聖經新譯本

Shona

Psalms

86

1大衛的禱告。耶和華啊!求你留心聽我、應允我,因為我是困苦貧窮的。(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
1Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; nekuti ndiri murombo nomushaiwi.
2求你保護我的性命,因為我是虔誠的人;我的 神啊!求你拯救這倚靠你的僕人。
2Chengetai mweya wangu; nekuti ndiri mudikamwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3主啊!求你恩待我,因為我終日向你呼求。
3Ndinzwirei tsitsi, Ishe, nekuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4主啊!求你使你的僕人心裡歡喜,因為我的心仰望你。
4Fadzai mweya womuranda wenyu, nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.
5主啊!你是良善,又樂意饒恕人的,向你呼求的,你都以豐盛的慈愛待他們。
5Nekuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukangamwira, Mune tsitsi zhinji kuna vose vanodana kwamuri.
6耶和華啊!求你側耳聽我的禱告,留心聽我的懇求。
6Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu.
7在我遭難的日子,我要求告你,因為你必應允我。
7Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nekuti muchandipindura.
8主啊!在眾神之中,沒有能和你相比的,你的作為也是無可比擬的。
8Hapana akafanana nemwi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.
9主啊!你所造的萬國都要來,在你面前下拜,他們必榮耀你的名。
9Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.
10因為你是偉大的,並且行奇妙的事,只有你是 神。
10Nekuti imwi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa, Ndimi Mwari woga.
11耶和華啊!求你把你的道路指教我,使我行在你的真理中,專心敬畏你的名。
11Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muchokwadi chenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu.
12主我的 神啊!我要滿心稱讚你,我要永遠榮耀你的名。
12Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
13因為你向我大施慈愛,你救了我的命,免入陰間的深處。
13Nekuti tsitsi dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.
14 神啊!驕傲的人起來攻擊我,一群強暴的人尋索我的性命,他們不把你放在眼內。
14Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.
15但是,主啊!你是有憐憫有恩典的 神,你不輕易發怒,並且有極大的慈愛和信實。
15Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune tsitsi zhinji nechokwadi.
16求你轉向我,恩待我;把你的能力賜給你的僕人,拯救你婢女的兒子。
16Ringirai kwandiri, mundinzwire tsitsi; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
17求你向我顯出恩待我的記號,好使恨我的人看見了,就覺得羞愧;因為你耶和華幫助了我,安慰了我。
17Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe, nekuti imwi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.