Darby's Translation

Shona

Genesis

45

1And Joseph could not control himself before all them that stood by him, and he cried, Put every man out from me! And no man stood with him when Joseph made himself known to his brethren.
1Zvino Josefa haana kugona ku­zvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwa­kanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
2And he raised his voice in weeping; and the Egyptians heard, and the house of Pharaoh heard.
2Aka­chema kwazvo, vaEgipita naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.
3And Joseph said to his brethren, I am Joseph. Does my father yet live? And his brethren could not answer him, for they were troubled at his presence.
3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana va­baba vake vakasagona kumupindura, no­kuti vakanga vachitya pamberi pake.
4And Joseph said to his brethren, Come near to me, I pray you. And they came near. And he said, I am Joseph your brother, whom ye sold into Egypt.
4Josefa akati kuvana vababa vake, Do­swederai henyu kwandiri. Zvino vaka­swedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.
5And now, be not grieved, and be not angry with yourselves, that ye sold me hither, for God sent me before you to preserve life.
5Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
6For the famine has been these two years in the land; and yet there are five years in which there will be neither ploughing nor harvest.
6nekuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
7So God sent me before you to preserve you a remnant in the earth, and to save you alive by a great deliverance.
7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vacha­sara panyika, ndikuraramisei kuti musu­nungurwe nokusunungurwa kukuru.
8And now it was not you [that] sent me here, but God; and he has made me a father to Pharaoh, and lord of all his house, and governor over all the land of Egypt.
8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati we­nyika yose yeEgipita.
9Haste and go up to my father, and say to him, Thus says thy son Joseph: God has made me lord of all Egypt; come down to me, tarry not.
9Kurumidzai, mu­kwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weEgipita rose; buru­kirai kwandiri musanonoka;
10And thou shalt dwell in the land of Goshen, and thou shalt be near to me, thou, and thy sons, and thy sons' sons, and thy sheep, and thy cattle, and all that thou hast.
10mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dze­nyu, nezvose zvamunazvo;
11And there will I maintain thee; for yet there are five years of famine; in order that thou be not impoverished, thou, and thy household, and all that thou hast.
11ndichaku­chengetaipo, nekuti mamwe makore ma­shanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
12And behold, your eyes see, and the eyes of my brother Benjamin, that it is my mouth which speaks to you.
12Tarirai meso enyu anoona, nameso omunin'ina wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
13And tell my father of all my glory in Egypt, and of all that ye have seen, and haste and bring down my father hither.
13Mundoudza baba vangu ku­kudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.
14And he fell on his brother Benjamin's neck, and wept; and Benjamin wept on his neck.
14Akawira pamutsipa waBhenja­mini, munin'ina wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
15And he kissed all his brethren, and wept upon them; and after that his brethren talked with him.
15Akatsvoda vakoma vake vose, aka­chema pamusoro pavo; shure kwaizvo­zvo vakoma vake vakataura naye.
16And the report was heard in Pharaoh's house, saying, Joseph's brethren are come. And it was good in the eyes of Pharaoh, and in the eyes of his bondmen.
16Zvino mukurumbira wazvo waka­nzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
17And Pharaoh said to Joseph, Say to thy brethren, Do this: load your beasts and depart, go into the land of Canaan,
17Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende ku­nyika yeKanani;
18and take your father and your households, and come to me; and I will give you the good of the land of Egypt, and ye shall eat the fat of the land.
18mundotora baba ve­nyu navedzimba dzenyu muuye kwa­ndiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeEgipita, mudye zvakakora zve­nyika.
19And thou art commanded -- this do: take waggons out of the land of Egypt for your little ones and for your wives, and take up your father, and come.
19Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeEgipita, mundotora baba venyu, muuye.
20And let not your eye regret your stuff; for the good of all the land of Egypt shall be yours.
20Musafunga nhu­mbi dzenyu, nekuti zvakaisvonaka zve­nyika yose yeEgipita ndezvenyu.
21And the sons of Israel did so; and Joseph gave them waggons, according to the commandment of Pharaoh, and gave them provision for the way.
21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaa­karairwa naFarao, akavapa mbuva yoku­famba nayo.
22To each one of them all he gave changes of clothing; but to Benjamin he gave three hundred [pieces] of silver and five changes of clothing.
22Akapa vose, mumwe no­mumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
23And to his father he sent this: ten asses laden with the good things of Egypt, and ten she-asses laden with corn and bread, and food for his father by the way.
23Nababa vake akavatumira mbo­ngoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namaka­dzi emadhongi gumi akanga akata­kura zviyo, nechingwa, nezvokudya zva­baba vake zvorwendo.
24And he sent his brethren away, and they departed. And he said to them, Do not quarrel on the way.
24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, mu­satukana munzira.
25And they went up out of Egypt, and came into the land of Canaan to Jacob their father.
25Ipapo vakabva Egipita, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKanani kuna Jakove, baba vavo.
26And they told him, saying, Joseph is still alive, and he is governor over all the land of Egypt. And his heart fainted, for he did not believe them.
26Vakavaudza, va­kati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mu­bati wenyika yose yeEgipita. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nekuti ha­vana kutenda.
27And they spoke to him all the words of Joseph, which he had spoken to them. And he saw the waggons that Joseph had sent to carry him. And the spirit of Jacob their father revived.
27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dza­tumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakove, baba vavo, ukavandudzwa;
28And Israel said, It is enough: Joseph my son is yet alive; I will go and see him before I die.
28Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.