他們的職務,就是抬帳幕的木板、橫閂、柱子和插座、
31Ndiro basa ravo rokutakura, sezvavanofanira kubata mutende rokusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
32院子四周的柱子、插座、橛子、繩子、一切用具和使用的東西;他們當抬的器具,你們要按著名字一一指定。
32nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvaritarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.
33這是米拉利子孫的家族在會幕裡所辦的一切事務,都受亞倫祭司的兒子以他瑪的管理。”
33Ndiro basa remhuri dzavanakomana vaMerari, sezvavaifanira kubata basa mutende rokusangana, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
34數點利未各宗族的人口摩西、亞倫和會眾的領袖們,把哥轄的子孫,按著他們的宗族和父家,
34Zvino Mozisi naAroni namachinda eungano vakaverenga vanakomana vaKohati nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo;
35從三十歲以上,直到五十歲,能進來供職,在會幕裡工作的,都數點了。
35vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe vose vaifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
36按著宗族,他們被數點的,共有二千七百五十人。
36vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe namakumi mashanu.
37這是哥轄家族被數點的人數,是所有在會幕裡辦事的人數,就是摩西和亞倫,照著耶和華藉摩西吩咐數點的。
37Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavaKohati, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
38革順的子孫,按著他們的宗族和父家被數點的,
38Vakaverengwa vavanakomana vaGeshoni nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
39從三十歲以上,直到五十歲,能進去供職,在會幕裡工作的,
39vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana,
40按著他們的宗族和父家,被數點的人數,共有二千六百三十人。
40vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo nedzimba dzamadzibaba avo, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu namakumi matatu.
41這些是革順子孫的家族被數點的人數,是一切在會幕裡辦事的,就是摩西和亞倫照著耶和華的吩咐數點的。
41Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavana vaGeshoni, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha.
42米拉利的子孫,按著宗族和父家,
42Vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
43從三十歲以上,直到五十歲,能進去供職,在會幕裡工作的,都數點了。
43vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;
44按著宗族,他們被數點的,共有三千二百人。
44vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo, vakasvika zviuru zvitatu namazana maviri.
45這些是米拉利子孫的家族被數點的人數,就是摩西和亞倫,照著耶和華的吩咐數點的。
45Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
46被數點的利未人,就是摩西和亞倫,以及以色列的眾領袖,按著宗族和家室數點的,
46Zvino vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni namachinda avaIsiraeri, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,
47從三十歲以上,直到五十歲,可以進去供職,在會幕裡作抬物件的工作的,
47vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda kuzobata basa, nebasa rokutakura mitoro mutende rokusangana,
48他們的人數,共有八千五百八十人。
48vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvisere namazana mashanu namakumi masere.
49照著耶和華藉摩西吩咐的,把他們數點,各人按著自己所辦的事和所抬的物件被數點,正如耶和華吩咐摩西的。
49Vakaverengwa sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, mumwe nomumwe pabasa rake, napamutoro wake; vakaverengwa saizvozvo naye, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.