Darby's Translation

Shona

Genesis

7

1And Jehovah said to Noah, Go into the ark, thou and all thy house; for thee have I seen righteous before me in this generation.
1Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pindai iwe nemhuri yako yose muareka, nekuti iwe ndakuona wakaru­rama pamberi pangu pazera iri.
2Of all clean beasts thou shalt take to thee by sevens, a male and its female; but of the beasts that are not clean two, a male and its female.
2Pa­mhuka yose yakanaka uzvitorere nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka dzose dzisina kunaka mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo.
3Also of the fowl of the heavens by sevens, male and female; to keep seed alive on the face of all the earth.
3Nepashiri dzedenga utore nomwe nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.
4For in yet seven days I will cause it to rain on the earth forty days and forty nights; and every living being which I have made will I destroy from the ground.
4Nekuti kwasara mazuva manomwe, zvino ndichanaisa mvura pa­nyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana; uye chipenyu chose chandakaita ndichachiparadza pachiso chenyika.
5And Noah did according to all that Jehovah had commanded him.
5Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.
6And Noah was six hundred years old when the flood of waters was on the earth.
6Zvino Nowa wakange ava nemakore mazana matanhatu panguva yekuuya kwemvura zhinji pamusoro penyika.
7And Noah went in, and his sons, and his wife, and his sons' wives with him, into the ark, because of the waters of the flood.
7Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi veva­nakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura yemafashame.
8Of clean beasts, and of beasts that are not clean, and of fowl, and of everything that creeps on the ground,
8Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepazvose zvinoka­mbaira pamusoro penyika,
9there came two and two unto Noah into the ark, male and female, as God had commanded Noah.
9zvakapinda zviviri zviviri kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.
10And it came to pass after seven days that the waters of the flood were on the earth.
10Zvino zvakaitaika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura yemafashame yakavapo panyika.
11In the six hundredth year of Noah's life, in the second month, on the seventeenth day of the month, on that same day all the fountains of the great deep were broken up, and the windows of heaven were opened.
11Mugore remazana matanhatu reu­penyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, zuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iroro zvitubu zvose zvepakadzika­dzika zvakadzuturwa, nemahwindo ematenga akazarurwa.
12And the pour of rain was on the earth forty days and forty nights.
12Zvino mvura zhinji ikava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
13On the same day went Noah, and Shem and Ham and Japheth, the sons of Noah, and Noah's wife, and the three wives of his sons with them, into the ark;
13Nezuva iro rakadaro Nowa rakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake pamwe naye;
14they, and every beast after its kind, and all the cattle after their kind, and every creeping thing that creeps on the earth after its kind, and all fowl after its kind -- every bird of every wing.
14ivo, nemhuka yose nemarudzi ayo, nechi­pfuwo chose nemarudzi acho, nechino­kambaira chose chinokambaira panyika nemarudzi acho, nechinobhururuka chose nemarudzi acho neshiri yose yemarudzi ose.
15And they went to Noah, into the ark, two and two of all flesh, in which was the breath of life.
15Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri zviviri zvenyama yose zvine mweya weupenyu.
16And they that came, came male and female of all flesh, as God had commanded him. And Jehovah shut him in.
16Nezvakapinda, zvakapinda mu­kono nehadzi, zvenyama yose, Mwari sezvaakaraira, Jehovha akamupfigira mukati.
17And the flood was forty days on the earth. And the waters increased, and bore up the ark; and it was lifted up above the earth.
17Zvino mafashame akavapo pamusoro penyika ma­zuva makumi mana; mvura ikawa­nda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18And the waters prevailed and increased greatly on the earth; and the ark went on the face of the waters.
18Mvura ndokukwirira nesimba, ikawanda kwazvo pamusoro penyika, areka ikafa­mba pamusoro pechiso chemvura.
19And the waters prevailed exceedingly on the earth; and all the high mountains that are under all the heavens were covered.
19Zvino mvura yaka­kwirira nesimba zvikurusa pamusoro penyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akaputirwa.
20Fifteen cubits upward the waters prevailed; and the mountains were covered.
20Makubiti gumi nemashanu mvura yakakwirira nesimba makomo akaputirwa.
21And all flesh that moved on the earth expired, fowl as well as cattle, and beasts, and all crawling things which crawl on the earth, and all mankind:
21Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika ikafa, zvose yeshiri neyechipfuwo neyemhuka neyechose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose;
22everything which had in its nostrils the breath of life, of all that was on the dry [land], died.
22chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvakafa.
23And every living being was destroyed that was on the ground, both man, and cattle, and creeping things, and fowl of the heavens; and they were destroyed from the earth. And Noah alone remained, and what was with him in the ark.
23Chipenyu chose, chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, nezvinhu zvinokambaira zvose nekushiri dzematenga zvakaparadzwa. Nowa oga wakasara, nezvaiva naye muareka.
24And the waters prevailed on the earth a hundred and fifty days.
24Mvura ndokukwirira nesimba pamusoro pe­nyika mazuva zana nemakumi ma­shanu.