1וילך רחבעם שכם כי שכם בא כל ישראל להמליך אתו׃
1Zvino Rehobhoamu wakaenda Shekemu, nekuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemu kuzomuita mambo.
2ויהי כשמע ירבעם בן נבט והוא עודנו במצרים אשר ברח מפני המלך שלמה וישב ירבעם במצרים׃
2Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakati achizvinzwa (nokuti wakange achiri Egipita kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni, Jerobhoamu akagara Egipita,
3וישלחו ויקראו לו ויבאו ירבעם וכל קהל ישראל וידברו אל רחבעם לאמר׃
3vakatuma nhume kundomudana;) Jerobhoamu neungano yose yavaIsiraeri vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
4אביך הקשה את עלנו ואתה עתה הקל מעבדת אביך הקשה ומעלו הכבד אשר נתן עלינו ונעבדך׃
4Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imwi chirerutsai basa rababa venyu rakanga richigozha; nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
5ויאמר אליהם לכו עד שלשה ימים ושובו אלי וילכו העם׃
5Iye akati kwavari, Chimboendai henyu, mugare mazuva matatu, mugodzokera kwandiri. Vanhu vakaenda.
6ויועץ המלך רחבעם את הזקנים אשר היו עמדים את פני שלמה אביו בהיתו חי לאמר איך אתם נועצים להשיב את העם הזה דבר׃
6Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?
7וידבר אליו לאמר אם היום תהיה עבד לעם הזה ועבדתם ועניתם ודברת אליהם דברים טובים והיו לך עבדים כל הימים׃
7Ivo vakataura kwaari vakati, Kana mukatenda kuva muranda wavanhu ava nhasi, mukavashumira, mukavapindura nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
8ויעזב את עצת הזקנים אשר יעצהו ויועץ את הילדים אשר גדלו אתו אשר העמדים לפניו׃
8Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.
9ויאמר אליהם מה אתם נועצים ונשיב דבר את העם הזה אשר דברו אלי לאמר הקל מן העל אשר נתן אביך עלינו׃
9Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?
10וידברו אליו הילדים אשר גדלו אתו לאמר כה תאמר לעם הזה אשר דברו אליך לאמר אביך הכביד את עלנו ואתה הקל מעלינו כה תדבר אליהם קטני עבה ממתני אבי׃
10Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imwi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11ועתה אבי העמיס עליכם על כבד ואני אוסיף על עלכם אבי יסר אתכם בשוטים ואני איסר אתכם בעקרבים׃
11Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu, baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
12ויבו ירבעם וכל העם אל רחבעם ביום השלישי כאשר דבר המלך לאמר שובו אלי ביום השלישי׃
12Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kunaRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu.
13ויען המלך את העם קשה ויעזב את עצת הזקנים אשר יעצהו׃
13Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa;
14וידבר אליהם כעצת הילדים לאמר אבי הכביד את עלכם ואני אסיף על עלכם אבי יסר אתכם בשוטים ואני איסר אתכם בעקרבים׃
14akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namaj aya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
15ולא שמע המלך אל העם כי היתה סבה מעם יהוה למען הקים את דברו אשר דבר יהוה ביד אחיה השילני אל ירבעם בן נבט׃
15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nekuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16וירא כל ישראל כי לא שמע המלך אליהם וישבו העם את המלך דבר לאמר מה לנו חלק בדוד ולא נחלה בבן ישי לאהליך ישראל עתה ראה ביתך דוד וילך ישראל לאהליו׃
16Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.
17ובני ישראל הישבים בערי יהודה וימלך עליהם רחבעם׃
17Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakange ari mambo wavo.
18וישלח המלך רחבעם את אדרם אשר על המס וירגמו כל ישראל בו אבן וימת והמלך רחבעם התאמץ לעלות במרכבה לנוס ירושלם׃
18Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
19ויפשעו ישראל בבית דוד עד היום הזה׃
19Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.
20ויהי כשמע כל ישראל כי שב ירבעם וישלחו ויקראו אתו אל העדה וימליכו אתו על כל ישראל לא היה אחרי בית דוד זולתי שבט יהודה לבדו׃
20Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha chete.
21ויבאו רחבעם ירושלם ויקהל את כל בית יהודה ואת שבט בנימן מאה ושמנים אלף בחור עשה מלחמה להלחם עם בית ישראל להשיב את המלוכה לרחבעם בן שלמה׃
21Zvino Rehobhoamu wakati achisvika Jerusaremu, akaunganidza vose veimba yaJudha, novorudzi rwaBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsiraeri, kuti vadzoserezve ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
22ויהי דבר האלהים אל שמעיה איש האלהים לאמר׃
22Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
23אמר אל רחבעם בן שלמה מלך יהודה ואל כל בית יהודה ובנימין ויתר העם לאמר׃
23Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo wavaJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuna vamwe vanhu, uti,
24כה אמר יהוה לא תעלו ולא תלחמון עם אחיכם בני ישראל שובו איש לביתו כי מאתי נהיה הדבר הזה וישמעו את דבר יהוה וישבו ללכת כדבר יהוה׃
24Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nekuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.
25ויבן ירבעם את שכם בהר אפרים וישב בה ויצא משם ויבן את פנואל׃
25Ipapo Jerobhoamu wakavaka Shekemu panyika yamakomo yaEfuremu, akagaramo; akabvapo, akandovaka Penueri.
26ויאמר ירבעם בלבו עתה תשוב הממלכה לבית דוד׃
26Jerobhoamu akati mumoyo make, Zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi.
27אם יעלה העם הזה לעשות זבחים בבית יהוה בירושלם ושב לב העם הזה אל אדניהם אל רחבעם מלך יהודה והרגני ושבו אל רחבעם מלך יהודה׃
27Kana vanhu ava vakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovha paJerusaremu, ipapo moyo yavanhu ava ichadzokera kunashe wavo, iye Rehobhoamu mambo waJudha; vachandiuraya, vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.
28ויועץ המלך ויעש שני עגלי זהב ויאמר אלהם רב לכם מעלות ירושלם הנה אלהיך ישראל אשר העלוך מארץ מצרים׃
28Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, Kukwira Jerusaremu kwava kure; tarirai, vaIsiraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeEgipita.
29וישם את האחד בבית אל ואת האחד נתן בדן׃
29Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.
30ויהי הדבר הזה לחטאת וילכו העם לפני האחד עד דן׃
30Chinhu ichi chikava chivi, nekuti vanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikira paDhani.
31ויעש את בית במות ויעש כהנים מקצות העם אשר לא היו מבני לוי׃
31Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapristi, vasati vari vavana vaRevhi.
32ויעש ירבעם חג בחדש השמיני בחמשה עשר יום לחדש כחג אשר ביהודה ויעל על המזבח כן עשה בבית אל לזבח לעגלים אשר עשה והעמיד בבית אל את כהני הבמות אשר עשה׃
32Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakange wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapristi vamatunhu akakwirira aakaita.
33ויעל על המזבח אשר עשה בבית אל בחמשה עשר יום בחדש השמיני בחדש אשר בדא מלבד ויעש חג לבני ישראל ויעל על המזבח להקטיר׃
33Akandobayira paaritari yaakavaka paBheteri nezuva regumi namashanu romwedzi worusere, iwo mwedzi waakafunga hake mumoyo make; akaraira vana valsiraeri mutambo, akandobayira paaritari, akapisa zvinonhuhwira.