Hebrew: Modern

Shona

2 Kings

2

1ויהי בהעלות יהוה את אליהו בסערה השמים וילך אליהו ואלישע מן הגלגל׃
1Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari.
2ויאמר אליהו אל אלישע שב נא פה כי יהוה שלחני עד בית אל ויאמר אלישע חי יהוה וחי נפשך אם אעזבך וירדו בית אל׃
2Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusii. Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.
3ויצאו בני הנביאים אשר בית אל אל אלישע ויאמרו אליו הידעת כי היום יהוה לקח את אדניך מעל ראשך ויאמר גם אני ידעתי החשו׃
3Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.
4ויאמר לו אליהו אלישע שב נא פה כי יהוה שלחני יריחו ויאמר חי יהוה וחי נפשך אם אעזבך ויבאו יריחו׃
4Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma Jeriko. lye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko.
5ויגשו בני הנביאים אשר ביריחו אל אלישע ויאמרו אליו הידעת כי היום יהוה לקח את אדניך מעל ראשך ויאמר גם אני ידעתי החשו׃
5Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinoziva, nyararai henyu.
6ויאמר לו אליהו שב נא פה כי יהוה שלחני הירדנה ויאמר חי יהוה וחי נפשך אם אעזבך וילכו שניהם׃
6Eria akati kwaari, Iwe chigara pano, nekuti Jehovha wakandituma kwaJoridhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
7וחמשים איש מבני הנביאים הלכו ויעמדו מנגד מרחוק ושניהם עמדו על הירדן׃
7Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJoridhani.
8ויקח אליהו את אדרתו ויגלם ויכה את המים ויחצו הנה והנה ויעברו שניהם בחרבה׃
8Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
9ויהי כעברם ואליהו אמר אל אלישע שאל מה אעשה לך בטרם אלקח מעמך ויאמר אלישע ויהי נא פי שנים ברוחך אלי׃
9Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndipei migove miviri yomweya wenyu.
10ויאמר הקשית לשאול אם תראה אתי לקח מאתך יהי לך כן ואם אין לא יהיה׃
10Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.
11ויהי המה הלכים הלוך ודבר והנה רכב אש וסוסי אש ויפרדו בין שניהם ויעל אליהו בסערה השמים׃
11Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.
12ואלישע ראה והוא מצעק אבי אבי רכב ישראל ופרשיו ולא ראהו עוד ויחזק בבגדיו ויקרעם לשנים קרעים׃
12Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.
13וירם את אדרת אליהו אשר נפלה מעליו וישב ויעמד על שפת הירדן׃
13Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamahombekombe aJoridhani;
14ויקח את אדרת אליהו אשר נפלה מעליו ויכה את המים ויאמר איה יהוה אלהי אליהו אף הוא ויכה את המים ויחצו הנה והנה ויעבר אלישע׃
14akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura,
15ויראהו בני הנביאים אשר ביריחו מנגד ויאמרו נחה רוח אליהו על אלישע ויבאו לקראתו וישתחוו לו ארצה׃
15Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.
16ויאמרו אליו הנה נא יש את עבדיך חמשים אנשים בני חיל ילכו נא ויבקשו את אדניך פן נשאו רוח יהוה וישלכהו באחד ההרים או באחת הגיאות ויאמר לא תשלחו׃
16Vakati kwaari, Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata. Iye akati, Regai henyu kuvatuma.
17ויפצרו בו עד בש ויאמר שלחו וישלחו חמשים איש ויבקשו שלשה ימים ולא מצאהו׃
17Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, Tumai henyu. Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
18וישבו אליו והוא ישב ביריחו ויאמר אלהם הלוא אמרתי אליכם אל תלכו׃
18Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, Handina kukuudzai here, ndikati Regai kuenda.
19ויאמרו אנשי העיר אל אלישע הנה נא מושב העיר טוב כאשר אדני ראה והמים רעים והארץ משכלת׃
19Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.
20ויאמר קחו לי צלחית חדשה ושימו שם מלח ויקחו אליו׃
20Iye akati, Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo. Vakamuvigira iyo.
21ויצא אל מוצא המים וישלך שם מלח ויאמר כה אמר יהוה רפאתי למים האלה לא יהיה משם עוד מות ומשכלת׃
21Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, Zvanzi naJehovha, Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.
22וירפו המים עד היום הזה כדבר אלישע אשר דבר׃
22Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.
23ויעל משם בית אל והוא עלה בדרך ונערים קטנים יצאו מן העיר ויתקלסו בו ויאמרו לו עלה קרח עלה קרח׃
23Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamusweveredza, zvikati kwaari, Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!
24ויפן אחריו ויראם ויקללם בשם יהוה ותצאנה שתים דבים מן היער ותבקענה מהם ארבעים ושני ילדים׃
24Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
25וילך משם אל הר הכרמל ומשם שב שמרון׃
25Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria.