Breton: Gospels

Shona

Romans

13

1Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nekuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari.
2Naizvozvo unopikisana nesimba unopikiana nechimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisana naro vanozvigamuchirira kurashwa.
3Nekuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka ugorumbidzwa naro;
4nekuti ndiye muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nekuti haabatiri munondo pasina; nekuti ndiye muranda waMwari, mutsivi wehasha kune unoita zvakaipa.
5Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.
6Nekuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nekuti varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu ichi.
7Naizvozvo ripirai vose zvavanofanira: Mutero kuna vanofanira kuteererwa; muripo kuna vanofanira kuripirwa; kutya kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira kukudzwa.
8Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwechekudanana; nekuti unoda umwe wazadzisa murairo.
9Nekuti izvi zvekuti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana murairo upi neupi, zvakapfupiswa pashoko iri rekuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.
10Rudo haruitiri umwe zvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.
11Uye izvi, muchiziva nguva kuti yatova nguva yedu yekumuka pahope; nekuti zvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.
12Usiku hwaenda, koedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge zvombo zvechiedza.
13Ngatifambe zvakafanira sapamasikati; kwete mumakaro nekudhakwa, nemabonde nekunyangadza, kwete negakava, kana negodo.
14Asi imwi pfekai Ishe Jesu Kristu, musarongera nyama nekuchiva kwayo.