聖經新譯本

Shona

Psalms

137

1被擄之民向 神的哀求我們曾坐在巴比倫的河畔,在那裡我們一想起錫安就哭了。
1Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni.
2我們把我們的琴掛在那裡的柳樹上。
2Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.
3因為在那裡,擄掠我們的人要我們唱歌,苦待我們的人要我們娛樂他們;他們說:“為我們唱一首錫安歌吧!”
3nekuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni.
4我們怎能在異族之地唱耶和華的歌呢?
4Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
5耶路撒冷啊!如果我忘記你,情願我的右手忘記技巧(“忘記技巧”或譯:“枯乾”)。
5Kana ndikakukangamwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukangamwe umhizha hwarwo.
6如果我不記念你,如果我不高舉耶路撒冷超過我最大的喜樂,情願我的舌頭緊貼上膛。
6Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.
7耶和華啊!求你記念以東人在耶路撒冷遭難的日子所行的,他們說:“拆毀它,拆毀它,直拆到根基。”
7Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro.
8將要被毀滅的(“將要被毀滅的”有古譯本作“毀滅者”)巴比倫城(“城”原文作“女子”)啊!照著你待我們的行為報復你的,那人有福了。
8Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.
9抓住你的嬰孩摔在磐石上的,那人有福了。
9Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.