1וכן אתן הנשים הכנענה לפני בעליכן למען גם אם יש אשר אינם שמעים לדבר יקנו באין אמר ודברים על ידי מעשי הנשים׃
1Saizvozvo imwi vakadzi, ivai pasi pevarume venyu; kuti kana varipo vamwe vasingateereri shoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,
2בראותם כי תצנענה לכת ביראה׃
2kana vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.
3ופארכן אל יהי מבחוץ במחלפות שער ועדי זהב ולבישת מחלצים׃
3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka vhudzi nekwekushonga ndarama, kana kupfeka nguvo ;
4כי אם האדם הצפון פנימה ברוח ענוה והשקט אשר לא יכלה ויקר הוא בעיני אלהים׃
4asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, unokosha zvikuru pamberi paMwari.
5כי כן התקשטו לפנים גם הנשים הקדשות המיחלות לאלהים בהכנען לפני בעליהן׃
5Nekuti saizvozvo panguva dzakare vakadzi vatsvenewo vaivimba naMwari vakazvishongedza vakazviisa pasi pevarume vavo,
6כשרה אשר שמעה בקול אברהם ותקרא לו אדון אשר אתן הייתן לה לבנות בעשותכן הטוב ולא תיראנה מפחד׃
6saSara akateerera Abhurahamu achimuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi kana muchingoita zvakanaka chete, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.
7וכן אתם האנשים שבו עמהן בתבונה כי כלי רפה האשה ותנו לה כבוד כי גם להן יש חלק בנחלת מתנת החיים פן תכלאו מתפלותיכם׃
7Saizvozvo imwi varume, garisanai neruzivo, muchikudza mukadzi semudziyo usina simba, uye savadyi venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe nemwi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviridzwa.
8וסוף דבר היו כלכם לב אחד בעלי חמלה אהבי האחים רחמנים ומתקבלים על הבריות׃
8Pakupedzisira, muve nemoyo umwe mose, muchinzwirana tsitsi, mudanane sehama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;
9אל תשלמו רעה תחת רעה או חרפה תחת חרפה כי אם תברכו מדעתכם כי לזאת נקראתם למען תירשו את הברכה׃
9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.
10כי האיש החפץ חיים אהב ימים לראות טוב יצר לשונו מרע ושפתיו מדבר מרמה׃
10Nekuti uyo unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura zvinonyengera.
11יסור מרע ויעשה טוב יבשק שלום וירדפהו׃
11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevedze.
12כי עיני יהוה אל צדיקים ואזניו אל שועתם ופני יהוה בעשי רע׃
12Nekuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake paminyengetero yavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.
13ומי ירע לכם אם תקנאו לעשות הטוב׃
13Zvino ndiani uchakuitirai zvakaipa, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?
14אבל אשריכם גם אם תענו למען הצדקה אך מוראם לא תיראו ולא תעריצו׃
14Asi kana muchitambudzikawo nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kumanikidzika.
15את יהוה אלהים אתו תקדישו בלבבכם והיו נכנים תמיד להשיב דבר בענוה וביראה לכל שאל אתכם חשבון התוחלת אשר בקרבכם׃
15Asi kudzai Ishe Mwari mumoyo yenyu; mugare makazvigadzira kupindura umwe neumwe unokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu neunyoro nekutya;
16רוח שלמה תהי לכם למען יבשו המנאצים דרככם הטובה במשיח בהלשינם אתכם כפעלי און׃
16mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanomhura mafambiro enyu akanaka muna Kristu.
17כי טוב לכם אם חפץ אלהים הוא אשר תענו בעשותכם הטוב משתענו בעשותכם רע׃
17Nekuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, muchiita zvakaipa.
18כי גם המשיח ענה פעם אחת על חטאתינו הצדיק בעד הרשעים לקרב אתנו אל האלהים הומת לפי הבשר ויחי ברוח׃
18Nekuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama nekuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa nemweya;
19אשר בו הלך ויקרא גם לרוחות אשר במשמר׃
19mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,
20אשר לפנים לא האמינו כאשר חכה אלהים בארך אפו בימי נח בהעשות התבה אשר נמלטו אליה מעטים והם שמנה נפשות במים׃
20iyo yaimbova isingateereri, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, mweya misere nemvura.
21וזה הוא אות הטבילה אשר כעת תושיע גם אתנו לא בהסיר טנוף הבשר כי אם בשאל לנו מאת אלהים רוח שלמה על ידי הקמת ישוע המשיח׃
21Mufananidzo wayo ndirwo rubhabhatidzo rwunotiponesawo zvino, kwete kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nekumukazve kwaJesu Kristu;
22אשר הוא לימין אלהים אחרי אשר עבר השמימה ויכנעו לפניו המלאכים והרשיות והגבורות׃
22wakaenda kudenga, uye uri kuruoko rwerudyi rwaMwari; vatumwa nevatungamiriri nemasimba zvakaiswa pasi pake.