1ויבאו אנשי קרית יערים ויעלו את ארון יהוה ויבאו אתו אל בית אבינדב בגבעה ואת אלעזר בנו קדשו לשמר את ארון יהוה׃
1Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha.
2ויהי מיום שבת הארון בקרית יערים וירבו הימים ויהיו עשרים שנה וינהו כל בית ישראל אחרי יהוה׃
2Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nekuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha.
3ויאמר שמואל אל כל בית ישראל לאמר אם בכל לבבכם אתם שבים אל יהוה הסירו את אלהי הנכר מתוככם והעשתרות והכינו לבבכם אל יהוה ועבדהו לבדו ויצל אתכם מיד פלשתים׃
3Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha moyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.
4ויסירו בני ישראל את הבעלים ואת העשתרת ויעבדו את יהוה לבדו׃
4Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga.
5ויאמר שמואל קבצו את כל ישראל המצפתה ואתפלל בעדכם אל יהוה׃
5Zvino Samueri akati, Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.
6ויקבצו המצפתה וישאבו מים וישפכו לפני יהוה ויצומו ביום ההוא ויאמרו שם חטאנו ליהוה וישפט שמואל את בני ישראל במצפה׃
6Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakatsanya nomusi iwoyo, vakati ipapo, Takatadzira Jehovha. Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa.
7וישמעו פלשתים כי התקבצו בני ישראל המצפתה ויעלו סרני פלשתים אל ישראל וישמעו בני ישראל ויראו מפני פלשתים׃
7Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia.
8ויאמרו בני ישראל אל שמואל אל תחרש ממנו מזעק אל יהוה אלהינו וישענו מיד פלשתים׃
8Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.
9ויקח שמואל טלה חלב אחד ויעלה עולה כליל ליהוה ויזעק שמואל אל יהוה בעד ישראל ויענהו יהוה׃
9Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa.
10ויהי שמואל מעלה העולה ופלשתים נגשו למלחמה בישראל וירעם יהוה בקול גדול ביום ההוא על פלשתים ויהמם וינגפו לפני ישראל׃
10Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri.
11ויצאו אנשי ישראל מן המצפה וירדפו את פלשתים ויכום עד מתחת לבית כר׃
11Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari.
12ויקח שמואל אבן אחת וישם בין המצפה ובין השן ויקרא את שמה אבן העזר ויאמר עד הנה עזרנו יהוה׃
12Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.
13ויכנעו הפלשתים ולא יספו עוד לבוא בגבול ישראל ותהי יד יהוה בפלשתים כל ימי שמואל׃
13VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavalsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri.
14ותשבנה הערים אשר לקחו פלשתים מאת ישראל לישראל מעקרון ועד גת ואת גבולן הציל ישראל מיד פלשתים ויהי שלום בין ישראל ובין האמרי׃
14Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navalsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavalsiraeri navaAmori.
15וישפט שמואל את ישראל כל ימי חייו׃
15Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake.
16והלך מדי שנה בשנה וסבב בית אל והגלגל והמצפה ושפט את ישראל את כל המקומות האלה׃
16Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose.
17ותשבתו הרמתה כי שם ביתו ושם שפט את ישראל ויבן שם מזבח ליהוה׃
17Akasidzokera Rama, nekuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo.