Hebrew: Modern

Shona

1 Samuel

1

1ויהי איש אחד מן הרמתים צופים מהר אפרים ושמו אלקנה בן ירחם בן אליהוא בן תחו בן צוף אפרתי׃
1Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata.
2ולו שתי נשים שם אחת חנה ושם השנית פננה ויהי לפננה ילדים ולחנה אין ילדים׃
2Iye wakange ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakange ana vana, asi Hana wakange asina vana.
3ועלה האיש ההוא מעירו מימים ימימה להשתחות ולזבח ליהוה צבאות בשלה ושם שני בני עלי חפני ופנחס כהנים ליהוה׃
3Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha
4ויהי היום ויזבח אלקנה ונתן לפננה אשתו ולכל בניה ובנותיה מנות׃
4Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo;
5ולחנה יתן מנה אחת אפים כי את חנה אהב ויהוה סגר רחמה׃
5asi Hana wakamupa migove miviri; nekuti wakange achida Hana, asi Jehovha wakange azarira chizvaro chake.
6וכעסתה צרתה גם כעס בעבור הרעמה כי סגר יהוה בעד רחמה׃
6Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nekuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
7וכן יעשה שנה בשנה מדי עלתה בבית יהוה כן תכעסנה ותבכה ולא תאכל׃
7Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
8ויאמר לה אלקנה אישה חנה למה תבכי ולמה לא תאכלי ולמה ירע לבבך הלוא אנכי טוב לך מעשרה בנים׃
8Zvino murume wake Erikana akati kwaari, Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?
9ותקם חנה אחרי אכלה בשלה ואחרי שתה ועלי הכהן ישב על הכסא על מזוזת היכל יהוה׃
9Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kumwa. Zvino Eri mupristi wakange agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
10והיא מרת נפש ותתפלל על יהוה ובכה תבכה׃
10Zvino Hana wakange ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
11ותדר נדר ותאמר יהוה צבאות אם ראה תראה בעני אמתך וזכרתני ולא תשכח את אמתך ונתתה לאמתך זרע אנשים ונתתיו ליהוה כל ימי חייו ומורה לא יעלה על ראשו׃
11Akapika mhiko, akati, Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika komurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakangamwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.
12והיה כי הרבתה להתפלל לפני יהוה ועלי שמר את פיה׃
12Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake.
13וחנה היא מדברת על לבה רק שפתיה נעות וקולה לא ישמע ויחשבה עלי לשכרה׃
13Nekuti Hana wakange achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
14ויאמר אליה עלי עד מתי תשתכרין הסירי את יינך מעליך׃
14Eri akati kwaari, Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? Rasha waini yako.
15ותען חנה ותאמר לא אדני אשה קשת רוח אנכי ויין ושכר לא שתיתי ואשפך את נפשי לפני יהוה׃
15Hana akapindura akati, Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kumwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
16אל תתן את אמתך לפני בת בליעל כי מרב שיחי וכעסי דברתי עד הנה׃
16Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nekuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu.
17ויען עלי ויאמר לכי לשלום ואלהי ישראל יתן את שלתך אשר שאלת מעמו׃
17Ipapo Eri akamupindura, akati, Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.
18ותאמר תמצא שפחתך חן בעיניך ותלך האשה לדרכה ותאכל ופניה לא היו לה עוד׃
18Iye akati, Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi. Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.
19וישכמו בבקר וישתחוו לפני יהוה וישבו ויבאו אל ביתם הרמתה וידע אלקנה את חנה אשתו ויזכרה יהוה׃
19Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
20ויהי לתקפות הימים ותהר חנה ותלד בן ותקרא את שמו שמואל כי מיהוה שאלתיו׃
20Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti: Nekuti ndakamukumbira kuna Jehovha.
21ויעל האיש אלקנה וכל ביתו לזבח ליהוה את זבח הימים ואת נדרו׃
21Zvino murume Erikana navose veimba yake vakakwira kuna Jehovha kundobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe, nokumupa sezvaakapika.
22וחנה לא עלתה כי אמרה לאישה עד יגמל הנער והבאתיו ונראה את פני יהוה וישב שם עד עולם׃
22Asi Hana haana kukwira, nekuti wakati kumurume wake, Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi.
23ויאמר לה אלקנה אישה עשי הטוב בעיניך שבי עד גמלך אתו אך יקם יהוה את דברו ותשב האשה ותינק את בנה עד גמלה אתו׃
23Erikana murume wake akati kwaari, Ita sezvaunofunga; chimbogara hako kusvikira wamurumura; asi Jehovha ngaasimbise shoko rake. Naizvozvo mukadzi akambogara hake, akayamwisa mwanakomana wake, kusvikira amurumura.
24ותעלהו עמה כאשר גמלתו בפרים שלשה ואיפה אחת קמח ונבל יין ותבאהו בית יהוה שלו והנער נער׃
24Wakati arumumura, akakwira naye ane nzombe nhatu, neefa imwe youpfu, nedende rewaini, akandomuisa mumba maJehovha paShiro. Asi mwana wakange achiri muduku.
25וישחטו את הפר ויביאו את הנער אל עלי׃
25Zvino vakabaya nzombe, vakaisa mwana kuna Eri.
26ותאמר בי אדני חי נפשך אדני אני האשה הנצבת עמכה בזה להתפלל אל יהוה׃
26Hana akati, Ishe wangu, nomweya wenyu mupenyu, ishe wangu, ndini mukadzi wakadeya kumira pano pamberi penyu, ndichinyengetera kuna Jehovha.
27אל הנער הזה התפללתי ויתן יהוה לי את שאלתי אשר שאלתי מעמו׃
27Ndakakumbira mwana uyu, Jehovha akandipa chandakakumbira kwaari;
28וגם אנכי השאלתהו ליהוה כל הימים אשר היה הוא שאול ליהוה וישתחו שם ליהוה׃
28saka neni ndamupa Jehovha; mazuva ose okurarama kwake wakapiwa Jehovha. Akanamata kuna Jehovha ipapo.