Hebrew: Modern

Shona

Exodus

7

1ויאמר יהוה אל משה ראה נתתיך אלהים לפרעה ואהרן אחיך יהיה נביאך׃
1Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.
2אתה תדבר את כל אשר אצוך ואהרן אחיך ידבר אל פרעה ושלח את בני ישראל מארצו׃
2Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.
3ואני אקשה את לב פרעה והרביתי את אתתי ואת מופתי בארץ מצרים׃
3Ini ndichaomesa moyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeEgipita.
4ולא ישמע אלכם פרעה ונתתי את ידי במצרים והוצאתי את צבאתי את עמי בני ישראל מארץ מצרים בשפטים גדלים׃
4Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeEgipita nokutonga kukuru.
5וידעו מצרים כי אני יהוה בנטתי את ידי על מצרים והוצאתי את בני ישראל מתוכם׃
5VaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.
6ויעש משה ואהרן כאשר צוה יהוה אתם כן עשו׃
6Mozisi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.
7ומשה בן שמנים שנה ואהרן בן שלש ושמנים שנה בדברם אל פרעה׃
7Mozisi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.
8ויאמר יהוה אל משה ואל אהרן לאמר׃
8Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
9כי ידבר אלכם פרעה לאמר תנו לכם מופת ואמרת אל אהרן קח את מטך והשלך לפני פרעה יהי לתנין׃
9Kana Farao achitaura nemi, akati, Tiratidzei chinoshamisa, uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.
10ויבא משה ואהרן אל פרעה ויעשו כן כאשר צוה יהוה וישלך אהרן את מטהו לפני פרעה ולפני עבדיו ויהי לתנין׃
10Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.
11ויקרא גם פרעה לחכמים ולמכשפים ויעשו גם הם חרטמי מצרים בלהטיהם כן׃
11Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeEgipita, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.
12וישליכו איש מטהו ויהיו לתנינם ויבלע מטה אהרן את מטתם׃
12nekuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13ויחזק לב פרעה ולא שמע אלהם כאשר דבר יהוה׃
13Zvino moyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha.
14ויאמר יהוה אל משה כבד לב פרעה מאן לשלח העם׃
14Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, moyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.
15לך אל פרעה בבקר הנה יצא המימה ונצבת לקראתו על שפת היאר והמטה אשר נהפך לנחש תקח בידך׃
15Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamahombekombe erwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.
16ואמרת אליו יהוה אלהי העברים שלחני אליך לאמר שלח את עמי ויעבדני במדבר והנה לא שמעת עד כה׃
16Ugoti kwaari, Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri, achiti, Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.
17כה אמר יהוה בזאת תדע כי אני יהוה הנה אנכי מכה במטה אשר בידי על המים אשר ביאר ונהפכו לדם׃
17Zvanzi naJehovha, Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.
18והדגה אשר ביאר תמות ובאש היאר ונלאו מצרים לשתות מים מן היאר׃
18Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaEgipita vachanetswa nokutsvaka kumwa mvura yorwizi.
19ויאמר יהוה אל משה אמר אל אהרן קח מטך ונטה ידך על מימי מצרים על נהרתם על יאריהם ועל אגמיהם ועל כל מקוה מימיהם ויהיו דם והיה דם בכל ארץ מצרים ובעצים ובאבנים׃
19Jehovha akatiwo kuna Mozisi, Uti kuna Aroni, Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaEgipita, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose, zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeEgipita, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.
20ויעשו כן משה ואהרן כאשר צוה יהוה וירם במטה ויך את המים אשר ביאר לעיני פרעה ולעיני עבדיו ויהפכו כל המים אשר ביאר לדם׃
20Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.
21והדגה אשר ביאר מתה ויבאש היאר ולא יכלו מצרים לשתות מים מן היאר ויהי הדם בכל ארץ מצרים׃
21Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaEgipita vakasagona kumwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeEgipita.
22ויעשו כן חרטמי מצרים בלטיהם ויחזק לב פרעה ולא שמע אלהם כאשר דבר יהוה׃
22n'anga dzeEgipita dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
23ויפן פרעה ויבא אל ביתו ולא שת לבו גם לזאת׃
23Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.
24ויחפרו כל מצרים סביבת היאר מים לשתות כי לא יכלו לשתת ממימי היאר׃
24VaEgipita vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokumwa; nekuti vakanga vasingagoni kumwa mvura yorwizi.
25וימלא שבעת ימים אחרי הכות יהוה את היאר׃
25Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa korwizi naJehovha.