Darby's Translation

Shona

Genesis

31

1And he heard the words of Laban's sons, saying, Jacob has taken away all that was our father's, and of what was our father's he has acquired all this glory.
1Zvino Jakove wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove atora zvose zvababa vedu; nezvaiva zvababa vedu vachiita mbiri iyi.
2And Jacob saw the countenance of Laban, and behold, it was not toward him as previously.
2Jakove akaonawo chiso chaRabhani, zvino tarira, chakanga chisakaita kwaari sepakutanga.
3And Jehovah said to Jacob, Return into the land of thy fathers, and to thy kindred; and I will be with thee.
3Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; ndigova newe.
4And Jacob sent and called Rachel and Leah to the fields to his flock,
4Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,
5and said to them, I see your father's countenance, that it is not toward me as previously; but the God of my father has been with me.
5ndokuti kwavari: Ndi­noona chiso chababa venyu kuti hachisa­kaita kwandiri sepakutanga; asi Mwari wababa vangu wange aneni.
6And you know that with all my power I have served your father.
6Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose dakashandira baba venyu.
7And your father has mocked me, and has changed my wages ten times; but God suffered him not to hurt me.
7Uye baba venyu vakandinyenge­dzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.
8If he said thus; The speckled shall be thy hire, then all the flocks bore speckled; and if he said thus: The ringstraked shall be thy hire, then all the flocks bore ringstraked.
8Kana vakataura sezvizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino vataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako, ipapo boka rose raka­bereka zvine mitsetse.
9And God has taken away the cattle of your father, and given [them] to me.
9Saizvozvo Mwari wakatora zvipfuwo zvababa venyu, akapa kwandiri.
10And it came to pass at the time of the ardour of the flocks, that I lifted up mine eyes, and saw in a dream, and behold, the rams that leaped upon the flocks were ringstraked, speckled, and spotted.
10Zvino zvakaitika panguva iyo boka richitora mazamu, kuti ndakasimudza meso angu ndikaona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzino­kwira boka, dzaiva nemitsetse, nemavara, nedzakaita pfumbu.
11And the Angel of God said to me in a dream, Jacob! And I said, Here am I.
11Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.
12And he said, Lift up now thine eyes, and see: all the rams that leap upon the flock are ringstraked, speckled, and spotted; for I have seen all that Laban does to thee.
12Ndokuti: Simudza hako meso ako uone, nhongo dzose, dzinokwira boka, dzine mitsetse, dzine mavara, dzakaita pfumbu; nekuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
13I am the ùGod of Bethel, where thou anointedst the pillar, where thou vowedst a vow to me. Now arise, depart out of this land, and return to the land of thy kindred.
13Ndini Mwari weBheteri, pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzo­kere kunyika yechizvarigo chako.
14And Rachel and Leah answered and said to him, Is there yet any portion or inheritance for us in our father's house?
14Rakeri naRea ndokupindura vakati kwaari: Ko tichine mugove ne­nhaka kuimba yababa vedu here?
15Are we not reckoned of him strangers? for he has sold us, and has even constantly devoured our money.
15Ko ha­tiverengwi sevatorwa kwavari here? nekuti vakatitengesa, uye vakapedzawo chose mari yedu.
16For all the wealth that God has taken from our father is ours and our children's; and now whatever God has said to thee do.
16Nekuti fuma yose Mwari yaakato­rera baba vedu ndeyedu ne­vana vedu; naizvozvo ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.
17And Jacob rose up, and set his sons and his wives upon camels,
17Jakove ndokusimuka, ndokuta­svisa vana vake nevakadzi vake pama­kamera;
18and carried away all his cattle, and all his property that he had acquired -- the cattle of his possessions that he had acquired in Padan-Aram, to go to Isaac his father, into the land of Canaan.
18ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaakange awana, zvipfuwo zvaakange anazvo, zvaakange awana paPa­dhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKanani.
19And Laban had gone to shear his sheep. And Rachel stole the teraphim that [belonged] to her father.
