聖經新譯本

Shona

Psalms

12

1大衛的詩,交給詩班長,調用“舍尼”。耶和華啊!求你施行拯救,因為虔誠人沒有了,在世人中的信實人也不見了。
1Batsirai, Jehovha, nekuti vanoda Mwari vopera; nekuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.
2他們彼此說謊,用諂媚的嘴唇說話,口是心非。
2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.
3願耶和華剪除一切說諂媚話的嘴唇,和說誇大話的舌頭。
3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;
4他們曾說:“我們必能以舌頭取勝;我們的嘴唇是自己的,誰能作我們的主呢?”
4Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?
5耶和華說:“因為困苦人的冤屈和貧窮人的歎息,我現在要起來,把他們安置在他們渴望的穩妥之中。”
5Nokuda kokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.
6耶和華的言語是純淨的言語,好像銀子在泥爐中煉過,精煉過七次一樣。
6Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.
7耶和華啊!求你保守我們(“我們”有古抄本作“他們”),保護我們(“我們”有古抄本作“他們”)永遠脫離這世代的人。
7Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.
8惡人到處橫行,邪惡在世人中被高舉。
8Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.