1捆綁撒但一千年我又看見一位天使從天上降下來,手裡拿著無底坑的鑰匙和一條大鎖鍊。
1Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
2他捉住了那龍,那古蛇,就是魔鬼,撒但,把牠捆綁了一千年。
2Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
3天使把牠拋在無底坑裡,關起來,封上印,使牠不能再迷惑列國,等到那一千年完了。以後,必須暫時釋放牠。
3akamukandira mugomba risina chigadziko, akamupfigira, akaisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; shure kweizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
4我又看見一些寶座,有人坐在上面,他們得了審判的權柄。我也看見那些因為替耶穌作見證,並且因為 神的道而被斬首的人的靈魂。他們沒有拜過獸或獸像,也沒有在額上或手上受過獸的記號。他們都復活了,與基督一同作王一千年。
4Zvino ndakaona zvigaro zveushe, vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwaari; ndikaona mweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, nekweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo, nepamaoko avo; vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
5其餘的死人還沒有復活,等到那一千年完了。這是頭一次的復活。
5Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
6在頭一次復活有分的人是有福的、聖潔的,第二次的死沒有能力轄制他們。他們還要作 神和基督的祭司,與他一同作王一千年。
6Wakaropafadzwa uye mutsvene une mugove pakumuka kwekutanga, uye pana ivava rufu rwechipiri haruna simba; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe naye makore churu.
7撒但的失敗那一千年完了,撒但就要從監牢裡被釋放出來。
7Zvino kana makore churu apera, Satani uchasunungurwa mutirongo rake,
8他要出來迷惑地上四方的列國,就是高革和瑪高革,使他們聚集爭戰。他們的人數好像海邊的沙那麼多。
8zvino uchabuda kunonyengera marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; uwandu hwakaita sejecha regungwa.
9他們上來遍滿了全地,圍住了聖徒的營和那蒙愛的城,就有火從天上降下來,毀滅了他們。
9Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yevatsvene neguta rinodikamwa; moto ndokuburuka uchibva kuna Mwari uchibuda kudenga ukavaroromesa.
10那迷惑他們的魔鬼,被拋在硫磺的火湖裡,就是獸和假先知所在的地方。他們必晝夜受痛苦,直到永永遠遠。
10Zvino dhiabhorosi wakavanyengera akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.
11白色大寶座的審判我又看見一個白色的大寶座,和坐在上面的那位。天地都從他面前逃避,再也看不見了。
11Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, naiye wakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
12我又看見死了的人,無論大小,都站在寶座前。案卷都展開了,還有另一卷,就是生命冊,也展開了。死了的人都憑著這些案卷所記載的,照著他們所行的受審判。
12Uye ndakaona vakafa vaduku nevakuru, vamire pamberi paMwari, zvino mabhuku akazarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu, vakafa vakatongwa nezvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
13於是海把其中的死人交出來,死亡和陰間也把其中的死人交出來,他們都照著各人所行的受審判。
13Gungwa rikabudisa vakafa vakange vari mariri; nerufu neguva zvikabudisa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.
14死亡和陰間也被拋在火湖裡。這火湖就是第二次的死。
14Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
15凡是名字沒有記在生命冊上的,他就被拋在火湖裡。
15Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu wakakandirwa mudziva remoto.