Hebrew: Modern

Shona

1 Samuel

12

1ויאמר שמואל אל כל ישראל הנה שמעתי בקלכם לכל אשר אמרתם לי ואמליך עליכם מלך׃
1Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.
2ועתה הנה המלך מתהלך לפניכם ואני זקנתי ושבתי ובני הנם אתכם ואני התהלכתי לפניכם מנערי עד היום הזה׃
2Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
3הנני ענו בי נגד יהוה ונגד משיחו את שור מי לקחתי וחמור מי לקחתי ואת מי עשקתי את מי רצותי ומיד מי לקחתי כפר ואעלים עיני בו ואשיב לכם׃
3Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.
4ויאמרו לא עשקתנו ולא רצותנו ולא לקחת מיד איש מאומה׃
4Ivo vakati, Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.
5ויאמר אליהם עד יהוה בכם ועד משיחו היום הזה כי לא מצאתם בידי מאומה ויאמר עד׃
5Akati kwavari, Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri. Vakati, Ndiye chapupu.
6ויאמר שמואל אל העם יהוה אשר עשה את משה ואת אהרן ואשר העלה את אבתיכם מארץ מצרים׃
6Zvino Samueri akati kuvanhu, Jehovha ndiye wakange agadza Mozisi naAroni, nokisimudza madzibaba enyu panyika yeEgipita.
7ועתה התיצבו ואשפטה אתכם לפני יהוה את כל צדקות יהוה אשר עשה אתכם ואת אבותיכם׃
7Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemwi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.
8כאשר בא יעקב מצרים ויזעקו אבותיכם אל יהוה וישלח יהוה את משה ואת אהרן ויוציאו את אבתיכם ממצרים וישבום במקום הזה׃
8Nguva yakaenda Jakove Egipita, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Egipita, vakavagarisa pano.
9וישכחו את יהוה אלהיהם וימכר אתם ביד סיסרא שר צבא חצור וביד פלשתים וביד מלך מואב וילחמו בם׃
9Asi vakakangamwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.
10ויזעקו אל יהוה ויאמר חטאנו כי עזבנו את יהוה ונעבד את הבעלים ואת העשתרות ועתה הצילנו מיד איבינו ונעבדך׃
10Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, Takatadza, nekuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.
11וישלח יהוה את ירבעל ואת בדן ואת יפתח ואת שמואל ויצל אתכם מיד איביכם מסביב ותשבו בטח׃
11Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.
12ותראו כי נחש מלך בני עמון בא עליכם ותאמרו לי לא כי מלך ימלך עלינו ויהוה אלהיכם מלככם׃
12Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, Kwete, tinofanira kubatwa nesuwo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakange ari mambo wenyu.
13ועתה הנה המלך אשר בחרתם אשר שאלתם והנה נתן יהוה עליכם מלך׃
13Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.
14אם תיראו את יהוה ועבדתם אתו ושמעתם בקלו ולא תמרו את פי יהוה והיתם גם אתם וגם המלך אשר מלך עליכם אחר יהוה אלהיכם׃
14Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
15ואם לא תשמעו בקול יהוה ומריתם את פי יהוה והיתה יד יהוה בכם ובאבתיכם׃
15asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
16גם עתה התיצבו וראו את הדבר הגדול הזה אשר יהוה עשה לעיניכם׃
16Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.
17הלוא קציר חטים היום אקרא אל יהוה ויתן קלות ומטר ודעו וראו כי רעתכם רבה אשר עשיתם בעיני יהוה לשאול לכם מלך׃
17Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.
18ויקרא שמואל אל יהוה ויתן יהוה קלת ומטר ביום ההוא ויירא כל העם מאד את יהוה ואת שמואל׃
18Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
19ויאמרו כל העם אל שמואל התפלל בעד עבדיך אל יהוה אלהיך ואל נמות כי יספנו על כל חטאתינו רעה לשאל לנו מלך׃
19Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nekuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.
20ויאמר שמואל אל העם אל תיראו אתם עשיתם את כל הרעה הזאת אך אל תסורו מאחרי יהוה ועבדתם את יהוה בכל לבבכם׃
20Samueri akati kuvanhu, Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
21ולא תסורו כי אחרי התהו אשר לא יועילו ולא יצילו כי תהו המה׃
21musatsauka, nekuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nekuti hazvina maturo.
22כי לא יטש יהוה את עמו בעבור שמו הגדול כי הואיל יהוה לעשות אתכם לו לעם׃
22Nekuti Jehovha haangasii vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nekuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.
23גם אנכי חלילה לי מחטא ליהוה מחדל להתפלל בעדכם והוריתי אתכם בדרך הטובה והישרה׃
23Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
24אך יראו את יהוה ועבדתם אתו באמת בכל לבבכם כי ראו את אשר הגדל עמכם׃
24Asi ityai Jehovha, mumushumire nechokwadi nemoyo yenyu yose, nekuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
25ואם הרע תרעו גם אתם גם מלככם תספו׃
25Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu.