Hebrew: Modern

Shona

Hosea

1

1דבר יהוה אשר היה אל הושע בן בארי בימי עזיה יותם אחז יחזקיה מלכי יהודה ובימי ירבעם בן יואש מלך ישראל׃
1Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
2תחלת דבר יהוה בהושע ויאמר יהוה אל הושע לך קח לך אשת זנונים וילדי זנונים כי זנה תזנה הארץ מאחרי יהוה׃
2Pakutanga kokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nekuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.
3וילך ויקח את גמר בת דבלים ותהר ותלד לו בן׃
3Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4ויאמר יהוה אליו קרא שמו יזרעאל כי עוד מעט ופקדתי את דמי יזרעאל על בית יהוא והשבתי ממלכות בית ישראל׃
4Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi Jezireeri, nekuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe bweimba yaIsiraeri.
5והיה ביום ההוא ושברתי את קשת ישראל בעמק יזרעאל׃
5Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireeri.
6ותהר עוד ותלד בת ויאמר לו קרא שמה לא רחמה כי לא אוסיף עוד ארחם את בית ישראל כי נשא אשא להם׃
6Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, Mutumidze iye zita rinonzi Roruhama; nekuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakangamwira.
7ואת בית יהודה ארחם והושעתים ביהוה אלהיהם ולא אושיעם בקשת ובחרב ובמלחמה בסוסים ובפרשים׃
7Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.
8ותגמל את לא רחמה ותהר ותלד בן׃
8Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.
9ויאמר קרא שמו לא עמי כי אתם לא עמי ואנכי לא אהיה לכם׃
9Jehovha akati, Mutumidze zita rinonzi Roami; nekuti imwi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.
10והיה מספר בני ישראל כחול הים אשר לא ימד ולא יספר והיה במקום אשר יאמר להם לא עמי אתם יאמר להם בני אל חי׃
10Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, Hamuzi vanhu vangu, ndipapo pazvichanzi kwavari, Muri vanakomana vaMwari mupenyu.
11ונקבצו בני יהודה ובני ישראל יחדו ושמו להם ראש אחד ועלו מן הארץ כי גדול יום יזרעאל׃
11Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nekuti zuva reJezireeri richava guru.