1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikamwa;
2uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibayiro kuna Mwari kuva hwema hwunonhuhwira.
3Asi upombwe netsvina yose kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
4neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
5Nekuti izvi munozviziva kuti hakuna mhombwe, kana munhu usina kuchena, kana munhu unochiva, unova munamati wezvifananidzo, ungava nenhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
6Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nekuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevanakomana vekusateerera.
7Naizvozvo regai kuva vagovani navo;
8Nekuti maimbova rima, asi zvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
9Nekuti chibereko chemweya chiri mukunaka kose nekururama, nechokwadi,
10muchiidza zvinofadza kuna Ishe;
11uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mumhure;
12Nekuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura nezvazvo.
13Asi zvinhu zvose zvinomhurwa zvinoratidzwa nechiedza; nekuti zvose, zvinoratidzwa chiedza,
14saka unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, zvino Kristu uchakuvhenekera.
15Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
16muchidzikunura nguva, nekuti mazuva akaipa.
17Saka musava matununu, asi vanonzwisisa kuti kuda kwaIshe kwakadini.
18Uye regai kudhakwa newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya;
19muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe;
20muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu;
21muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
22Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu, sekuna Ishe.
23Nekuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke; uye ndiye Muponesi wemuviri.
24Asi kunyange kereke sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachinhu chose.
25Varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
26kuti aiite tsvene ainatse nekushambidza kwemvura neshoko,
27kuti aikumikidze kwaari iri kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chinhu chakadai; asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
28Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida iye;
29Nekuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake, asi unoifunda nekuichengetedza, saizvozvo Ishe kukereke;
30Nekuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.
31Nekuda kwaizvozvi munhu uchasiya baba namai vake, abatanidzwe kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
32Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nekereke.
33Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nemukadzi ngaatye murume.