1כי אתם אחי הנכם ידעים את מבואנו אליכם כי לא היה לריק׃
1Nekuti nemwi hama, munoziva kupinda kwedu kwamuri kuti hakuna kuva pasina.
2אך אחרי אשר ענינו ולחרפות היינו בפילפי כאשר ידעתם התחזקנו באלהינו להגיד גם לכם את הבשורה בנפתולים רבים׃
2Asi kunyange takambotambudzika pakutanga nekuitirwa zvinonyadzisa sezvamunoziva paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari nekupikiswa kukuru.
3כי תוכחתנו איננה מתוך טעות וגם לא מתוך טמאה ולא ברמיה׃
3Nekuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, kana kubva patsvina, kana pamano mano;
4כי אם כאשר נחשבנו נאמנים לאלהים להפקיד בידנו את הבשורה כן נדבר ולא כחפצים להיות רצוים לבני אדם כי אם לאלהים הבחן לבותנו׃
4asi sezvatakatendewa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.
5כי מעולם לא דברנו בשפת חלקות כאשר ידעתם וגם לא למען בצע בצע האלהים עד׃
5Nekuti chero nguva hatina kutongoreva nemashoko ekubata kumeso sezvamunoziva, kana namano-mano ekuchiva; Mwari chapupu;
6גם לא בקשנו מן האדם כבוד לא מכם ולא מאחרים אף כי היה לנו מקום להתכבד כשליחי המשיח׃
6kana kutsvaka rukudzo kuvanhu kana rwenyu, kana rwevamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.
7אבל הלכנו לאט בתוככם כאמנת מפנקת את בניה׃
7Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, semureri kana achifumbatira vana vake;
8ובחבבנו ככה אתכם חפצנו לתת לכם לא לבד את בשורת האלהים כי גם את נפשתינו יען כי הייתם חביבים עלינו׃
8saizvozvo takakushuvai kwazvo, taida zvikuru kuti tigovane nemwi kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yeduwo, nekuti makanga muri vadikamwi kwatiri.
9הלא תזכרו אחי את יגיעתנו ואת תלאתנו אשר היינו עמלים לילה ויומם לבלתי היות למשא לאיש בבשרנו בקרבכם את בשורת האלהים׃
9Nekuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwa kwedu; taibata usiku nemasikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.
10עדים אתם ועד האלהים כי בקדש ובצדק ובתמים היינו עמכם המאמינים׃
10Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taifamba neutsvene nekururama tisina chatingapomerwa kwamuri imwi vanotenda.
11ואתם ידעתם כי כאב את בניו הזהרנו את כל אחד מכם ודברנו על לבו׃
11Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu sababa kuvana vavo, takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,
12ונעד בכם ללכת כראוי לפני האלהים הקורא אתכם למלכותו ולכבודו׃
12kuti mufambe zvakafanira Mwari, unokudanirai kuushe hwake nekubwinya.
13בעבור זאת גם נודה תמיד לאלהים כי אתם בקבלכם מאתנו דבר שמועת האלהים לא קבלתם אותו כדבר בני אדם כי אם כמו שהוא באמת כדבר האלהים אשר הוא גם פעל בכם המאמינים׃
13Nekuda kwaizvozviwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kubva kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sechokwadi shoko raMwari, rinoshandawo mukati menyu imwi munotenda.
14כי אתם אחי הלכתם בעקבי קהלות האלהים אשר בארץ יהודה במשיח ישוע כי סבלתם גם אתם כאלה על ידי בני שבטכם כאשר סבלו גם המה על ידי היהודים׃
14Nekuti imwi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya muna Kristu Jesu; nekuti imwiwo makatambudzika nezvinhu zvakadaro kune vekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo nevaJudha,
15אשר אף המיתו את האדון ישוע ואת נביאיהם ואותנו רדפו ואינם טובים בעיני אלהים ואיבים לכל אדם׃
15Ndivo zvose vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishusha isu, vasingafadzi Mwari, vachipesana nevanhu vose.
16המנעים אתנו מדבר אל הגוים כי יושעו למען אשר ימלאו את חטאתיהם בכל עת וישיגם החרון עד לכלה׃
16vachitidzivisa kuparidzira vahedheni kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
17ואנחנו אחי אחרי אשר שכלנו אתכם לזמן מעט בפנים ולא בלב השתדלנו ביותר לראות פניכם בתשוקה רבה׃
17Zvino isu, hama, zvatakaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.
18ועל כן חפצנו לבוא אליכם אני פולוס פעם ושתים והשטן עצרנו׃
18Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.
19כי מי תקותנו ומי שמחתנו ועטרת תפארתנו הלא גם אתם לפני אדנינו ישוע המשיח בבואו׃
19Nekuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamuzi imwi here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?
20אמנם אתם כבודנו ושמחתנו׃
20Nekuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.