1מקץ שבע שנים תעשה שמטה׃
1Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro.
2וזה דבר השמטה שמוט כל בעל משה ידו אשר ישה ברעהו לא יגש את רעהו ואת אחיו כי קרא שמטה ליהוה׃
2Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwereti, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nekuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
3את הנכרי תגש ואשר יהיה לך את אחיך תשמט ידך׃
3Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura.
4אפס כי לא יהיה בך אביון כי ברך יברכך יהוה בארץ אשר יהוה אלהיך נתן לך נחלה לרשתה׃
4Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako),
5רק אם שמוע תשמע בקול יהוה אלהיך לשמר לעשות את כל המצוה הזאת אשר אנכי מצוך היום׃
5kana uchingoshingaira koga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
6כי יהוה אלהיך ברכך כאשר דבר לך והעבטת גוים רבים ואתה לא תעבט ומשלת בגוים רבים ובך לא ימשלו׃
6Nekuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwereti, asi iwe usatora chikwereti; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
7כי יהיה בך אביון מאחד אחיך באחד שעריך בארצך אשר יהוה אלהיך נתן לך לא תאמץ את לבבך ולא תקפץ את ידך מאחיך האביון׃
7Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuwo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako;
8כי פתח תפתח את ידך לו והעבט תעביטנו די מחסרו אשר יחסר לו׃
8asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwereti zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira.
9השמר לך פן יהיה דבר עם לבבך בליעל לאמר קרבה שנת השבע שנת השמטה ורעה עינך באחיך האביון ולא תתן לו וקרא עליך אל יהוה והיה בך חטא׃
9Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo, iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
10נתון תתן לו ולא ירע לבבך בתתך לו כי בגלל הדבר הזה יברכך יהוה אלהיך בכל מעשך ובכל משלח ידך׃
10Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nekuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
11כי לא יחדל אביון מקרב הארץ על כן אנכי מצוך לאמר פתח תפתח את ידך לאחיך לעניך ולאבינך בארצך׃
11Nekuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.
12כי ימכר לך אחיך העברי או העבריה ועבדך שש שנים ובשנה השביעת תשלחנו חפשי מעמך׃
12Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake.
13וכי תשלחנו חפשי מעמך לא תשלחנו ריקם׃
13Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu.
14העניק תעניק לו מצאנך ומגרנך ומיקבך אשר ברכך יהוה אלהיך תתן לו׃
14Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
15וזכרת כי עבד היית בארץ מצרים ויפדך יהוה אלהיך על כן אנכי מצוך את הדבר הזה היום׃
15Unofanira kurangarira iwe kuti wakange uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
16והיה כי יאמר אליך לא אצא מעמך כי אהבך ואת ביתך כי טוב לו עמך׃
16Asi kana akati kwauri, Handidi hangu kubva kwamuri, nekuti unokuda iwe naveimba yako, nekuti unofara hake newe,
17ולקחת את המרצע ונתתה באזנו ובדלת והיה לך עבד עולם ואף לאמתך תעשה כן׃
17ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo.
18לא יקשה בעינך בשלחך אתו חפשי מעמך כי משנה שכר שכיר עבדך שש שנים וברכך יהוה אלהיך בכל אשר תעשה׃
18Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nekuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.
19כל הבכור אשר יולד בבקרך ובצאנך הזכר תקדיש ליהוה אלהיך לא תעבד בבכר שורך ולא תגז בכור צאנך׃
19Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
20לפני יהוה אלהיך תאכלנו שנה בשנה במקום אשר יבחר יהוה אתה וביתך׃
20Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako.
21וכי יהיה בו מום פסח או עור כל מום רע לא תזבחנו ליהוה אלהיך׃
21Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako.
22בשעריך תאכלנו הטמא והטהור יחדו כצבי וכאיל׃
22Unofanira kuchidya mukati mamasuwo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo.
23רק את דמו לא תאכל על הארץ תשפכנו כמים׃
23Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.