1אשר היה דבר יהוה אל ירמיהו הנביא אל פלשתים בטרם יכה פרעה את עזה׃
1Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.
2כה אמר יהוה הנה מים עלים מצפון והיו לנחל שוטף וישטפו ארץ ומלואה עיר וישבי בה וזעקו האדם והילל כל יושב הארץ׃
2Zvanzi naJehovha, Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.
3מקול שעטת פרסות אביריו מרעש לרכבו המון גלגליו לא הפנו אבות אל בנים מרפיון ידים׃
3Kana vachinzwa kutinhira kokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo;
4על היום הבא לשדוד את כל פלשתים להכרית לצר ולצידון כל שריד עזר כי שדד יהוה את פלשתים שארית אי כפתור׃
4nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nekuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori.
5באה קרחה אל עזה נדמתה אשקלון שארית עמקם עד מתי תתגודדי׃
5Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira rinhiko?
6הוי חרב ליהוה עד אנה לא תשקטי האספי אל תערך הרגעי ודמי׃
6Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira rinhiko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.
7איך תשקטי ויהוה צוה לה אל אשקלון ואל חוף הים שם יעדה׃
7Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemahombekombe egungwa, ndipo paakazviraira.