Hebrew: Modern

Shona

Jeremiah

27

1בראשית ממלכת יהויקם בן יאושיהו מלך יהודה היה הדבר הזה אל ירמיה מאת יהוה לאמר׃
1Pakuvamba kokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2כה אמר יהוה אלי עשה לך מוסרות ומטות ונתתם על צוארך׃
2Zvanzi naJehovha kwandiri, Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
3ושלחתם אל מלך אדום ואל מלך מואב ואל מלך בני עמון ואל מלך צר ואל מלך צידון ביד מלאכים הבאים ירושלם אל צדקיהו מלך יהודה׃
3uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTire, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekia mambo waJudha,
4וצוית אתם אל אדניהם לאמר כה אמר יהוה צבאות אלהי ישראל כה תאמרו אל אדניכם׃
4utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,
5אנכי עשיתי את הארץ את האדם ואת הבהמה אשר על פני הארץ בכחי הגדול ובזרועי הנטויה ונתתיה לאשר ישר בעיני׃
5Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa, zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.
6ועתה אנכי נתתי את כל הארצות האלה ביד נבוכדנאצר מלך בבל עבדי וגם את חית השדה נתתי לו לעבדו׃
6Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
7ועבדו אתו כל הגוים ואת בנו ואת בן בנו עד בא עת ארצו גם הוא ועבדו בו גוים רבים ומלכים גדלים׃
7Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
8והיה הגוי והממלכה אשר לא יעבדו אתו את נבוכדנאצר מלך בבל ואת אשר לא יתן את צוארו בעל מלך בבל בחרב וברעב ובדבר אפקד על הגוי ההוא נאם יהוה עד תמי אתם בידו׃
8Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
9ואתם אל תשמעו אל נביאיכם ואל קסמיכם ואל חלמתיכם ואל ענניכם ואל כשפיכם אשר הם אמרים אליכם לאמר לא תעבדו את מלך בבל׃
9Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
10כי שקר הם נבאים לכם למען הרחיק אתכם מעל אדמתכם והדחתי אתכם ואבדתם׃
10nekuti vanokuporofitirai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.
11והגוי אשר יביא את צוארו בעל מלך בבל ועבדו והנחתיו על אדמתו נאם יהוה ועבדה וישב בה׃
11Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12ואל צדקיה מלך יהודה דברתי ככל הדברים האלה לאמר הביאו את צואריכם בעל מלך בבל ועבדו אתו ועמו וחיו׃
12Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
13למה תמותו אתה ועמך בחרב ברעב ובדבר כאשר דבר יהוה אל הגוי אשר לא יעבד את מלך בבל׃
13Muchafireiko, imwi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nehosha yakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
14ואל תשמעו אל דברי הנבאים האמרים אליכם לאמר לא תעבדו את מלך בבל כי שקר הם נבאים לכם׃
14Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi; nekuti vanokuporofitirai nhema.
15כי לא שלחתים נאם יהוה והם נבאים בשמי לשקר למען הדיחי אתכם ואבדתם אתם והנבאים הנבאים לכם׃
15nekuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imwi navaporofita vanokuporofitirai.
16ואל הכהנים ואל כל העם הזה דברתי לאמר כה אמר יהוה אל תשמעו אל דברי נביאיכם הנבאים לכם לאמר הנה כלי בית יהוה מושבים מבבלה עתה מהרה כי שקר המה נבאים לכם׃
16Ndakataurawo navapristi, uye navanhu ava vose, ndikati, Zvanzi naJehovha, Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai, vachiti, Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nekuti vanokuporofitirai nhema.
17אל תשמעו אליהם עבדו את מלך בבל וחיו למה תהיה העיר הזאת חרבה׃
17Regai kuvateerera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?
18ואם נבאים הם ואם יש דבר יהוה אתם יפגעו נא ביהוה צבאות לבלתי באו הכלים הנותרים בבית יהוה ובית מלך יהודה ובירושלם בבלה׃
18Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.
19כי כה אמר יהוה צבאות אל העמדים ועל הים ועל המכנות ועל יתר הכלים הנותרים בעיר הזאת׃
19nekuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
20אשר לא לקחם נבוכדנאצר מלך בבל בגלותו את יכוניה בן יהויקים מלך יהודה מירושלם בבלה ואת כל חרי יהודה וירושלם׃
20zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
21כי כה אמר יהוה צבאות אלהי ישראל על הכלים הנותרים בית יהוה ובית מלך יהודה וירושלם׃
21nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
22בבלה יובאו ושמה יהיו עד יום פקדי אתם נאם יהוה והעליתים והשיבתים אל המקום הזה׃
22Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.