Hebrew: Modern

Shona

Hebrews

8

1וזה ראש הנאמרים כי יש לנו כהן גדול היושב לימין כסא הגבורה בשמים׃
1Zvino chikuru chezvinhu zvatataura ndichochi: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,
2והוא משרת הקדש והמשכן האמתי אשר כוננו אדני ולא אדם׃
2mushumiri wenzvimbo tsvene, newetende rechokwadi rakadzikwa naIshe, kwete munhu.
3כי כל כהן גדול הוא מפקד להקריב מנחות וזבחים ועל כן צריך שיהיה גם לזה דבר להקריב׃
3Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; naizvozvo zvakafanira kuti ave nechaangabayirawo;
4והנה אלו היה בארץ לא היה כהן כי יש פה הכהנים המקריבים הקרבנות לפי התורה׃
4Nekuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva mupristi, vapristi zvavaripo, vanobayira zvipo zvinoenderana nemurairo;
5ומכהנים לדמות וצל הדברים שבשמים כדבר יהוה אל משה בבאו לכלות את המשכן כי אמר אליו ראה ועשה הכל בתבניתו אשר אתה מראה בהר׃
5ivo vanoshumira mufananidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tende; nekuti wakati: Chenjera kuti uite zvose nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
6ועתה הוא קבל שרות מעלה כפי מעלת הברית הנעשה על ידו אשר הוקמה על הבטחות טבות ויתרות׃
6Asi zvino wakapiwa basa rakanyanyisa kunaka, sezvaari murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.
7כי אלו היתה הראשונה ההיא תמימה לא יבקש מקום לשניה׃
7Nekuti dai iya yekutanga yakanga isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.
8כי כה אמר בהוכיח אתם הנה ימים באים נאם יהוה וכרתי את בית ישראל ואת בית יהודה ברית חדשה׃
8Nekuti achivapomera mhosva, unoti: Tarira, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe, andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha.
9לא כברית אשר כרתי את אבותם ביום החזיקי בידם להוציאם מארץ מצרים אשר המה הפרו את בריתי ואנכי בחלתי בם נאם יהוה׃
9Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nekuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;
10כי זאת הברית אשר אכרת את בית ישראל אחרי הימים ההם נאם יהוה נתתי את תורתי בקרבם ועל לבם אכתבנה והייתי להם לאלהים והמה יהיו לי לעם׃
10Nekuti iyi isungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora, uye ndichava kwavari Mwari ivo vachava kwandiri vanhu;
11ולא ילמדו עוד איש את רעהו ואיש את אחיו לאמר דעו את יהוה כי כולם ידעו אותי למקטנם ועד גדולם׃
11uye havangazodzidzisi umwe neumwe mumwe wake, kana umwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nekuti vose vachandiziva, kubva kumudukusa kusvikira kumukurusa wavo.
12כי אסלח לעונם ולחטאתם ולפשעיהם לא אזכר עוד׃
12Nekuti ndichava netsitsi nekusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichazorangariri.
13הנה באמרו ברית חדשה ישן את הראשונה ומה שהוא נושן ומזקין קרוב הוא אל קצו׃
13Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga; zvino chosakara, chova chakare, choda kurova.