1Kaj mi, fratoj, venante al vi, venis ne kun supereco de parolo aux de sagxeco, proklamante al vi la misteron de Dio.
1Zvino ini, hama, pandakauya kwamuri, handina kuuya neunyanzvi hwekutaura kana nenjere, ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari.
2CXar mi decidis scii cxe vi nenion, krom Jesuo Kristo kaj tiu krucumita.
2Nekuti ndakafunga kusaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa.
3Kaj mi estis cxe vi en malforteco kaj en timo kaj en multa tremado.
3Uye ndakanga ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru.
4Kaj mia parolo kaj mia prediko estis ne en allogaj paroloj de sagxeco, sed en elmontro de la Spirito kaj potenco,
4Nekutaura kwangu nekuparidza kwangu hakuna kuva nemashoko ekukwezva euchenjeri hwevanhu asi mukuratidza kweMweya nekwesimba;
5por ke via fido estu ne laux la sagxeco de homoj, sed laux la potenco de Dio.
5kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari.
6Tamen ni parolas sagxecon inter plenagxuloj, sed sagxecon ne de cxi tiu mondo, nek de la regantoj de cxi tiu mondo, kiuj neniigxas;
6Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi uchenjeri hwusati hwuri hwenyika ino, kana hwevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo.
7sed ni parolas la sagxecon de Dio en mistero, la sagxecon kasxitan, kiun Dio antauxdestinis antaux la mondagxoj por nia glorado;
7Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika, hwakavigwa, hwakagara hwagadzwa naMwari nyika isati yavapo hwuve kubwinya kwedu;
8kaj kiun scias neniu el la regantoj de cxi tiu mondo; cxar se ili gxin scius, ili ne krucumus la Sinjoron de gloro;
8ihwo hwusina kuzivikamwa neumwe wevatongi venyika ino; nekuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera Ishe wekubwinya pamuchinjikwa.
9sed kiel estas skribite: Tion, kion okulo ne vidis kaj orelo ne auxdis, Kaj kio en la koron de homo ne eniris, Dio preparis por tiuj, kiuj Lin amas.
9Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvadzisina kunzwa, kana kupinda mumoyo wemunhu, Mwari zvaakavagadzirira vanomuda;
10Sed al ni Dio malkasxis ilin per la Spirito; cxar la Spirito esploras cxion, ecx la profundajxojn de Dio.
10Mwari wakazvizarurira kwatiri neMweya wake; nekuti Mweya unonzvera zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.
11CXar kiu inter homoj scias la aferojn de iu homo, krom la spirito de la homo, kiu estas en li? tiel same la aferojn de Dio scias neniu, krom la Spirito de Dio.
11Nekuti munhu ndeupi unoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvo hakuna munhu unoziva zvinhu zvaMwari, kunze kweMweya waMwari.
12Sed ni ricevis ne la spiriton de la mondo, sed la spiriton, kiu estas de Dio; por ke ni sciu tion, al ni donacitan de Dio.
12Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakangopiwa pachena naMwari;
13Pri kio ankaux ni parolas per vortoj, ne kiujn instruas homa sagxeco, sed kiujn instruas la Spirito; komparante spiritajn kun spiritaj.
13zvatinotaurawo, kwete mumashoko anodzidziswa nenjere dzevanhu, asi anodzidziswa neMweya Mutsvene; tichienzanisa zvinhu zveMweya neMweya.
14Sed la natura homo ne akceptas la aferojn de la Spirito de Dio; cxar ili estas por li malsagxeco; kaj li ne povas ilin scii, pro tio, ke ili estas jugxataj spirite.
14Zvino munhu wechisikigo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kunzwisisa, nekuti zvinonzverwa neMweya.
15Sed la spirita homo jugxas cxion, kaj li mem estas jugxata de neniu.
15Asi weMweya unonzvera zvinhu zvose, asi iye amene haanzverwi nemunhu.
16CXar kiu sciis la menson de la Eternulo, ke li instruu Lin? Sed ni havas la menson de Kristo.
16Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu.