聖經新譯本

Shona

Revelation

7

1印了十四萬四千個以色列人這事以後,我看見四位天使站在地的四極,掌握著地上的四風,不使風吹在地上、海上和任何樹上。
1Uye shure kwezvinhu izvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamuti umwe neumwe.
2我又看見另外一位天使,從日出之地上來,拿著永活 神的印,向那四位得了權柄可以傷害地和海的天使,大聲呼喊,
2Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
3說:“你們不要傷害地、海和樹木,等我們在 神眾僕人的額上先蓋上了印。”
3achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari pahuma.
4我聽見被蓋印的人的數目,以色列子孫各支派中被蓋印的共有十四萬四千人:
4Ndikanzwa uwandu hwaivo vakaiswa mucherechedzo; zvuru zana nemakumi mana nezvina, vakaiswa mucherechedzo vachibva kumarudzi ose evana vaIsraeri.
5猶大支派中被蓋印的,一萬二千人,流本支派中,一萬二千人;迦得支派中,一萬二千人;
5Verudzi rwaJudha vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni kwakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaGadi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
6亞設支派中,一萬二千人;拿弗他利支派中,一萬二千人;瑪拿西支派中,一萬二千人;
6Verudzi rwaAseri vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaNafutarimi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaManase vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
7西緬支派中,一萬二千人;利未支派中,一萬二千人;以薩迦支派中,一萬二千人;
7verudzi rwaSimioni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaRevhi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaIsakari vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
8西布倫支派中,一萬二千人;約瑟支派中,一萬二千人;便雅憫支派中,一萬二千人。
8verudzi rwaZebhuroni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaJosefa vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaBenjamini vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri.
9各國各族的群眾前來敬拜這些事以後,我觀看,見有一大群人,沒有人能數得過來,是從各邦國、各支派、各民族、各方言來的。他們都站在寶座和羊羔面前,身穿白袍,手裡拿著棕樹枝。
9Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru chisingagoni kuverengwa nemunhu, vakabva kundudzi dzose, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro cheushe, nepamberi peGwayana vakapfeka nguvo chena, nemichindwe mumaoko avo;
10他們大聲呼喊,說:“願救恩歸給那坐在寶座上我們的 神,也歸給羊羔!”
10vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
11所有的天使都站在寶座、眾長老和四個活物的四周。他們在寶座前,面伏在地上敬拜 神,
11Zvino vatumwa vose vakamira vakakomba chigaro cheushe, nevakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa nezviso zvavo pamberi pechigaro cheushe, vakanamata Mwari,
12說:“阿們!願頌讚、榮耀、智慧、感謝、尊貴、權能、力量,都歸給我們的 神,直到永永遠遠。阿們!”
12vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nekubwinya, nenjere, nekuvonga, nerukudzo, nesimba, nechiremerera ngazvive kuna Mwari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
13長老中有一位問我:“這些身穿白袍的是誰?他們是從哪裡來的呢?”
13Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivana ani? Uye vakabvepi?
14我對他說:“我主啊,你是知道的。”他告訴我:“這些人是從大患難中出來的。他們用羊羔的血,把自己的衣袍洗潔白了。
14Ndikati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.
15因此,他們可以在 神的寶座前,並且日夜在他的聖所裡事奉他。那坐在寶座上的必展開帳幕覆庇他們。
15Naizvozvo vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye unogara pachigaro cheushe, uchavadzitira.
16他們必不再餓,也不再渴;太陽和一切炎熱必不傷害他們。
16Havachazoziyizve kana kuzova nenyotazve; zuva haringavapenyeri kana kumwe kupisa;
17因為在寶座中間的羊羔必牧養他們,領他們到生命水的泉源那裡。 神也必抹去他們的一切眼淚。”
17Nekuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; Mwari uchapusika misodzi yose kumeso avo.