Danish

Shona

Exodus

6

1Men HERREN svarede Moses: "Nu skal du få at se, hvad jeg vil gøre ved Farao! Med Magt skal han blive tvunget til at lade dem rejse, og med Magt skal han blive tvunget til at drive dem ud af sit Land!"
1Jehovha akati kuna Mozisi, Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nekuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.
2Gud talede til Moses og sagde til ham: "Jer er HERREN!
2Mwari akataurawo naMozisi, akati kwaari, Ndini JEHOVHA.
3For Abraham, Isak og Jakob åbenbarede jeg mig som Gud den Almægtige, men under mit Navn HERREN gav jeg mig ikke til Kende for dem.
3Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakove, ndiri Mwari Wamasimbaose, asi ndakanga ndisingazikamwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.
4Eftersom jeg har oprettet min Pagt med dem om at skænke dem Kana'ans Land, deres Udlændigheds Land, hvor de levede som fremmede,
4Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKanani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.
5har jeg nu hørt Israeliternes Klageråb over, at Ægypterne holder dem i Trældon, og jeg er kommet min Pagt i Hu.
5Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaEgipita pauranda, ndikarangarira sungano yangu.
6Derfor skal du sige til Israeliterne: Jeg er HERREN, og jeg vil udfri eder fra det Trællearbejde, Ægypterne har pålagt eder, og frelse eder fra deres Trældom og udløse eder med udrakt Arm og med vældige Straffedomme;
6Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaEgipita, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikunurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.
7og så vil jeg antage eder som mit Folk og være eders Gud, og I skal kende, at jeg er HERREN eders Gud, som udfrier eder fra Ægypternes Trællearbejde;
7Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaEgipita.
8og jeg vil føre eder til det Land, jeg har svoret at ville skænke Abraham, Isak og Jakob, og give eder det i Eje. Jeg er HERREN!"
8Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakove, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.
9Moses kundgjorde nu dette for Israeliterne; men de hørte ikke på Moses, dertil var deres Modløshed for stor og deres Trællearbejde for hårdt
9Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.
10Da talede HERREN til Moses og sagde:
10Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
11"Gå hen og sig til Farao, Ægyptens Konge, at han skal lade Israeliterne drage ud af, sit Land!"
11Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.
12Men Moses sagde for HERRENs Åsyn: "Israeliterne har ikke hørt på mig, hvor skulde da Farao gøre det, tilmed da jeg er uomskåren på Læberne?"
12Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?
13Da talede HERREN til Moses og Aron og sendte dem til Farao, Ægyptens Konge, for at føre Israeliterne ud af Ægypten.
13Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weEgipita, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeEgipita.
14Følgende var Overhovederne for deres Fædrenehuse: Rubens, Israels førstefødtes, Sønner var: Hanok, Pallu, Hezron og Harmi; det er Rubens Slægter.
14Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.
15Simeons. Sønner var Jemuel, Jamin, Ohad, Jakin, Zohar og Kana'anæerkvindens Søn Sjaul; det er Simeons Slægter.
15Vanakomana vaSimioni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKanani; ndivo vedzimba dzaSimioni.
16Følgende er Navnene på Levis Sønner efter deres Nedstamning: Gerson, Kehat og Merari. Levis Levetid var 137 År.
16Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.
17Gersons Sønner var Libni og Sjimi efter deres Slægter.
17Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.
18Hehats Sønner var Amram, Jizhar, Hebon og Uzziel. Hehats Levetid var 133 År.
18Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, nalzhari, .naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.
19Meraris Sønner var Mali og Musji. Det er Levis Slægter efter deres Nedstamning.
19Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
20Amram tog sin Faster Jokebed til Ægte; og hun fødte ham Aron og Moses. Amrams Levetid var 137 År.
20Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMozisi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.
21Jizhars Sønner var Hora, Nefeg og Zikri.
21Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.
22Uzziels Sønner var Misjael, Elzafan og Sitri.
22Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
23Aron tog Amminadabs Datter, Nahasjons Søster Elisjeba til Ægte; og hun fødte ham Nadab, Abibu, Eleazar og Itamar.
23Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.
24Koras Sønner var Assir, Elkana og Abiasaf; det er Koraiternes Slægter.
24Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.
25Arons Søn Eleazar tog en at Putiels Døtre til Ægte; og hun fødte ham Pinehas. Det er Overhovederne for Leviternes Fædrenehuse efter deres Slægter.
25Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
26Det var Aron og Moses, som HERREN sagde til: "Før Israeliterne ud af Ægypten, Hærafdeling for Hærafdeling!"
26Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, Budisai vana vaIsiraeri munyika yeEgipita nehondo dzavo.
27Det var dem, der talte til Farao, Ægyptens Konge, om at føre Israeliterne ud af Ægypten, Moses og Aron.
27Ndivo vakataura naFarao, mambo weEgipita, kuti vabudise vana vaIsiraeri muEgipita; ndivo vaya vanaMozisi naAroni.
28Dengang HERREN talede til Moses i Ægypten,
28Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMozisi munyika yeEgipita,
29talede HERREN til Moses således: "Jeg er HERREN! Forkynd Farao, Ægyptens Konge, alt, hvad jeg siger dig!"
29Jehovha akataura naMozisi, akati, Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weEgipita, zvinhuzvose zvandakakuudza.
30Men Moses sagde for HERRENs Åsyn: "Se, jeg er uomskåren på Læberne, hvorledes skulde da Farao ville høre på mig?"
30Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?