1不可論斷弟兄或輕看弟兄你們要接納信心軟弱的人,不要論斷引起爭論的事。
1Zvino usina simba parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero.
2有人相信所有的食物都可以吃,信心軟弱的人卻只吃蔬菜。
2Mumwe unotenda kuti ungadya zvinhu zvose; asi usina simba unodya miriwo.
3吃的人不要輕看不吃的人,不吃的人也不要批評吃的人,因為 神已經接納他了。
3Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi, usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nekuti Mwari wakamugamuchira.
4你是誰,竟然批評別人的家僕呢?他或站穩或跌倒,只和自己的主人有關;但他必定站穩,因為主能夠使他站穩。
4Iwe ndiwe ani unopa muranda weumwe mhosva? Unomira kana kuwa kuna Ishe wake. Uchamiswa zvirokwazvo, nekuti Mwari unogona kumumisa.
5有人認為這日比那日好,也有人認為日日都是一樣;只要各人自己心意堅定就可以了。
5Umwe unotemera rimwe zuva kupfuura rimwe; mumwe unotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaave nechokwadi mufungwa dzake.
6守日的人是為主守的,吃的人是為主吃的,因為他感謝 神;不吃的人是為主不吃,他也感謝 神。
6Uyo unorangarira zuva, unorirangarira muna Ishe; neusingarangariri zuva muna Ishe, haarirangariri, neunodya unodya nekuda kwaIshe, nekuti unovonga Mwari. Uye usingadyi, haadyi muna Ishe, uye unovonga Mwari.
7我們沒有一個人為自己活,也沒有一個人為自己死。我們若活著,是為主而活;
7Nekuti hakuna umwe wedu unozviraramira, uye hakuna unozvifira.
8我們若死了,是為主而死。所以,我們無論活著或是死了,總是屬於主的人。
8Nekuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa tiri vaIshe.
9為了這緣故,基督死了,又活過來,就是要作死人和活人的主。
9Nekuti Kristu wakafira izvozvi, akamuka akararamazve kuti ave Ishe wevose vapenyu nevakafa.
10這樣,你為甚麼批評你的弟兄呢?為甚麼又輕看你的弟兄呢?我們都要站在 神的審判臺前;
10Zvino iwe unopireiko hama yako mhosva? Kana newe, unozvidzireiko hama yako? Nekuti isu tose tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu.
11因為經上記著:“主說,我指著我的永生起誓:萬膝必向我跪拜,萬口必稱頌 神。”
11Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchareurura kuna Mwari.
12這樣看來,我們各人都要把自己的事向 神交代。
12Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu uchazvidavirira pachake kuna Mwari.
13不可使弟兄跌倒所以,我們不要再彼此批評了;倒要立定主意,決不作絆倒弟兄或使他跌倒的事。
13Naizvozvo ngatirege kuramba tichipana mhosva; asi zviri nani mutonge izvi, kuti kusava neunoisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama.
14我知道,並且在主耶穌裡深信,沒有一樣東西的本身是不潔的,但如果有人認為是不潔的,對他來說那東西就成為不潔了。
14Ndinoziva, uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba chomene; asi kune uyo unofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba.
15如果你為了食物使你的弟兄憂愁,你就不再是憑著愛心行事了。你不可因著你的食物,使基督已經替他死了的人滅亡。
15Asi kana hama yako ichirwadziwa nechikafu, hauchafambi nerudo. Usamuparadza nechikafu chako uyo wakafirwa naKristu.
16所以,不可使你們看為好的被人毀謗;
16Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.
17因為 神的國不在於吃喝,而在於公義、和睦,以及聖靈裡的喜樂。
17Nekuti ushe hwaMwari hahwusi chikafu kana chimwiwa, asi kururama, nerugare, nemufaro muMweya Mutsvene.
18這樣服事基督的人,必蒙 神喜悅,又得眾人嘉許。
18Nekuti uyo unobatira Kristu pazvinhu izvi, unogamuchirwa kuna Mwari, uye unotendwa nevanhu.
19所以,我們總要追求和睦的事,與彼此造就的事。
19Naizvozvo ngatitsvakisise zvinhu zvinouyisa rugare nezvinhu zvekuvakana.
20不可因食物的緣故拆毀 神的工作。一切都是潔淨的,但人若因食物絆倒弟兄,對他來說,這就是惡事了。
20Regai kuparadza basa raMwari nekuda kwechikafu. Zvinhu zvose zvakarurama, asi zvakaipa kune unodya achigumbusa.
21無論是吃肉,是喝酒,或是甚麼使你的弟兄跌倒的事,一律不要作才好。
21Zvakanaka kusadya nyama, kana kumwa waini, kana kuita chingagumbusa hama yako, kana kukanganiswa kana kushaiswa simba.
22你所信的,你自己要在 神面前持守。人在經自己考驗後認可的事上能夠不自責,他就有福了。
22Une rutendo here? Iva narwo umene pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.
23但如果有人存著疑惑的心去吃,他就被定罪了,因為他不是出於信心。凡不是出於信心的,都是罪。
23Asi uyo unokahadzika kana achidya wava nemhosva, nekuti haadyi nerutendo; nekuti zvose zvisingabvi parutendo chivi.