King James Version

Shona

Revelation

19

1And after these things I heard a great voice of much people in heaven, saying, Alleluia; Salvation, and glory, and honour, and power, unto the Lord our God:
1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakanzwa inzwi guru revanhu vazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya, nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
2For true and righteous are his judgments: for he hath judged the great whore, which did corrupt the earth with her fornication, and hath avenged the blood of his servants at her hand.
2Nekuti mitongo yake ndeyechokwadi yakarurama; nekuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, akatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
3And again they said, Alleluia And her smoke rose up for ever and ever.
3Ndokuti rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hwunokwira kusvikira rinhi narinhi.
4And the four and twenty elders and the four beasts fell down and worshipped God that sat on the throne, saying, Amen; Alleluia.
4Zvino Vakuru makumi maviri nevana vakawira pasi nezvisikwa zvipenyu zvina vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe vachiti: Ameni, Hareruya!
5And a voice came out of the throne, saying, Praise our God, all ye his servants, and ye that fear him, both small and great.
5Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mose varanda vake, nemwi munomutya, zvose vaduku nevakuru.
6And I heard as it were the voice of a great multitude, and as the voice of many waters, and as the voice of mighty thunderings, saying, Alleluia: for the Lord God omnipotent reigneth.
6Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nekuti Ishe Mwari Wemasimbaose unotonga.
7Let us be glad and rejoice, and give honour to him: for the marriage of the Lamb is come, and his wife hath made herself ready.
7Ngatifare, tipembere, tipe rukudzo kwaari; nekuti muchato weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.
8And to her was granted that she should be arrayed in fine linen, clean and white: for the fine linen is the righteousness of saints.
8Kwaari kwakapiwa kuti apfeke rineni yakapfava, inopenya, yakachena; nekuti rineni yakapfava ndiyo kururama kwevatsvene.
9And he saith unto me, Write, Blessed are they which are called unto the marriage supper of the Lamb. And he saith unto me, These are the true sayings of God.
9Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chemuchato weGwayana. Akati kwandiri: Awa mashoko aMwari echokwadi.
10And I fell at his feet to worship him. And he said unto me, See thou do it not: I am thy fellowservant, and of thy brethren that have the testimony of Jesus: worship God: for the testimony of Jesus is the spirit of prophecy.
10Zvino ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate; akati kwandiri: Chenjera usadaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nekuti uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.
11And I saw heaven opened, and behold a white horse; and he that sat upon him was called Faithful and True, and in righteousness he doth judge and make war.
11Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, naiye wakange agere pamusoro paro unonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama unotonga nekuita hondo.
12His eyes were as a flame of fire, and on his head were many crowns; and he had a name written, that no man knew, but he himself.
12Meso ake akaita semurazvo wemoto; nemusoro une korona zhinji, uye wakange ane zita rakanyorwa, risina kuzikamwa nemunhu, asi naiye amene.
13And he was clothed with a vesture dipped in blood: and his name is called The Word of God.
13Zvino wkapfeka nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi Shoko raMwari.
14And the armies which were in heaven followed him upon white horses, clothed in fine linen, white and clean.
14Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka rineni yakapfava chena isina tsvina.
15And out of his mouth goeth a sharp sword, that with it he should smite the nations: and he shall rule them with a rod of iron: and he treadeth the winepress of the fierceness and wrath of Almighty God.
15Mumuromo make makabva mabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye uchaatonga netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chewaini chehasha dzekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
16And he hath on his vesture and on his thigh a name written, KING OF KINGS, AND LORD OF LORDS.
16Uye panguvo yake nepachidzva chake pakange pane zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO naIshe WAMADZISHE.
17And I saw an angel standing in the sun; and he cried with a loud voice, saying to all the fowls that fly in the midst of heaven, Come and gather yourselves together unto the supper of the great God;
17Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai, muungane pamwe pachirayiro chaMwari mukuru.
18That ye may eat the flesh of kings, and the flesh of captains, and the flesh of mighty men, and the flesh of horses, and of them that sit on them, and the flesh of all men, both free and bond, both small and great.
18kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yose, zvose vakasununguka nevakasungwa, zvose vaduku nevakuru.
19And I saw the beast, and the kings of the earth, and their armies, gathered together to make war against him that sat on the horse, and against his army.
19Zvino ndakaona chikara chiya nemadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana pamwe kuti vaite hondo naiye wakange akatasva bhiza uye kumirisana nehondo yake.
20And the beast was taken, and with him the false prophet that wrought miracles before him, with which he deceived them that had received the mark of the beast, and them that worshipped his image. These both were cast alive into a lake of fire burning with brimstone.
20Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe naye nemuporofita wenhema wakaita zvishamiso pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vose vakakandirwa vari vapenyu mugomba remoto unopfuta nesarufa.
21And the remnant were slain with the sword of him that sat upon the horse, which sword proceeded out of his mouth: and all the fowls were filled with their flesh.
21Uye vakasara vakashinjwa nemunondo waiye wakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzose dzikagutiswa nenyama yavo.