1אלה דברי הברית אשר צוה יהוה את משה לכרת את בני ישראל בארץ מואב מלבד הברית אשר כרת אתם בחרב׃
1Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mozisi naJehovha, kuti aiite navana vaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.
2ויקרא משה אל כל ישראל ויאמר אלהם אתם ראיתם את כל אשר עשה יהוה לעיניכם בארץ מצרים לפרעה ולכל עבדיו ולכל ארצו׃
2Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeEgipita kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose;
3המסות הגדלת אשר ראו עיניך האתת והמפתים הגדלים ההם׃
3miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru.
4ולא נתן יהוה לכם לב לדעת ועינים לראות ואזנים לשמע עד היום הזה׃
4Asi Jehovha haana kukupai moyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi.
5ואולך אתכם ארבעים שנה במדבר לא בלו שלמתיכם מעליכם ונעלך לא בלתה מעל רגלך׃
5Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguvo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako.
6לחם לא אכלתם ויין ושכר לא שתיתם למען תדעו כי אני יהוה אלהיכם׃
6Hamuna kudya chingwa, kana kumwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7ותבאו אל המקום הזה ויצא סיחן מלך חשבון ועוג מלך הבשן לקראתנו למלחמה ונכם׃
7Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda;
8ונקח את ארצם ונתנה לנחלה לראובני ולגדי ולחצי שבט המנשי׃
8tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo.
9ושמרתם את דברי הברית הזאת ועשיתם אתם למען תשכילו את כל אשר תעשון׃
9Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita,
10אתם נצבים היום כלכם לפני יהוה אלהיכם ראשיכם שבטיכם זקניכם ושטריכם כל איש ישראל׃
10Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose vaIsiraeri,
11טפכם נשיכם וגרך אשר בקרב מחניך מחטב עציך עד שאב מימיך׃
11nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako;
12לעברך בברית יהוה אלהיך ובאלתו אשר יהוה אלהיך כרת עמך היום׃
12kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako;
13למען הקים אתך היום לו לעם והוא יהיה לך לאלהים כאשר דבר לך וכאשר נשבע לאבתיך לאברהם ליצחק וליעקב׃
13kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakove.
14ולא אתכם לבדכם אנכי כרת את הברית הזאת ואת האלה הזאת׃
14Handiiti sungano iyi nokupika uku nemwi moga;
15כי את אשר ישנו פה עמנו עמד היום לפני יהוה אלהינו ואת אשר איננו פה עמנו היום׃
15asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye navasipo nesu nhasi;
16כי אתם ידעתם את אשר ישבנו בארץ מצרים ואת אשר עברנו בקרב הגוים אשר עברתם׃
16(Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeEgipita, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo,
17ותראו את שקוציהם ואת גלליהם עץ ואבן כסף וזהב אשר עמהם׃
17mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;)
18פן יש בכם איש או אשה או משפחה או שבט אשר לבבו פנה היום מעם יהוה אלהינו ללכת לעבד את אלהי הגוים ההם פן יש בכם שרש פרה ראש ולענה׃
18kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;
19והיה בשמעו את דברי האלה הזאת והתברך בלבבו לאמר שלום יהיה לי כי בשררות לבי אלך למען ספות הרוה את הצמאה׃
19zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamoyo wake, achiti, Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete ;
20לא יאבה יהוה סלח לו כי אז יעשן אף יהוה וקנאתו באיש ההוא ורבצה בו כל האלה הכתובה בספר הזה ומחה יהוה את שמו מתחת השמים׃
20Jehovha haangamukangamwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
21והבדילו יהוה לרעה מכל שבטי ישראל ככל אלות הברית הכתובה בספר התורה הזה׃
21Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti atukwe nokutuka kose kwesungano yakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro.
22ואמר הדור האחרון בניכם אשר יקומו מאחריכם והנכרי אשר יבא מארץ רחוקה וראו את מכות הארץ ההוא ואת תחלאיה אשר חלה יהוה בה׃
22Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
23גפרית ומלח שרפה כל ארצה לא תזרע ולא תצמח ולא יעלה בה כל עשב כמהפכת סדם ועמרה אדמה וצביים אשר הפך יהוה באפו ובחמתו׃
23uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidzvarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake;
24ואמרו כל הגוים על מה עשה יהוה ככה לארץ הזאת מה חרי האף הגדול הזה׃
24uye ndudzi dzose dzichati, Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?
25ואמרו על אשר עזבו את ברית יהוה אלהי אבתם אשר כרת עמם בהוציאו אתם מארץ מצרים׃
25Zvino vanhu vachati, nekuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeEgipita;
26וילכו ויעבדו אלהים אחרים וישתחוו להם אלהים אשר לא ידעום ולא חלק להם׃
26vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye;
27ויחר אף יהוה בארץ ההוא להביא עליה את כל הקללה הכתובה בספר הזה׃
27naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kose kwakanyorwa mubhuku iyi.
28ויתשם יהוה מעל אדמתם באף ובחמה ובקצף גדול וישלכם אל ארץ אחרת כיום הזה׃
28Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi.
29הנסתרת ליהוה אלהינו והנגלת לנו ולבנינו עד עולם לעשות את כל דברי התורה הזאת׃
29Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.