19Zvino Rabhani wakange aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba chifana­nidzo baba vake chavaiva nacho.
20And Jacob deceived Laban the Syrian, in that he did not tell him that he fled.
20Jakove akabva achiverevedza kuna Rabhani muSiriya, nekuti haana kumuzivisa kuti unotiza.
21And he fled with all that he had; and he rose up and passed over the river, and set his face [toward] mount Gilead.
21Zvino wakatiza iye nezvose zvaakange anazvo, ndokusimuka, ndokuya­mbuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGi­riadhi.
22And it was told Laban on the third day that Jacob had fled.
22Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.
23And he took his brethren with him, and pursued after him seven days' journey, and overtook him on mount Gilead.
23Iye akatora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, vaka­muwana mugomo reGiriadhi.
24And God came to Laban the Syrian in a dream by night, and said to him, Take care thou speak not to Jacob either good or bad.
24Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove chakanaka kana chakaipa.
25And Laban came up with Jacob; and Jacob had pitched his tent on the mountain; Laban also with his brethren pitched on mount Gilead.
25Rabhani ndokuwana Jakove. Zvino Jakove wakange adzika tende rake mugomo; Ra­bhaniwo nehama dzake vakadzika matende avo mugomo reGiriadhi.
26And Laban said to Jacob, What hast thou done, that thou hast deceived me, and hast carried away my daughters as captives of war?
26Zvino Rabhani ndokuti kuna Jako­bho: Waitei, kuti waverevedza ndisingazivi, uchitora vakunda vangu nechisimba sevatapwa nemunondo?
27Why didst thou flee away covertly, and steal away from me, and didst not tell me, that I might have conducted thee with mirth and with songs, with tambour and with harp;
27Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro nenziyo, nengoma nerudimhwa?
28and hast not suffered me to kiss my sons and my daughters? Now thou hast acted foolishly.
28Uye hauna kundi­tendera kutsvoda vanakomana va­ngu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebe­nzi pakuita.
29It would be in the power of my hand to do you hurt; but the God of your father spoke to me last night, saying, Take care that thou speak not to Jacob either good or bad.
29Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa vako wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura naJako­bho kana chakanaka kana chakaipa.
30And now that thou must needs be gone, because thou greatly longedst after thy father's house, why hast thou stolen my gods?
30Zvino ikozvino, kuenda waenda, nekuti ­wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?
31And Jacob answered and said to Laban, I was afraid; for I said, Lest thou shouldest take by force thy daughters from me.
31Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nekuti ndakanga ndichitya, nekuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.
32With whomsoever thou findest thy gods, he shall not live. Before our brethren discern what is thine with me, and take [it] to thee. But Jacob did not know that Rachel had stolen them.
32Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; zvino pamberi pehama dzedu, zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, muzvitorere. Nekuti Jakove waka­nge asingazivi kuti Rakeri wakange aba.
33And Laban went into Jacob's tent, and into Leah's tent, and into the two handmaids' tents, and found nothing; and he went out of Leah's tent, and entered into Rachel's tent.
33Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.
34Now Rachel had taken the teraphim and put them under the camel's saddle; and she sat upon them. And Laban explored all the tent, but found nothing.
34Zvino Rakeri wakange atora zvifananidzo, akazviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata pose mute­nde, asi haana kuzviwana.
35And she said to her father, Let it not be an occasion of anger in the eyes of my lord that I cannot rise up before thee, for it is with me after the manner of women. And he searched carefully, but did not find the teraphim.
35Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kusafadza pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nekuti mutowo wevakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana zvifananidzo.
36And Jacob was angry, and he disputed with Laban. And Jacob answered and said to Laban, What is my fault, what my sin, that thou hast so hotly pursued after me?
36Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire neshungu?
37Whereas thou hast explored all my baggage, what hast thou found of all thy household stuff? Set [it] here before my brethren and thy brethren, and let them decide between us both.
37Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vato­nge pakati pedu isu vaviri.
