聖經新譯本

Shona

Proverbs

21

1追求公義仁愛必得尊榮君王的心在耶和華手中,好像水溝的水,他可以隨意轉移。
1Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
2人看自己一切所行的,都是正直的;耶和華卻衡量人心。
2Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
3秉公行義,比獻祭更蒙耶和華悅納。
3Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
4高傲的眼、傲慢的心,惡人的燈,都是罪惡。
4Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
5殷勤人的籌劃必使他獲利;行事急躁的必致貧窮。
5Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
6憑撒謊的舌頭得來的財寶,是飄蕩的浮雲、死亡的追尋。
6Kuunganidza fuma norurimi runoreva nhema Imhute inodzingwa kose-kose navanotsvaka rufu.
7惡人的暴行必拖累自己;因為他們不肯秉行公正。
7Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, nekuti vanoramba kuita zvakarurama.
8罪人的道路充滿狡詐,清潔的人,行為正直。
8Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
9寧可住在房頂的一角,也不跟吵鬧的婦人同住一間房屋。
9Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
10惡人的心只求邪惡,他的眼並不顧惜鄰舍。
10Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
11好譏笑人的受刑罰的時候,愚蒙人就得著智慧;智慧人受訓誨的時候,他就得著知識。
11Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
12公義的 神留意惡人的家,使惡人在禍患中毀滅。
12Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
13塞耳不聽貧窮人呼求的,他將來呼求,也得不到應允。
13Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema komurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
14暗中送的禮物,可以平息怒氣,懷裡藏的賄賂,能平息暴怒。
14chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
15秉行公正,使義人喜樂,卻使作孽的人恐懼。
15Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
16偏離明慧之道的人,必住在陰魂的會中。
16Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
17貪愛享樂的,必成為窮乏人;好酒愛脂油的,必不會富足。
17Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
18惡人作了義人的贖價,奸詐人作了正直人的替身。
18Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
19寧可住在野地,也不跟吵鬧易怒的婦人同住。
19Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara nowanonetsa.
20智慧人的居所中,積存珍貴的財物和油;愚昧人卻把他所有的揮霍耗盡。
20Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
21追求公義與慈愛的,必得著生命、公義和榮耀。
21Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
22智慧人登上勇士的城,傾覆他倚靠的堅壘。
22Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
23謹守口舌的,保護自己免受患難。
23Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
24驕傲自大的人,他的名字是好譏笑人的;他行事狂妄驕傲。
24Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
25懶惰人的願望害死自己,因為他的手不肯工作。
25Kuda koane usimbe kunomuuraya; nekuti maoko ake anoramba kubata basa.
26他終日貪得無厭,但義人施予毫不吝嗇。
26Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
27惡人的祭物是耶和華所厭惡的,更何況是懷著惡念來獻的呢?
27Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
28作假見證的必要滅亡,聆聽真情的人,他的話長存。
28Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
29惡人厚顏無恥,正直人卻堅定他的道路。
29Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
30任何智慧、聰明、謀略都不能敵擋耶和華。
30Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
31馬是為打仗之日預備的,勝利卻在於耶和華。
31Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.