聖經新譯本

Shona

Psalms

116

1稱謝 神拯救得免死亡我愛耶和華,因為他聽了我的聲音、我的懇求。
1Ndinoda Jehovha, nekuti anonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu.
2因為他留心聽我的懇求,我一生一世要求告他。
2Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose.
3死亡的繩索纏繞著我,陰間的痛苦抓住我;我遭遇患難和愁苦。
3Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema.
4那時,我呼求耶和華的名,說:“耶和華啊!求你拯救我。”
4Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.
5耶和華有恩典,有公義,我們的 神滿有憐憫。
5Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.
6耶和華保護愚蒙人,我落到卑微的地步,他拯救了我。
6Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
7我的心哪!你要回復安寧,因為耶和華用厚恩待你。
7Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; nekuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8主啊!你救了我的性命脫離死亡,你使我的眼睛不致流淚,使我的雙腳不致跌倒。
8nekuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Nerutsoka rwangu pakugumburwa.
9我要在活人之地,行在耶和華面前。
9Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu.
10我雖然說:“我受了極大的痛苦”,但我仍然相信。
10Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, Ndakamanikidzwa kwazvo,
11我在驚惶之中曾說:“人都是說謊的。”
11Ndakati pakuvhunduka kwangu, Vanhu vose vanoreva nhema.
12我拿甚麼報答耶和華向我所施的一切厚恩呢?
12Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?
13我要舉起救恩的杯,稱揚耶和華的名。
13Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha.
14我要在耶和華的眾民面前,向他還我所許的願。
14Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.
15在耶和華的眼中看來,聖民的死極為寶貴。
15Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake.
16耶和華啊!我真是你的僕人;我是你僕人,你婢女的兒子;我的鎖鍊你給我解開了。
16Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu.
17我要把感恩祭獻給你,我要稱揚耶和華的名。
17Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha.
18我要在耶和華的眾民面前,向他還我所許的願。
18Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;
19耶路撒冷啊!就是在你的中間,在耶和華殿的院子裡,我要還我所許的願。你們要讚美耶和華。
19Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!