38These twenty years have I been with thee: thy ewes and thy she-goats have not cast their young, and the rams of thy flock I have not eaten.
38Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhu­nzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondobwe enyu emapoka handina kuadya.
39What was torn I have not brought to thee; I had to bear the loss of it: of my hand hast thou required it, [whether] stolen by day or stolen by night.
39Zvakabvamburwa handina kuzviuisa kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvireva, zvaka­biwa masikati kana zvakabiwa usiku.
40Thus it was with me: in the day the heat consumed me, and the frost by night; and my sleep fled from mine eyes.
40Masikati ndakapedzwa nezuva, neveta usiku; hope dzangu dzikatiza kumeso angu.
41I have been these twenty years in thy house: I have served thee fourteen years for thy two daughters, and six years for thy flock; and thou hast changed my wages ten times.
41Makore aya makumi maviri ndakange ndiri mumba menyu, ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
42Had not the God of my father, the God of Abraham, and the fear of Isaac, been with me, it is certain thou wouldest have sent me away now empty. God has looked upon my affliction and the labour of my hands, and has judged last night.
42Kunze kwekuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, nekutya kwaIsaka, dai asaiva neni, zvi­rokwazvo ikozvino mungadai maindiendesa ndi­sina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, akakutsiurai usiku hwazuro.
43And Laban answered and said to Jacob, The daughters are my daughters, and the sons are my sons, and the flock is my flock, and all that thou seest is mine; but as for my daughters, what can I do this day to them, or to their sons whom they have brought forth?
43Zvino Rabhani wakapi­ndura akati kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, boka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?
44And now, come, let us make a covenant, I and thou; and let it be a witness between me and thee.
44Zvino ikozvino, ngatiite su­ngano, ini newe; chive uchapupu pakati pangu newe.
45And Jacob took a stone, and set it up [for] a pillar.
45Jakove ndokutora ibwe, akarimisa rikava mbiru.
46And Jacob said to his brethren, Gather stones. And they took stones, and made a heap, and ate there upon the heap.
46Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamusoro pemurwi.
47And Laban called it Jegar-sahadutha, and Jacob called it Galeed.
47Rabhani ndokuutumidza Jegarisahadhuta; asi Jakove akautumi­dza Garidhi.
48And Laban said, This heap is a witness between me and thee this day. Therefore was the name of it called Galeed,
48Rabhani ndokuti: Murwi uyu uchapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,
49-- and Mizpah; for he said, Let Jehovah watch between me and thee, when we shall be hidden one from another:
49uye Mizipa, nekuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani umwe neumwe.
50if thou shouldest afflict my daughters, or if thou shouldest take wives besides my daughters, -- no man is with us; see, God is witness between me and thee!
50Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vamwe vakadzi kunze kwevakunda vangu, hakuna munhu unesu, asi tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.
51And Laban said to Jacob, Behold this heap, and behold the pillar which I have set up between me and thee:
51Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, tarira mbiru iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
52[let] this heap be witness, and the pillar a witness, that neither I pass this heap [to go] to thee, nor thou pass this heap and this pillar [to come] to me, for harm.
52Murwi uyu ngauve chapupu, nembiru iyi ngaive chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu ndichienda kwauri, newe haungapfuuri murwi uyu nembiru uchiuya kwandiri kuti tiitirane zva­kaipa.
53The God of Abraham, and the God of Nahor, the God of their father, judge between us! And Jacob swore by the fear of his father Isaac.
53Mwari waAbhurahamu, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaato­nge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.
54And Jacob offered a sacrifice upon the mountain, and invited his brethren to eat bread: and they ate bread, and lodged on the mountain.
54Jakove ndokubaya chibayiro mugomo, akadana hama dzake kuti vadye chingwa; vakadya chingwa, vakarara mugomo.
55And Laban rose early in the morning, and kissed his sons and his daughters, and blessed them; and Laban went and returned to his place.
55Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwani, ndokutsvoda vanakomana vake neva­kunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.