Hebrew: Modern

Shona

Exodus

4

1ויען משה ויאמר והן לא יאמינו לי ולא ישמעו בקלי כי יאמרו לא נראה אליך יהוה׃
1Zvino Mozisi akapindura akati, Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nekuti vachati, Jehovha haana kuzviratidza kwauri.
2ויאמר אליו יהוה מזה בידך ויאמר מטה׃
2Jehovha akati kwaari, Chiiko icho chiri muruoko rwako? Akati, Itsvimbo.
3ויאמר השליכהו ארצה וישליכהו ארצה ויהי לנחש וינס משה מפניו׃
3Akati, Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza.
4ויאמר יהוה אל משה שלח ידך ואחז בזנבו וישלח ידו ויחזק בו ויהי למטה בכפו׃
4Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
5למען יאמינו כי נראה אליך יהוה אלהי אבתם אלהי אברהם אלהי יצחק ואלהי יעקב׃
5kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakove, akazviratidza kwauri.
6ויאמר יהוה לו עוד הבא נא ידך בחיקך ויבא ידו בחיקו ויוצאה והנה ידו מצרעת כשלג׃
6Jehovha akatiwo kwaari, Isa ruoko rwako muchipfuva chako. Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
7ויאמר השב ידך אל חיקך וישב ידו אל חיקו ויוצאה מחיקו והנה שבה כבשרו׃
7Akati, Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)
8והיה אם לא יאמינו לך ולא ישמעו לקל האת הראשון והאמינו לקל האת האחרון׃
8Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri.
9והיה אם לא יאמינו גם לשני האתות האלה ולא ישמעון לקלך ולקחת ממימי היאר ושפכת היבשה והיו המים אשר תקח מן היאר והיו לדם ביבשת׃
9Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma.
10ויאמר משה אל יהוה בי אדני לא איש דברים אנכי גם מתמול גם משלשם גם מאז דברך אל עבדך כי כבד פה וכבד לשון אנכי׃
10Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nekuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.
11ויאמר יהוה אליו מי שם פה לאדם או מי ישום אלם או חרש או פקח או עור הלא אנכי יהוה׃
11Jehovha akati kwaari, Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?
12ועתה לך ואנכי אהיה עם פיך והוריתיך אשר תדבר׃
12Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.
13ויאמר בי אדני שלח נא ביד תשלח׃
13Iye akati, Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.
14ויחר אף יהוה במשה ויאמר הלא אהרן אחיך הלוי ידעתי כי דבר ידבר הוא וגם הנה הוא יצא לקראתך וראך ושמח בלבו׃
14Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.
15ודברת אליו ושמת את הדברים בפיו ואנכי אהיה עם פיך ועם פיהו והוריתי אתכם את אשר תעשון׃
15Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
16ודבר הוא לך אל העם והיה הוא יהיה לך לפה ואתה תהיה לו לאלהים׃
16Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.
17ואת המטה הזה תקח בידך אשר תעשה בו את האתת׃
17Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo.
18וילך משה וישב אל יתר חתנו ויאמר לו אלכה נא ואשובה אל אחי אשר במצרים ואראה העודם חיים ויאמר יתרו למשה לך לשלום׃
18Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Egipita, ndindoona kana vachiri vapenyu. Jeturo akati kuna Mozisi, Enda hako norugare.
19ויאמר יהוה אל משה במדין לך שב מצרים כי מתו כל האנשים המבקשים את נפשך׃
19Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, Enda, udzokere Egipita, nekuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa.
20ויקח משה את אשתו ואת בניו וירכבם על החמר וישב ארצה מצרים ויקח משה את מטה האלהים בידו׃
20Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake nevana vake vavakomana, akavatasvisa pdhongi, akadzokera kunyika yeEgipita; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
21ויאמר יהוה אל משה בלכתך לשוב מצרימה ראה כל המפתים אשר שמתי בידך ועשיתם לפני פרעה ואני אחזק את לבו ולא ישלח את העם׃
21Jehovha akati kuna Mozisi, Kana wodzokera Egipita, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
22ואמרת אל פרעה כה אמר יהוה בני בכרי ישראל׃
22Zvino undoti kuna Farao, Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu;
23ואמר אליך שלח את בני ויעבדני ותמאן לשלחו הנה אנכי הרג את בנך בכרך׃
23ndakati kwauri, Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.
24ויהי בדרך במלון ויפגשהו יהוה ויבקש המיתו׃
24Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.
25ותקח צפרה צר ותכרת את ערלת בנה ותגע לרגליו ותאמר כי חתן דמים אתה לי׃
25Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri.
26וירף ממנו אז אמרה חתן דמים למולת׃
26Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, Uri chikomba cheropa nokuda kokudzingiswa.
27ויאמר יהוה אל אהרן לך לקראת משה המדברה וילך ויפגשהו בהר האלהים וישק לו׃
27Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Enda kurenje undosangana naMozisi. Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
28ויגד משה לאהרן את כל דברי יהוה אשר שלחו ואת כל האתת אשר צוהו׃
28Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.
29וילך משה ואהרן ויאספו את כל זקני בני ישראל׃
29Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri.
30וידבר אהרן את כל הדברים אשר דבר יהוה אל משה ויעש האתת לעיני העם׃
30Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.
31ויאמן העם וישמעו כי פקד יהוה את בני ישראל וכי ראה את ענים ויקדו וישתחוו׃
31Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.