Hebrew: Modern

Shona

2 Peter

1

1שמעון פטרוס עבד ישוע המשיח ושליחו אל אשר קבלו אמונה יקרה כשלנו בצדקת אלהינו ומושיענו ישוע המשיח׃
1Simioni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu kubudikidza nekururama kwaMwari neMuponesi wedu Jesu Kristu:
2חסד ושלום יהיו לכם למכביר בדעת האלהים וישוע אדנינו׃
2Nyasha nerugare kwamuri ngazviwanzwe paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu;
3באשר גבורתו האלהית נתנה לנו את כל אשר לחיים ולחסידות על ידי דעת הקורא אתנו בכבודו וחילו׃
3sesimba rake reuMwari raakapa kwatiri zvinhu zvose zveupenyu neuMwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidanira kubwinya nekunaka;
4אשר בהם נתן לנו הבטחות גדלות מאד ויקרות למען תקחו על ידן חלק בטבע אלהים בהמלטכם מכליון התאוה אשר בעולם׃
4akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti nazvo muve vagovani vechimiro cheuMwari, matiza kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.
5בעבור זאת השתדלו להעמיד באמונתכם את הצדקה ובצדקה את הדעת׃
5Zvino pasina izvozvi muchishingaira kwazvo wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,
6ובדעת את הפרישות ובפרישות את הסבלנות ובסבלנות את החסידות׃
6neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora kutsungirira, nepakutsungirira umwari,
7ובחסידות את האחוה ובאחוה את האהבה׃
7nepauMwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.
8כי אם אלה תמצאנה ותרבינה בכם לא תתנה אתכם להיות בטלים ובלא עשות פרי לדעת אדנינו ישוע המשיח׃
8Nekuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashaiwi zvibereko paruziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
9כי האיש אשר אין אלה לו עור הוא קצר הראות ושכח את טהרתו מחטאתיו הראשנות׃
9Asi usina zvinhu izvi ibofu, unoonera pedo, uye wakangamwa kuti wakasukwa pazvivi zvake zvakare.
10לכן אחי הוסיפו והשתדלו לחזק את קריאתכם ובחירתכם כי בעשותכם זאת כשול לא תכשלו׃
10Naizvozvo, hama, zviri nani mushingaire kwazvo kuti musimbise kudamwa nekusanangurwa kwenyu; nekuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi.
11כי כן יפתח לפניכם לרוחה המבוא אל מלכות עולם אשר לאדנינו ומושיענו ישוע המשיח׃
11Nekuti saizvozvo muchawedzerwa nekufumiswa pakupinda muushe hwusingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu.
12על כן לא אחדל להזכירכם על אלה בכל עת גם כי ידעתם והתכוננתם באמת אשר היא לפנינו׃
12Saka handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva, uye makasimba pachokwadi chiripo.
13ואחשב כי נכון להזכיר ולהעיר אתכם כל ימי היותי במשכן הזה׃
13Uye ndinofunga zvakanaka kuti kana ndichingori mutende rino chete ndikumutsei nechiyeudziro;
14באשר ידעתי כי מהר יעתק משכני כאשר גם גלה לי אדנינו ישוע המשיח׃
14ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetende rangu, Ishe wedu Jesu Kristu sezvaakandiraira.
15ואשתדל שיהיה לכם תמיד גם אחרי פטירתי זכרון הדברים האלה׃
15Zvino neni ndichashingaira kuti nguva dzose shure kwekuenda kwangu muve nechirangaridzo chezvinhu izvi.
16כי הודענו אתכם גבורת אדנינו ישוע המשיח ובאו לא בלכתנו אחרי הגדות מחכמות כי אם ראות היו עינינו את גדלתו׃
16Nekuti hatina kutevera ngano dzemano mano patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vakazvionera ukuru hwake.
17כי לקח מאת אלהים האב יקר וכבוד בבא אליו קול מתוך הדרת כבודו לאמר זה בני ידידי רצתה נפשי בו׃
17Nekuti wakagamuchira rukudzo nekubwinya kubva kuna Mwari Baba panguva iya yakauya inzwi rakadai kwaari richibva kukubwinya kukurukuru richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodika, wandinofara maari.
18ואת הקול הזה שמענו באזנינו יצא משמים בהיותנו עמו בהר הקדש׃
18Uye inzwi iri isu ratakanzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.
19ועתה דבר הנבואה יותר קים אתנו והטיבתם עשות אשר שתם לבכם אליו כמו אל נר מאיר במקום אפל עד כי יבקע אור היום וזרח כוכב הנגה בלבבכם׃
19uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchiriteerera semwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga hwuchitsuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
20וזאת תדעו ראשונה אשר כל נבואת המקרא איננה תלה בפתרון אדם מלבו׃
20muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yewakazvimiririra;
21כי מעולם לא יצאה נבואה ברצון האדם כי אם ברוח הקדש אשר נשאם דברו אנשי אלהים הקדושים׃
21Nekuti chiporofita hachina kuuyiswa panguva pedare nekuda kwemunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachisundwa neMweya Mutsvene.