Hebrew: Modern

Shona

Genesis

38

1ויהי בעת ההוא וירד יהודה מאת אחיו ויט עד איש עדלמי ושמו חירה׃
1Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
2וירא שם יהודה בת איש כנעני ושמו שוע ויקחה ויבא אליה׃
2Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKanani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
3ותהר ותלד בן ויקרא את שמו ער׃
3Iye akava nemimba, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
4ותהר עוד ותלד בן ותקרא את שמו אונן׃
4Akava nemimbazve, akabereka mwana­komana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
5ותסף עוד ותלד בן ותקרא את שמו שלה והיה בכזיב בלדתה אתו׃
5Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rino­nzi Shera; iye aiva paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
6ויקח יהודה אשה לער בכורו ושמה תמר׃
6Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
7ויהי ער בכור יהודה רע בעיני יהוה וימתהו יהוה׃
7Asi dangwe raJudha, aiva munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
8ויאמר יהודה לאונן בא אל אשת אחיך ויבם אתה והקם זרע לאחיך׃
8Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munin'ina womurume, umutsire mukoma wako vana.
9וידע אונן כי לא לו יהיה הזרע והיה אם בא אל אשת אחיו ושחת ארצה לבלתי נתן זרע לאחיו׃
9Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womu­koma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
10וירע בעיני יהוה אשר עשה וימת גם אתו׃
10Chi­nhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya nai­yewo.
11ויאמר יהודה לתמר כלתו שבי אלמנה בית אביך עד יגדל שלה בני כי אמר פן ימות גם הוא כאחיו ותלך תמר ותשב בית אביה׃
11Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nekuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari aka­ndogara kumba kwababa vake.
12וירבו הימים ותמת בת שוע אשת יהודה וינחם יהודה ויעל על גזזי צאנו הוא וחירה רעהו העדלמי תמנתה׃
12Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTi­muna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
13ויגד לתמר לאמר הנה חמיך עלה תמנתה לגז צאנו׃
13Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;
14ותסר בגדי אלמנותה מעליה ותכס בצעיף ותתעלף ותשב בפתח עינים אשר על דרך תמנתה כי ראתה כי גדל שלה והוא לא נתנה לו לאשה׃
14ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuwo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nekuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
15ויראה יהודה ויחשבה לזונה כי כסתה פניה׃
15Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nekuti akanga afukidza chiso chake.
16ויט אליה אל הדרך ויאמר הבה נא אבוא אליך כי לא ידע כי כלתו הוא ותאמר מה תתן לי כי תבוא אלי׃
16Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nekuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwa­nakomana wake. Iye akati, Unogondi­peiko, kuti upinde kwandiri?
17ויאמר אנכי אשלח גדי עזים מן הצאן ותאמר אם תתן ערבון עד שלחך׃
17Akati, Ndichakutumira mbu­dzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira wai­tuma here?
18ויאמר מה הערבון אשר אתן לך ותאמר חתמך ופתילך ומטך אשר בידך ויתן לה ויבא אליה ותהר לו׃
18Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, aka­pinda kwaari, akava nemimba naye.
19ותקם ותלך ותסר צעיפה מעליה ותלבש בגדי אלמנותה׃
19Akasimuka, akaenda, akabvisa choku­fukidzira chake, akafuka nguvo dzouchiri­kadzi hwake.
20וישלח יהודה את גדי העזים ביד רעהו העדלמי לקחת הערבון מיד האשה ולא מצאה׃
20Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
21וישאל את אנשי מקמה לאמר איה הקדשה הוא בעינים על הדרך ויאמרו לא היתה בזה קדשה׃
21Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
22וישב אל יהודה ויאמר לא מצאתיה וגם אנשי המקום אמרו לא היתה בזה קדשה׃
22Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko va­kati, Kwakanga kusina chifeve pano.
23ויאמר יהודה תקח לה פן נהיה לבוז הנה שלחתי הגדי הזה ואתה לא מצאתה׃
23Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamu­wana.
24ויהי כמשלש חדשים ויגד ליהודה לאמר זנתה תמר כלתך וגם הנה הרה לזנונים ויאמר יהודה הוציאוה ותשרף׃
24Zvino mwedzi inenge mitatu ya­kati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichi­nzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.
25הוא מוצאת והיא שלחה אל חמיה לאמר לאיש אשר אלה לו אנכי הרה ותאמר הכר נא למי החתמת והפתילים והמטה האלה׃
25Zvino vakati vachiuya naye, aka­tuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwo­nzi, netsvimbo.
26ויכר יהודה ויאמר צדקה ממני כי על כן לא נתתיה לשלה בני ולא יסף עוד לדעתה׃
26Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nekuti handina kumupa Shera, mwanako­mana wangu. Haana kuzomuzivazve.
27ויהי בעת לדתה והנה תאומים בבטנה׃
27Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
28ויהי בלדתה ויתן יד ותקח המילדת ותקשר על ידו שני לאמר זה יצא ראשנה׃
28Zvino akati achibereka, mumwe akabu­disa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.
29ויהי כמשיב ידו והנה יצא אחיו ותאמר מה פרצת עליך פרץ ויקרא שמו פרץ׃
29Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munu­nuna wake akabuda; ivo vakati, Wazvi­pasanurira seiko? Naizvozvo akamutu­midza zita rinonzi Perezi.
30ואחר יצא אחיו אשר על ידו השני ויקרא שמו זרח׃
30Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.